Tsamba Inobva kuDare Rinodzora
Zvapupu zvaJehovha Zvinodiwa:
Nguva dzino dzinonakidza zvikuru! Uye tinofara kwazvo! Tinofara zvechokwadi kushanda nemi hama nehanzvadzi dzinodiwa—‘takabatana,’—mukupupurira Baba vedu vokudenga, Jehovha, kupfuura zvati zvamboitwa.—Zef. 3:9; Joh. 14:12.
Kufara kwatinoita pakushumira Jehovha hakurevi kuti hatina matambudziko makuru. Mugore rebasa rakapfuura, vamwe venyu vakasangana nematambudziko zvichikonzerwa nekudengenyeka kwenyika, mafashamo, madutu uye dzimwewo njodzi dzinongoitika dzoga dzinoisa upenyu pangozi. (Mat. 24:7) Vakawanda vanotambura zuva nezuva pamusana pezvirwere uye kukwegura. Tose zvedu tinofanira kuramba tichirwisana ne“marwadzo enhamo” anongoramba achiwedzera. (Mat. 24:8) Munyika dzinosanganisira Armenia, Eritrea, uye South Korea, hama dzedu dzakawanda dziri kuiswa mumajeri nemhaka yekutenda kwadzo.—Mat. 24:9.
Chii chakatibatsira kuti tirambe takashinga pasinei nokusangana nezvinhu zvakaoma kudai? Rugwaro rwegore rwa2010 rwakatiyeuchidza nezvechimwe chinhu chinokosha: ‘Rudo runotsungirira zvinhu zvose. Rudo harumboperi.’ (1 VaK. 13:7, 8) Chokwadi, kudanana kwatinoita uyewo kuda kwatinoita Jehovha kunotisimbisa kuti tibudirire pakutsungirira.
Vakawanda vanozviti vaKristu vanoshamiswa nemaitiro atinoita basa redu rokuparidza tisingaregi. Kunyange zvazvo vangasabvumirana nezvatinotenda uye zvatinodzidzisa, vamwe vakamanikidzirwa kutaura kuti, “Muri kuita basa ratinofanira kunge tichiita!” Chii chinoita kuti Zvapupu zvaJehovha zvirambe zvichiparidza zuva rimwe nerimwe? Mhinduro yacho zvakare ndeyokuti, rudo. Kufanana naBaba vedu vokudenga, hapana watinoda kuti aparadzwe. (2 Pet. 3:9) Chido chatiinacho chokuti vose vasvike pakupfidza chinoratidzwa nenhamba itsva yepamusorosoro yevaparidzi 7 508 050 yakashumwa mugore rebasa rakapfuura. Nderipi rimwe sangano rechitendero rine vashumiri vakawanda vanoshingaira mubasa iri rinoratidza rudo, vachizvipira kuti vabatsire vamwe mune zvokunamata?
Tinokurudzirwa nokuona kuzadzika kuri kuramba kuchiita uprofita hwakanyorwa naIsaya hunoti: “Nemazuva okupedzisira gomo reimba yaJehovha richasimbiswa kwazvo kupfuura misoro yemakomo, richakwidziridzwa kupfuura zvikomo; uye marudzi ose achadirana achienda kwariri.” (Isa. 2:2-4) Pakati pevazhinji vari kudirana kuimba yaJehovha pane 294 368 vakabhabhatidzwa mugore rebasa rakapfuura. Tinogamuchira vanhu ava vanokosha kusangano redu. Dai rudo rwedu rwechiKristu rukatikurudzira kuramba tichivabatsira kurwisana nemuvengi wedu Satani Dhiyabhorosi.—1 Pet. 5:8, 9.
Nhamba yepamusorosoro yevanhu 18 706 895 vakapinda Chirangaridzo musi weChipiri, March 30, 2010, inoratidza kuti mamwezve mamiriyoni anogona kubatana nesu mukunamata Jehovha. Zvinotifadza sei kuti Jehovha haasati agumisa nyika ino yakaipa! Iye zvino rudo rwedu runotibatsira kuramba tichitsungirira.—2 VaT. 3:5.
Magungano eRuwa aiva nemusoro unoti, “Ramba Uri Pedyo naJehovha!” mazhinji acho akaitwa munyika yose muna 2010, akasimbisa ukama hwedu naBaba vedu vokudenga, Jehovha. Mashoko emunyori wepisarema ndeechokwadi anoti, “Vanofara vanhu avo Mwari wavo ari Jehovha!” (Pis. 144:15) Pasinei nezvingaitika mune ramangwana, tine chivimbo chokuti kana Jehovha ari kurutivi rwedu, hapana kana chokutya. (Pis. 23:4) Munguva pfupi iri kutevera Jehovha, achashandisa Mwanakomana wake, “kuti aputse mabasa aDhiyabhorosi.” (1 Joh. 3:8) Chokwadi, tinoshuva kuti dai zuva iroro rasvika! Asi iye zvino, tine basa rakawanda rokuita kuti tigare takabatikana.—1 VaK. 15:58.
Ivai nechokwadi chokuti tinogara tichitaura nezvenyu muminyengetero yedu ‘tisingaregi.’ (VaR. 1:9) Naizvozvo “rambai muri murudo rwaMwari, pamunenge muchimirira ngoni dzaShe wedu Jesu Kristu muchifunga nezvoupenyu husingaperi.”—Jud. 21.
Tinokudai mose!
Hama dzenyu,
Dare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha