Zviziviso
◼ Zvichagoverwa muna April naMay: Magazini eNharireyomurindi neAwake! Paunenge uchishanyirazve vaya vanofarira, kusanganisira vaya vakapinda Chirangaridzo kana kuti mimwe misangano ine chokuita nokunamata asi vasiri kuwadzana nguva dzose neungano, funga nezvokutanga kudzidza navo Bhaibheri uchishandisa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei.
◼ Ungano haisi kuzoita Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano, Chikoro chaMwari Choushumiri uye Musangano Webasa vhiki rainenge iine gungano reruwa, gungano redunhu uye zuva regungano chairo. Saka, tinokurudzira vose kuti vadzidze zvichakurukurwa pamisangano yose iyi mitatu, somuenzaniso, pavanenge vachiita Kunamata Kwemhuri kwemanheru.
◼ Hurukuro inokosha yemwaka weChirangaridzo cha2010 ichange ine musoro unoti “Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Rini?”
◼ Hofisi yebazi inoda chaizvo kuwana zvakaitika muushumiri zvinonakidza uye zvinokurudzira. Zvingava zviine chokuita nokutanga kudzidza Bhaibheri nemunhu, kubatsirwa kwakaitwa munhu kuti asiye kunamata kwenhema obva agamuchira kunamata kwechokwadi, uye kukunda kupikiswa kwaaiitwa uye zvimwewo. Tapota sunungukai kunyora zvakaitika zvamakava nazvo. Munogona kushandisa chero mutauro pane inotaurwa munyika ino yakadai seChirungu, chiShona uye Zulu. Tapota ipai zvakaitika zvamunazvo kune mumwe ari mudare revakuru reungano yenyu kuti aone kuti zvose zvinodiwa zviripo asati atumira kubazi.