Purogiramu Yevhiki yaSeptember 26
VHIKI INOTANGA NASEPTEMBER 26
Rwiyo 101 Nemunyengetero
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
bt-CA chits. 10 ¶1-9, bhokisi riri pap. 79 (25 min.)
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Mapisarema 142-150 (10 min.)
Nha. 1: Pisarema 144:1–145:4 (Maminitsi 4 zvichidzika)
Nha. 2: Umambo hwaMwari Hwakatanga Kutonga Muzana Remakore Rokutanga Here?—rs-CA p. 355 ¶1-3 (5 min.)
Nha. 3: Nei Tichifanira Kudzivisa “Mabasa Okusarura”?—Jak. 2:1-4 (5 min.)
□ Musangano Webasa:
10 min: Zviziviso. Kurukurai “Imwe Nzira Yokushandisa Bhurocha raBhaibheri Rinombotaura Nezvei?” Shandisai mharidzo yokuenzanisira iri papeji 4 kuti muenzanisire kuti tingatanga sei kudzidza nemunhu Bhaibheri musi woMugovera, October 1. Kurudzirai vose kuti vaite basa iri.
10 min: Bhokisi Remibvunzo. Kukurukurirana. Tauraiwo zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaMarch 2005, papeji 8.
15 min: Gadzirira Kugovera Magazini Muna October. Kukurukurirana. Kweminiti imwe kana maviri, taurai dzimwe dzenyaya dziri mumagazini yacho dzinofadza vanhu vari mundima yenyu. Sarudzai nyaya mbiri kana nhatu, mokurukura kuti nyaya idzi dzingashandiswa sei, muchikurukura nyaya imwe panguva. Itai izvi nokukumbira vateereri kuti vataure mibvunzo yavanofunga kuti ichaita kuti vanhu vafarire, uye rugwaro rwavachazoverenga. Sezvo Awake! yaOctober ichava nenyaya inokosha, kumbirai vateereri kuti vataure kuti ndivanaani vangafarira magazini iyi uye kuti tingaigovera sei kune vanhu vakawanda. Enzanisirai kuti magazini imwe neimwe ingagoverwa sei.
Rwiyo 41 Nemunyengetero