RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/10 pp. 2-3
  • Vamwe Vanodzidzei Pavanoona Zvaunoita?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vamwe Vanodzidzei Pavanoona Zvaunoita?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Kushandisa Chikoro Kuvandudza Ushumiri Hwomumunda
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Uri Kuita Ushumiri Hwako Zvizere Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Tevedzera Muenzaniso Wakasiyiwa naJesu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kudzidzisa Vatsva
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
km 4/10 pp. 2-3

Vamwe Vanodzidzei Pavanoona Zvaunoita?

1. Vadzidzi vaJesu vakadzidzei nokuona zvaaiita?

1 Jesu akati: “Takurai joko rangu mudzidze kwandiri.” (Mat. 11:29) Zviri pachena kuti akadzidzisa vamwe kwete chete nokungotaura asi nokuvaratidza muenzaniso wakanaka. Funga zvakadzidzwa nevadzidzi nokungoona zvaiitwa naJesu. Aiva munyoro, ane mutsa uye rudo. (Mat. 8:1-3; Mako 6:30-34) Aizvininipisa nemwoyo wose. (Joh. 13:2-5) Sezvavaienda naJesu muushumiri, vadzidzi vakaona kuti aishanda nesimba uye kuti ainyatsokwanisa kudzidzisa vamwe chokwadi. (Ruka 8:1; 21:37, 38) Vamwe vanobatsirwa sei nokuona zvatinenge tichiita muushumiri?

2. Kuzvibata kwedu zvakanaka patinenge tiri muushumiri kunoita sei kuti vanasaimba vasare vachifunga zvakanaka nezvedu?

2 Vanasaimba: Kupfeka kwedu kune mwero, tsika dzedu dzakanaka uye kufarira vanhu nemwoyo wose kunogona kubaya mwoyo vanasaimba. (2 VaK. 6:3; VaF. 1:27) Vanoona kuti nguva zhinji tinoshandisa Bhaibheri. Vamwe vanonakidzwawo nokuona kuti tinoteerera noruremekedzo pavanotaura. Usamborerutsa kushanda kunogona kuita muenzaniso wakanaka pakuita kuti vanhu vafarire shoko roUmambo.

3. Zvatinoita zvinogona kubatsira sei hama dzedu?

3 Hama Dzatinonamata Nadzo: Fungawo nezvekubatsira kwatinogona kuita hama dzedu dzatinonamata nadzo. Kushingaira kwedu muushumiri kune zvakunoitawo pane vamwe. Sezvo simbi ichirodza imwe simbi, mharidzo dzedu dzakanyatsogadzirirwa dzinogona kubatsira vamwe kuti vawedzere unyanzvi hwavo pabasa rokuparidzira. (Zvir. 27:17) Kunyora kwatinoita zvine chokuita nevaya vanofarira uye kukurumidza kudzokera kwavari zvinokurudzira vamwe kuti vaitewo saizvozvo. Tichakurudzira hama dzedu nehanzvadzi nokuita ushumiri hwedu zvizere.—2 Tim. 4:5.

4. Nguva nenguva, nei tichifanira kuongorora muenzaniso wedu?

4 Nguva nenguva imboongorora zvaunoita nezvaunotaura uye kuti vamwe vanobatsirwa sei pavanoona muenzaniso wako. Muenzaniso wedu wakanaka uchafadza Jehovha uye uchaita kuti tidzokororewo mashoko omuapostora Pauro paakati: “Ivai vatevedzeri vangu, seni ndiri waKristu.”—1 VaK. 11:1.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe