Zviziviso
◼ Zvichagoverwa muna February: Vaparidzi vangagovera rimwe remabhuku anotevera kana aripo: Is There a Creator Who Cares About You?, Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri, kana kuti Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? March: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Itai zvose zvamunogona kutanga zvidzidzo zveBhaibheri. April naMay: Magazini eNharireyomurindi neMukai! Pamunodzokera kuvanhu vanofarira, kusanganisira vaya vakapinda Chirangaridzo kana zvimwe zviitiko zvokunamata asi vasiri kuwadzana neungano, fungai nezvokutanga zvidzidzo muchishandisa bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei.
◼ Hurukuro inokosha yemwaka weChirangaridzo wa2011 ichava nomusoro unoti, “Mazano eBhaibheri—Anogona Kutibatsira Here Kutsungirira Matambudziko Edu Mazuva Ano?”
◼ Hapana misangano inofanira kuitwa kunze kwemisangano yebasa romumunda musi weSvondo, April 17, zuva reChirangaridzo. Ungano dzinowanzova nemisangano musi iwoyo dzingasarudza rimwe zuva rokuita musangano wacho. Ungano dzinoshandisa Imba yoUmambo dzakawanda uye dzisingakwanisi kuwana rimwe zuva rokuzoita musangano dzingarega kuita musangano wacho. Mumamiriro ezvinhu akadaro, mhuri dzinokurudzirwa kuva neChidzidzo cheNharireyomurindi pamanheru Okunamata Kwemhuri.