Zviziviso
◼ Zvichagoverwa muna March: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Itai zvose zvamunogona kutanga zvidzidzo zveBhaibheri. April naMay: Magazini eNharireyomurindi neMukai! Pamunodzokera kune vanhu vanofarira, kusanganisira vaya vakapinda Chirangaridzo kana zvimwe zviitiko zvokunamata asi vasiri kuwadzana neungano, fungai nezvokutanga zvidzidzo muchishandisa bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei. June: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Kana vanasaimba vachitova nebhuku racho, vaparidzi vangagovera chero bhuku rine mapeji 192 rakadhindwa papepa rinochinja ruvara kana kuti chero bhuku rakabudiswa 1995 asati asvika.
◼ Pamunenge muchiparidzira munhu anotaura chiChinese, muratidzei mapeji ari mukabhuku kanonzi Nations pane mitauro yakanzi, Chinese (Traditional) (CH) uye Chinese (Simplified) (CHS), kuti muzive kuti ndeupi waanofarira kuverenga. Vanhu vakawanda vanobva kuHong Kong kana kuTaiwan vanowanzofarira kuverenga mabhuku muChinese (Traditional) (CH), nepo vaya vanobva kuChina vanowanzofarira kuverenga Chinese (Simplified) (CHS). Zvisinei, kana pava panyaya yemavhidhiyo nemaCD, fungai kuti saimba anonyatsotaura uye kunyatsonzwisisa chiChinese chipi. Kazhinji vanhu vanobva kuChina uye kuTaiwan vanonzwisisa Chinese (Mandarin) (CHM), nepo vaya vanobva kuHong Kong vanonzwisisa Chinese (Cantonese) (CHC).
◼ Vhidhiyo inonzi Jehovah’s Witnesses—Organized to Share the Good News ichakurukurwa paMusangano Webasa muna August. Makopi evhidhiyo yacho anofanira kuodhwa neungano nokukurumidza sezvingabvira, kana achidiwa.