Purogiramu Yevhiki yaFebruary 4
VHIKI INOTANGA NAFEBRUARY 4
Rwiyo 70 Nemunyengetero
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
jr chits. 5 ¶1-6, bhokisi riri papeji 55 (30 min.)
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Mateu 22-25 (10 min.)
Nha. 1: Mateu 23:25-39 (Maminitsi 4 zvichidzika)
Nha. 2: Nei vaKristu Vachifanira Kufarira Chaizvo Zvinonzi neBhaibheri Zvichaitika?—rs p. 363 ¶7–p. 364 ¶3 (5 min.)
Nha. 3: Mienzaniso Ipi yomuBhaibheri Inoratidza Kuti Mashoko Akanyorwa Pana Zvirevo 3:5 Ndeeuchenjeri? (5 min.)
□ Musangano Webasa:
10 min: Mazano Okugovera Magazini Muna February. Kukurukurirana. Kwehafu yeminiti kusvika kuminiti imwe chete taurai kuti zvii zvichaita kuti magazini acho afarirwe nevanhu mundima yenyu. Zvadaro, muchishandisa nyaya iri pakavha yeNharireyomurindi, kumbirai vateereri kuti vataure mubvunzo nerugwaro rwavachaverenga zvichaita kuti vanhu vafarire. Itai zvimwe chetezvo neAwake!, uye kana nguva ichiripo, shandisai imwewo nyaya iri mune imwe yemagazini acho. Enzanisirai kuti magazini imwe neimwe ingagoverwa sei.
10 min: Kana Mumwe Munhu Akati, ‘Handitendi muna Mwari.’ Kukurukurirana kubva mubhuku raKukurukurirana peji 263 ndima 2 kusvika kunoperera peji 264. Ivai nomuenzaniso mumwe chete mupfupi.
10 min: Zvomuungano yenyu.
Rwiyo 95 Nemunyengetero