KURARAMA KWECHIKRISTU
Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Shandisa Bhuku ra“Rudo rwaMwari” Kuti Usvike Pamwoyo
NEI ZVICHIKOSHA? Vanhu vanofanira kuziva zvinodiwa naJehovha uye vozviita kuti vamunamate nenzira yaanoda. (Isa 2:3, 4) Bhuku rechipiri ratinodzidza nevanhu ndera“Rambai Muri Murudo rwaMwari” uye rinovabatsira kuti vaone kushanda kunoita zvinotaura Bhaibheri muupenyu. (VaH 5:14) Patinenge tichivadzidzisa, tinofanira kuedza kusvika pamwoyo kuitira kuti vazvisarudzire vega kuchinja upenyu hwavo.—VaR 6:17.
MAITIRWO AZVO:
Nyatsogadzirira uchifunga zvinhu zvichabatsira munhu wauri kudzidza naye. Tsvaga mibvunzo ichakubatsira kuti uone zviri mumwoyo make.—Zvi 20:5; be 259
Kurukurai mabhokisi ari mubhuku iri kuti umubatsire kuona kukosha kwekushandisa zvinotaurwa neBhaibheri
Panyaya dzekuti Bhaibheri harina mutemo wakajeka, mubatsire kushandisa hana yake asi usabva wamuudza zvekuita.—VaG 6:5
Pazvinhu zvaakadzidza, shandisa ungwaru kuona kuti ndezvipi zviri kumuomera kuita. Mukurudzire nemutsa kuti achinje mararamiro ake asi ngaazviite zvichibva pakuda kwaanoita Jehovha.—Zvi 27:11; Joh 14:31