RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb16 September p. 3
  • “Famba Mumutemo waJehovha”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Famba Mumutemo waJehovha”
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2016)
  • Mashoko Akafanana
  • Vimba neShoko raJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Shoko raMwari Ngarive Chiedza Panzira Yako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Unoda Shoko raMwari Zvakadini?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • “Ndinoda Mutemo Wenyu Sei!”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2016)
mwb16 September p. 3

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | PISAREMA 119

“Famba Mumutemo waJehovha”

Kufamba mumutemo waJehovha kunoreva kubvuma kutungamirirwa naye pasina anokumanikidza. Tine vanhu vakawanda vakateerera mutemo waJehovha uye vakavimba naye vanotaurwa muBhaibheri uye mumwe wacho aiva munyori wepisarema 119.

Munyori wepisarema ari kushandisa tsvimbo pakufamba

Mufaro wechokwadi unobva pakufamba kwatinoita mumutemo waMwari

119:1-8

Joshua ari kuverenga mupumburu

Joshua akavimba nekutungamirira kwaJehovha. Kuti afare uye abudirire, aiziva kuti aifanira kuvimba naJehovha nemwoyo wose

Shoko raMwari rinotipa ushingi hwekukunda miedzo yatinosangana nayo

119:33-40

Jeremiya ari kunyengetera

Jeremiya paakasangana nematambudziko, akaratidza kuti ainge akashinga uye kuti aivimba naJehovha. Aisava nezvinhu zvakawanda muupenyu uye akaramba achiita basa raakapiwa

Kuziva chokwadi chiri muShoko raMwari kunoita kuti tisatya kuparidza

119:41-48

Pauro ari kuparidzira Gavhuna Ferikisi

Pauro akanga asingatyi kuudza vanhu vose Shoko raMwari. Achivimba naJehovha, akaparidzira neushingi kuna Gavhuna Ferikisi

Munyori wepisarema ari kushandisa tsvimbo pakufamba

Ndinoda kuwedzera ushingi kana ndichiparidzira vanaani?

  • Vekuchikoro

  • Vekubasa

  • Vemumhuri

  • Vamwewo

Pisarema rechi119 rakanyorwa zvichienderana nemabhii earufabheti yechiHebheru. Izvi zvinogona kunge zvaibatsira pakuyeuka mashoko acho. Pisarema iri rine mastanza 22 uye stanza imwe neimwe ine mavhesi 8. Vhesi imwe neimwe pastanza inotanga nebhii rakafanana rearufabheti. Sezvo arufabheti yacho iine mabhii 22, pisarema iri rine mavhesi 176, uye ndiro rakareba kupfuura mamwe mapisarema ose ari muBhaibheri.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe