Waimbova Piyona Wenguva Dzose Here?
1. Vakawanda vave vaine ropafadzo yei, asi vamwe vakaitei?
1 Kwemakore, vakawanda vave vaine ropafadzo ‘yokudzidzisa nokuzivisa mashoko akanaka’ sevashumiri venguva yakazara. (Mab. 5:42). Zvisinei, vamwe vakarega kupayona nezvikonzero zvakasiyana-siyana. Kana waimbova piyona wenguva dzose, wakaongorora mamiriro ako ezvinhu iye zvino here kuti uone kana ungatanga zvakare kupayona?
2. Nei vaya vaimbova mapiyona vachifanira kuongororazve mamiriro avo ezvinhu iye zvino?
2 Zvinhu Zvinochinja: Zvimwe mamiriro ezvinhu akakonzera kuti urege kupayona akachinja. Somuenzaniso, kana wakarega kupayona nokuti waitadza kusvitsa maawa 90 aidiwa pamwedzi, ungatangazve here iye zvino, maawa acho zvaakaderedzwa kusvika pa70? Basa rako uye mitoro yemhuri zvadzikira here mazuva ano kana uchizvienzanisa nepanguva yawakarega kupayona? Imwe hanzvadzi yakarega kupayona nokuda kweutano yakakwanisa kuzotanga zvakare yava nemakore 89. Sezvo yakanga yapedza gore isina kumbopinda muchipatara, yakanzwa kuti utano hwayo hwaiibvumira kutangazve kupayona.
3. Vanhu vari mumhuri vangabatsirawo sei kuti mumwe womumhuri mavo apayone?
3 Zvichida hauna kumbobvira wapayona, asi mumwe womumhuri menyu akarega kupayona kuti atarisire mumwe womumhuri, akadai semubereki akwegura. (1 Tim. 5:4, 8) Kana zvakadaro, hapana zvamungaita here, iwe kana kuti vamwe vomumhuri kuti mumubatsire? Madii kuisa misoro pamwe chete? (Zvir. 15:22) Kana vemumhuri vakashandira pamwe kuitira kuti mumwe apayone, vose vanonzwawo kuti vari kuita chimwe chinhu pabasa racho.
4. Ungaitei kana usingakwanisi kutangazve kupayona iye zvino?
4 Usaora mwoyo kana usingakwanisi kutangazve kupayona iye zvino. Chido chako chokuita kudaro chinofadza Jehovha. (2 VaK. 8:12) Iye zvino paunoita ushumiri, shandisa unyanzvi hwawakawana pawaipayona. Nyengeterera chido chako, uye gara wakangwarira kushandisa mikana yose yokuti ugadzirise mamiriro ako ezvinhu. (1 Joh. 5:14) Zvichida, nokufamba kwenguva, Jehovha achakuzarurira “suo guru rebasa” kuti ukwanise zvakare kuwana mufaro unobva paupiyona hwenguva dzose!—1 VaK. 16:9.