‘Ivai Netsitsi Kwazvo’
1. Chii chiri kunyanya kudiwa nevanhu mazuva ano?
1 Iye zvino vanhu vave kunyanya kuda kunzwirwa tsitsi kupfuura nakare kose. Kuoma kuri kuita zvinhu kuri kuita kuti vanhu vapedzisire vasingachafari, vaora mwoyo uye vasisina tariro. Vanhu vakawanda vari kuda kubatsirwa, saka isu sevaKristu ndisu tinotokwanisa kunyatsoratidza hanya kune vavakidzani vedu. (Mat. 22:39; VaG. 6:10) Zvii zvatingaita kuratidza kuti tine hanya?
2. Ndeipi nzira yakanakisisa yatingaratidza nayo kuti tinonzwira vamwe tsitsi?
2 Basa Rinoratidza Kunzwira Tsitsi: Kunyaradza kwechokwadi uye kunogara kwenguva refu kunobva kuna Mwari chete. (2 VaK. 1:3, 4) Jehovha anotikurudzira kuti timutevedzere ‘pakuva netsitsi kwazvo’ uye akatipa basa rokushanyira vavakidzani vedu tichivaudza mashoko akanaka oUmambo. (1 Pet. 3:8) Kunyatsoita zvose zvatinogona mubasa iri ndiyo nzira yakanakisisa yatinganyaradza nayo “vakaora mwoyo,” nokuti Umambo hwaMwari ndihwo chete huchagadzirisa matambudziko evanhu. (Isa. 61:1)Nemhaka yetsitsi dzina Jehovha kuvanhu vake, munguva pfupi iri kutevera achabvisa uipi hwose ounza nyika itsva yakarurama.—2 Pet. 3:13.
3. Tingaratidza sei kuti tinoona vanhu semaonerwo avaiitwa naJesu?
3 Ona Vanhu Semaonerwo Avaiitwa naJesu: Kunyange pakuparidzira mapoka makuru evanhu, Jesu aionawo zvaidiwa nemumwe nemumwe panyaya dzokunamata. Vanhu vacho vakanga vakafanana nemakwai asina mufudzi anotungamirira. Jesu akasiririswa nezvaakaona achibva atanga kuvadzidzisa zvishoma-nezvishoma. (Mako 6:34) Kana tikaona vanhu semaonerwo avaiitwa naJesu zvichatibatsira kuti tivaratidze tsitsi dzechokwadi. Izvi zvichanyatsoonekwa nematauriro edu uye zvatinoita chiso chedu. Tikaita seizvi tichapedzisira tava kuisa basa rokuparidza pakutanga, uye tinenge tava kugona kuchinja mashoko edu kuti aenderane nezvinodiwa nemunhu mumwe nemumwe.—1 VaK. 9:19-23.
4. Sei tichifanira kupfeka tsitsi?
4 Boka guru revanhu kubva mumarudzi ose riri kuteerera mashoko oUmambo uye riri kufarira ushamwari hunozorodza hwarinoratidzwa. Patinoramba tichipfeka tsitsi tichakudza uye ticharumbidza Jehovha Mwari wedu ane tsitsi.—VaK. 3:12.