RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/11 p. 2
  • Jehovha Ari Kutidzidzisa Kuita Basa Racho

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha Ari Kutidzidzisa Kuita Basa Racho
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
  • Mashoko Akafanana
  • Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari Chinounza Betsero
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Chikoro Chinobudirira Chiri Munyika Yose
    Mukai!—1996
  • Chikoro Chinotishongedzera Zvinhu Zvinokosha Zvikuru
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Kubatsirwa Kwatinoitwa Nechikoro chaMwari Choushumiri
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
km 9/11 p. 2

Jehovha Ari Kutidzidzisa Kuita Basa Racho

1. Jehovha paanopa vanhu basa rokuita, chii chaanoita zvakare?

1 Jehovha paanopa vanhu basa, anovapawo rubatsiro rwokuti vakwanise kuita basa racho. Somuenzaniso, Jehovha paakaudza Noa kuti aite basa raakanga asati amboita rokuvaka areka, akamuudzawo mavakirwo ayaizoitwa. (Gen. 6:14-16) Mosesi uyo aiva munyoro uye ari mufudzi, paakatumwa kunotaura nevarume vakuru vevaIsraeri uye naFarao, Jehovha akamuvimbisa kuti: “Ini ndichava nomuromo wako uye ndichakudzidzisa zvaunofanira kutaura.” (Eks. 4:12) Ndizvo zvimwe chetewo pabasa redu rokuparidza mashoko akanaka, Jehovha anotipawo mirayiridzo yokuti tingariita sei. Ari kutidzidzisa basa iri achishandisa Chikoro chaMwari Choushumiri uye Musangano Webasa. Zvii zvatingaita kuti tibatsirwe nokudzidziswa uku?

2. Tingabatsirwa sei neChikoro chaMwari Choushumiri?

2 Chikoro chaMwari Choushumiri: Usati wapinda musangano mumwe nomumwe tanga waverenga uye woongorora mashoko achakurukurwa. Paunoona vadzidzi vachitsanangura mashoko acho muhurukuro dzavo, uchabva wawedzerawo unyanzvi hwako hwokudzidzisa. (Zvir. 27:17) Uya nebhuku rako reChikoro Choushumiri kumisangano. Mutariri wechikoro paachashandisa bhuku iri pashure pehurukuro yomudzidzi mumwe nomumwe, maka pfungwa dzinokosha dzaunoda kuzoshandisa, uye nyora manotsi aunoda kumicheto yebhuku iri. Asi kuti unyatsobatsirwa nechikoro ichi, ivawo nezvaunoita. Wakanyoresa muchikoro here? Kana ukapiwa hurukuro, nyatsoigadzirira uye shandisa zano rawakapiwa. Paunenge wava muushumiri, shandisa zvaunenge wadzidza.

3. Tinofanira kuitei kuti tibatsirwe neMusangano Webasa?

3 Musangano Webasa: Kuti tiyeuke mazano anenge akurukurwa pamusangano uyu tinofanira kufanoverenga zvichakurukurwa uye kugadzirira kupawo mhinduro. Kana tikapa mhinduro pfupi, zvichaita kuti vakawanda vawanewo mukana wokupindura. Nyatsoteerera panenge pachienzanisirwa, uye shandisa mazano aunoona kuti achaita kuti ubudirire muushumiri. Chengeta Ushumiri Hwedu hwoUmambo hune nyaya dzaunoona kuti dzinozokubatsira muushumiri.

4. Nei tichifanira kushandisa zvatinodzidziswa naMwari?

4 Kungofanana nebasa rakapiwa Noa uye Mosesi, basa redu rokuparidza mashoko akanaka munyika yose inogarwa harisi nyore. (Mat. 24:14) Tinogona kubudirira kana tikavimba noMurayiridzi wedu Mukuru, Jehovha, uye tikashandisa zvose zvaanotidzidzisa.—Isa. 30:20.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe