Purogiramu Yevhiki yaMarch 4
VHIKI INOTANGA NAMARCH 4
Rwiyo 62 Nemunyengetero
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
jr chits. 6 ¶7-12, bhokisi riri pap. 73 (30 min.)
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Mako 9-12 (10 min.)
Nha. 1: Mako 11:19–12:11 (Maminitsi 4 zvichidzika)
Nha. 2: Munhu Anoramba Achirangirwa Zvivi Here Pashure Pokunge Afa?—rs p. 287 ¶5–p. 288 ¶2 (5 min.)
Nha. 3: Sei Kuzvitsaurira Kuna Mwari Kuchiita Kuti Munhu Afare?—Mab. 20:35 (5 min.)
□ Musangano Webasa:
10 min: Mazano Okugovera Magazini Muna March. Kukurukurirana. Itai kuti vateereri vapindure mibvunzo inotevera: Pakupera kwevhiki kwoga kwoga patinenge tichikoka vanhu kuChirangaridzo, ndezvipi zvauchatarisa kuti uone kana zvichikodzera kugoverawo magazini? Pashure pokukoka munhu zvii zvaungataura kuti ubve wamugovera magazini? Kunyange zvazvo tichishandisa mubvunzo nerugwaro pamharidzo dzokuenzanisira, ungaita sei kuti mharidzo yako ive pfupi? Enzanisirai kuti magazini imwe neimwe ingagoverwa sei pamwe chete nepepa rokukoka vanhu kuChirangaridzo.
10 min: Batsirwa Nebhuku raKuongorora Magwaro Zuva Nezuva—2013. Kukurukurirana. Kurukurai kwenguva pfupi rugwaro rwegore rwunowanika papeji 3-4 uye pakanzi “Ungashandisa Sei Kabhuku Aka?,” papeji 5. Zvadaro kumbirai vateereri kuti vataure kuti inguvai yavakaronga kuti vakurukure rugwaro rwezuva uye kuti vari kubatsirwa sei. Pedzisai nekukurudzira vose kuti vaite rugwaro rwezuva mazuva ose.
10 min: Zvomuungano yenyu.
Rwiyo 119 Nemunyengetero