Zviziviso
◼ Zvichagoverwa muna January naFebruary 2013: Shandisai bhurocha remapeji 32 pane anotevera: Mwari Anoitira Hanya Zvomenemene Here?, Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, kana kuti Unogona Kuva Shamwari yaMwari. Pamunodzokera kunoona munhu anenge afarira, edzai kutanga kudzidza naye Bhaibheri muchishandisa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? Kana zvichibatsira munhu wacho munogona kutanga nebhurocha raTeerera Mwari kana raTeerera Mwari Urarame Nokusingaperi. March naApril 2013: Nharireyomurindi neAwake! Pamunodzokera kunoona munhu anenge afarira, edzai kutanga kudzidza naye Bhaibheri muchishandisa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? Kana zvichibatsira munhu wacho munogona kutanga nebhurocha raTeerera Mwari kana raTeerera Mwari Urarame Nokusingaperi.
◼ Musoro wehurukuro yavose ichapiwa nemutariri wedunhu nechepakati pegore rebasa ra2013 unoti “Mashoko Akanaka . . . Kumarudzi Ose Uye Nemadzinza Nendimi.”