RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 3/12 p. 4
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
km 3/12 p. 4

Zviziviso

◼ Mabhuku achagoverwa muna March: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Edzai kutanga kudzidza nevanhu Bhaibheri pamunoshanya kekutanga. Kana vanasaimba vachitova nebhuku racho uye varamba kudzidza Bhaibheri, vaparidzi vangagovera magazini yekare kana kuti chero bhurocha rinotaura zvinofarirwa nemunhu wacho. April naMay: Magazini eNharireyomurindi neAwake! Kana munhu afarira, muratidzei turakiti raUngada Here Kuziva Chokwadi? uye edzai kutanga chidzidzo cheBhaibheri. Pamunodzokera kune vaya vakapinda Chirangaridzo kana zvimwe zviitiko zvokunamata asi vasiri kuwadzana neungano, fungai nezvokutanga zvidzidzo muchishandisa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei?

◼ Chirangaridzo chichaitwa musi weChina, April 5, 2012. Kana ungano yenyu ichiita misangano musi weChina, misangano yacho inofanira kuitwa rimwe zuva muvhiki iroro kana Imba yoUmambo isiri kushandiswawo nevamwe. Kana zvisingaiti rongai kuzokurukura dzimwe hurukuro dzepaMusangano Webasa dzamunoona kuti dzinoshanda muungano yenyu dzanga dzichifanira kukurukurwa muvhiki reChirangaridzo. Hurukuro idzi dzinogona kuzokurukurwa pane mumwe Musangano Webasa wevhiki dzinotevera.

◼ Mavhidhiyo maviri anoti Young People Ask, How Can I Make Real Friends? uye What Will I Do With My Life?, achakurukurwa paMusangano Webasa muvhiki dzinotevera. Kana mavhidhiyo acho achidiwa munogona kuaodha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe