Vabatsirei Kuti ‘Vadzikamiswe Pakutenda’
Zvinofadza kuona Jehovha achikomborera kuunganidzwa kuri kuitwa vanhu. Vanopfuura 250 000 vari kubhabhatidzwa gore rimwe nerimwe. (Dheut. 28:2) Tsika inowanzova nevaparidzi kana vangobatsira mudzidzi kusvika pakubhabhatidzwa, ndeyokumusiya votanga kutsvaka vamwe. Mudzidzi wacho anogonawo kuva nepfungwa yokuti varege kudzidza kuti ave nenguva yakawanda yokuita ushumiri. Zvisinei, zvinokosha kuti vadzidzi vave nenheyo yakasimba muchokwadi. Vanofanira ‘kudzika midzi’ muna Kristu ‘vachidzikamiswa pakutenda.’ (VaK. 2:6, 7; 2 Tim. 3:12) Saka kana mudzidzi abhabhatidzwa, anofanira kuramba achidzidziswa kusvikira apedza bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? uye ra“Rudo rwaMwari.”—Ona Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaApril 2011, peji 2.