RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/07 p. 4
  • Tevedzera Muenzaniso Wakasiyiwa naJesu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tevedzera Muenzaniso Wakasiyiwa naJesu
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Tichifanira Kuungana Kuti Tinamate Pamwe Chete?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Dzidzisa Vanyoro Kuti Vafambe Munzira yaMwari
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Unoitawo Chimwe Chinhu Pamisangano yechiKristu Kuti Ivake Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Misangano Inobatsira Vechiduku
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
km 9/07 p. 4

Tevedzera Muenzaniso Wakasiyiwa naJesu

1. Jesu akasiya muenzaniso wei?

1 Patinoita basa rokuita vadzidzi, tinofanira kuramba tichifunga kuti muenzaniso wedu unogona kukurudzira zvakasimba vanhu vanoticherechedza. Jesu akadzidzisa neshoko nezviito. Vaimucherechedza vaigona kuona kushingaira kwake, kuda kwaaiita vanhu, kuda kutsvenesa zita raBaba vake uye kutsunga kwake kuita zvinoda Baba vake.—1 Pet. 2:21.

2. Muenzaniso wedu unogona kukurudzira vatinoshanda navo muushumiri munzira dzipi?

2 Patinoita Ushumiri Hwepaimba Neimba: Somuenzaniso waJesu, weduwo une zvaunoita pavanhu vatinoshanda navo. Vaparidzi vatsva vasina ruzivo rwakawanda vanotiona tichishingaira muushumiri vachafunga nezvezvakaita basa ravo rokuparidzira. Pavanoona kuti tinofara uye kuti tinofarira vanhu zvechokwadi, vachayeuchidzwa nezvokukosha kwokuratidza unhu hwakadaro muushumiri hwavo. Pavanoona kushingaira kwedu patinoshandisa Magwaro, patinodzokerazve uye patinodzidzisa vanhu Bhaibheri vachakurudzirwa kuitawo izvozvo.

3. Muenzaniso wedu ungarayiridza sei vadzidzi veBhaibheri uye vangadzidzei?

3 Pakudzidzisa Vanhu Bhaibheri: Vatinodzidzisa Bhaibheri ndivo vachanyanya kucherechedza zvatinoita. Somuenzaniso, kunyange zvazvo tingavatsanangurira kukosha kwokugadzirira zvatichadzidza, kutarisa magwaro arimo uye kutara pfungwa dzinokosha, vachaona kuti takagadzirira here kana kuti kwete. (VaR. 2:21) Kana tichisvika nenguva yatakataurirana kuti tichadzidza navo, kashoma kuti varege zvimwe zvinhu zvichivhiringidza kudzidza kwavo Bhaibheri. Pasina mubvunzo vachaonawo kuzvipira kwedu muushumiri uye kuti tine kutenda kwakasimba. Hazvishamisi kuti vadzidzi veavo vanonyatsotevedzera muenzaniso waJesu kazhinji kacho vanova vaevhangeri vanoshingaira vachiva nezvibereko.

4. Patinopinda misangano yeungano, muenzaniso wedu unodzidzisei?

4 Patinopinda Misangano Yeungano: Vose vari muungano yechiKristu vane zvavanoita pakudzidzisa nomuenzaniso pamisangano yeungano. Vatsva vanotanga kupinda misangano vanobatsirwa nemienzaniso yakanaka yavanocherechedza muungano. Vachaona ushamwari huri pakati pehama, kubatana kwevaKristu uye kupfeka nokushambidzika zvine mwero. (Pis. 133:1) Muenzaniso wedu wokugara tichipinda misangano yeungano uye kuzivisa pachena kutenda kwedu zvichaonekwawo. Mumwe murume akapinda mumwe musangano wedu akaona kuti kamwe kasikana kaikurumidza kuwana rugwaro rwainge rwataurwa muBhaibheri rako uye konyatsotevera ruchiverengwa. Muenzaniso wako wakaita kuti akumbire kudzidza Bhaibheri.

5. Nei tisingambofaniri kurerutsa kukosha kwomuenzaniso wedu?

5 Magwaro anotikurudzira kutevedzera muenzaniso wakanaka womumwe nomumwe. (VaF. 3:17; VaH. 13:7) Nokudaro tinofanira kuyeuka kuti kana tikanyatsotevera muenzaniso wakasiyiwa naJesu, vamwe vachazviona zvovakurudzira mune zvakanaka. Tichiziva izvi ngatichengetei mumwoyo mashoko anowanikwa pana 1 Timoti 4:16 anoti: “Ramba uchizvichenjerera iwe nokudzidzisa kwako.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe