‘Aya Mashoko Akanaka Achaparidzwa’!
1. Tinoziva sei kuti hapana chinogona kumisa basa rokuparidzira?
1 Hapana kana chinogona kumisa Jehovha kuzadzisa chinangwa chake. (Isa. 14:24) Kunyange zvazvo zvaiita sokuti Gidhiyoni nevarume 300 vaaiva navo vaisazokunda uto revaMidhiyani 135 000, Jehovha akamuudza kuti: “Uchaponesa Israeri muchanza chaMidhiyani. Handisi kukutuma here?” (Vat. 6:14) Ibasa ripi riri kutsigirwa naJehovha nhasi? Jesu akati: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa.” (Mat. 24:14) Hapana munhu anogona kumisa basa iri zvachose!
2. Nei tichitarisira kuti Jehovha atibatsire somunhu mumwe nomumwe muushumiri?
2 Jehovha Anobatsira Mumwe Nomumwe Wedu: Kunyange zvazvo tiine chokwadi chokuti Jehovha achaita kuti zvapupu zvake zvibudirire seboka, tinogona kutarisira kubatsirwa naJehovha somunhu mumwe nomumwe here? Panguva yaaida kubatsirwa, muapostora Pauro akanyatsoona kutsigira kwaakaitwa naJehovha achishandisa Mwanakomana wake Jesu. (2 Tim. 4:17) Tinogonawo kuva nechokwadi chokuti Jehovha achakomborera zvose zvatinoita somunhu mumwe nomumwe kuti tiite kuda kwake.—1 Joh. 5:14.
3. Jehovha anotibatsira mumamiriro ezvinhu akaita sei?
3 Kuzvidya mwoyo nezvinetso zvezuva nezuva kunoita kuti uve nesimba shoma rokuita ushumiri here? “Anopa munhu akaneta simba.” (Isa. 40:29-31) Uri kutambudzwa kana kuti kushorwa here? “Kanda mutoro wako pana Jehovha, Iye achakutsigira.” (Pis. 55:22) Pane dzimwe nguva unombonzwa usina chivimbo here? “Chienda, uye ini ndichava nomuromo wako.” (Eks. 4:11, 12) Une chinetso cheutano chinokutadzisa kunyatsoita ushumiri here? Jehovha anokoshesa uye anogona kushandisa zvose zvaunoedza kuita pasinei nokuti zviduku sei.—1 VaK. 3:6, 9.
4. Kuvimba naJehovha kuchatibatsira sei?
4 Ruoko rwaJehovha “rwakatambanudzwa, ndiani angarudzosa?” (Isa. 14:27) Ngatipfuurirei tisinganeti kuparidzira ‘noushingi uye tichishandisa simba raJehovha’ tichivimba kuti achakomborera ushumiri hwedu.—Mab. 14:3.