Zviziviso
◼ Mabhuku achagoverwa muna February: Vaparidzi vangagovera chero bhuku pane anotevera: Is There a Creator Who Cares About You?, Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri, Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? March: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Edzai kutanga kudzidza nevanhu Bhaibheri pamunoshanya kekutanga. Kana vanasaimba vachitova nebhuku racho uye varamba kudzidza Bhaibheri, vaparidzi vangagovera magazini yekare kana kuti chero bhurocha rinotaura zvinofarirwa nemunhu wacho. April naMay: Magazini eNharireyomurindi neAwake! Kana munhu afarira, muratidzei turakiti raUngada Here Kuziva Chokwadi? uye edzai kutanga chidzidzo cheBhaibheri. Pamunodzokera kune vaya vakapinda Chirangaridzo kana zvimwe zviitiko zvokunamata asi vasiri kuwadzana neungano, fungai nezvokutanga zvidzidzo muchishandisa bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei?
◼ Hurukuro inokosha ichapiwa pashure peChirangaridzo ichange iine musoro wokuti “Mazuva Afamba Kupfuura Zvaunofunga Here?”
◼ Pose paunoronga kushanyira nyika isina kunyorwa pamushumo wenyika yose wegore rebasa kana kuti isiri papeji yekupedzisira inenge iine kero dzenyika dzakasiyana-siyana muBhuku Regore regore rino, tapota taura nehofisi yebazi kuti ikuudze zvaunofanira kuita kana kuti ikupe mirayiridzo inokosha ingada kutevedzerwa. Basa reUmambo munyika yacho ringave richirambidzwa. (Mat. 10:16) Mune dzimwe nyika zvingasakurudzirwa kuti vashanyi vataure neZvapupu kana kupinda neungano dzeko. Ungangoudzwa zvimwe zvokuita panyaya yokuparidza zvisina kurongwa kana kuti pakutakura mabhuku edu. Ukaita zvataurwa apa zvichaita kuti usazvimutsira matambudziko kana kuti usakanganisa basa reUmambo munyika yaunenge washanyira.—1 VaK. 14:33, 40.