Zviziviso
◼ Zvichagoverwa muna February: Shandisai bhurocha remapeji 32 pane anotevera: Mwari Anoitira Hanya Zvomenemene Here?, Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, kana kuti Unogona Kuva Shamwari yaMwari. Pamunodzokera kunoona munhu anenge afarira, edzai kutanga kudzidza naye Bhaibheri muchishandisa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? Kana zvichibatsira munhu wacho munogona kutanga nebhurocha raTeerera Mwari kana raTeerera Mwari Urarame Nokusingaperi. March naApril: Nharireyomurindi neAwake! Pamunodzokera kunoona munhu anenge afarira, edzai kutanga kudzidza naye Bhaibheri muchishandisa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? Kana zvichibatsira munhu wacho munogona kutanga nebhurocha raTeerera Mwari kana raTeerera Mwari Urarame Nokusingaperi. May: Shandisai rimwe rematurakiti aya: Farikanya Upenyu Hwemhuri, Ndiani Zvomenemene Anobata Ushe Nyika?, Chikonzero Nei Uchigona Kuvimba neBhaibheri, kana kuti Ungada Here Kuziva Chokwadi? Kana munhu akaratidza kufarira, ratidzai kuti chidzidzo cheBhaibheri chinoitwa sei muchishandisa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? kana kuti bhurocha raTeerera Mwari kana raTeerera Mwari Urarame Nokusingaperi.
◼ Pava nepepa idzva rehurukuro yeChirangaridzo uye ndiro rinofanira kushandiswa nevose vachapa hurukuro yeChirangaridzo kutanga muna 2013. Musoro wehurukuro yacho uchange uchiti: “Ratidza Kuonga Zvawakaitirwa naKristu!”
◼ Hurukuro inokosha ichapiwa mumwaka weChirangaridzo cha2013 ichava nemusoro unoti “Munhu Akafa Zvatopera Here?”