Purogiramu Yevhiki yaApril 2
VHIKI INOTANGA NAAPRIL 2
Rwiyo 8 Nemunyengetero
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
bt-CA chits. 18 ¶19-24 (25 min.)
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Jeremiya 17-21 (10 min.)
Nha. 1: Jeremiya 21:1-10 (Maminitsi 4 zvichidzika)
Nha. 2: Utongi hwaSatani Hwaratidzwa Sei Kuti Haubudiriri? (5 min.)
Nha. 3: Chii Chingabatsira Vakaroorana Kuti Vanatsiridze Ukama Hwavo?—rs-CA p. 148 ¶2-5 (5 min.)
□ Musangano Webasa:
10 min: Zviziviso. Shandisai mharidzo yokuenzanisira iri papeji ino pakuenzanisira kuti chidzidzo cheBhaibheri chingatangwa sei musi woMugovera wokutanga muna April.
15 min: Zvomuungano yenyu.
10 min: Mazano Okugovera Magazini Muna April. Kukurukurirana. Kweminiti imwe kana maviri taurai nyaya shoma dziri mumagazini dzingafarirwa nevanhu mundima yenyu. Zvadaro muchishandisa nyaya dzokutanga dzinotevedzana dziri muNharireyomurindi, kumbirai vateereri kuti vataure mubvunzo wavangabvunza ungaita kuti vanhu vafarire, uye kuti rugwaro rwupi rwavanofunga kuzoverenga. Itai zvimwe chete muchishandisa nyaya dzokutanga dzinotevedzana dziri muAwake! uye kana nguva iripo, sarudzai zvakare imwe nyaya kubva muNharireyomurindi kana kuti Awake! Enzanisirai kuti magazini imwe neimwe ingagoverwa sei.
Rwiyo 99 Nemunyengetero