RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb17 October p. 3
  • Zvaungaita Kuti Uve Mudzidzi weBhaibheri Anoshingaira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvaungaita Kuti Uve Mudzidzi weBhaibheri Anoshingaira
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
  • Mashoko Akafanana
  • Jehovha Anopikira Dhanieri Mubayiro Wakanaka Kwazvo
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Mwari Ane Hanya Newe Zvechokwadi Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Bhuku raDhanieri Newe
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Kuziva Vanonamata Zvechokwadi Munguva Yokupedzisira
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
mwb17 October p. 3

KURARAMA KWECHIKRISTU

Zvaungaita Kuti Uve Mudzidzi weBhaibheri Anoshingaira

Unoda kuramba wakavimbika sezvakaita Dhanieri here paunoedzwa? Dhanieri aishingaira kudzidza Shoko raMwari, kusanganisira uprofita hwakadzama. (Dha 9:2) Kushingaira kudzidza Bhaibheri kunogona kukubatsira kuramba wakavimbika. Sei? Kunogona kuita kuti kutenda kwako pane zvakavimbiswa naJehovha kuwedzere. (Jos 23:14) Kunogonawo kuita kuti uwedzere kuda Mwari, zvoita kuti ude kuita zvaanoda. (Pis 97:10) Asi ungazviita sei? Chimboona mazano anotevera.

Dhanieri achidzidza Shoko raMwari
  • Zvii zvandingadzidza? Purogiramu yakanaka yekudzidza inosanganisira kugadzirira misangano. Uchawedzera kunakidzwa nekuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki kana ukatsvakurudza zvaunenge usina kunzwisisa. Vamwe vakasarudza kudzidza nezveuprofita huri muBhaibheri, zvinhu zvinoumba chibereko chemweya mutsvene, nzendo dzeumishinari dzaPauro kana kuti zvinhu zvakasikwa naJehovha. Kana ukava nemubvunzo nezveBhaibheri, unyore pasi wozoutsvakurudza panguva inotevera yauchazodzidza.

  • Zvandingadzidza ndingazviwana kupi? Ona vhidhiyo inonzi Zvinhu Zvekushandisa Pakutsvakurudza muShoko raMwari. Kuti uone kuti unokwanisa here kushandisa zvinhu izvi, tsvakurudza kuti ndedzipi hurumende dzinomiririrwa nezvikara zviri pana Dhanieri chitsauko 7.

  • Ndingadzidza kwenguva yakareba sei? Kuti usimbe pakunamata, unotofanira kugara uchidzidza. Unogona kutanga nekudzidza kwenguva pfupi, wozoita uchiwedzera. Kudzidza Shoko raMwari kwakaita sekuchera pfuma yakavanzwa. Paunoramba uchiwana pfuma, unonzwa uchida kuramba uchichera! (Zvi 2:3-6) Kuda kwaunoita Shoko raMwari kuchawedzera uye uchanzwa uchida kugara uchiridzidza.​—1Pe 2:2.

    Kuti uwane mamwe mazano ezvaungaita kuti unakidzwe nekudzidza, verenga Mukai! yaApril-June 2012 mapeji 12-14.

ZVIKARA ZVINOTAURWA PANA DHANIERI CHITSAUKO 7 ZVINOMIRIRIREI?

  • Chikara chakaita seshumba chine mapapiro egondo

    Dha 7:4

  • Chikara chakaita sebheya chakaruma mbabvu nhatu

    Dha 7:5

  • Chikara chakaita seingwe chine misoro mina uye mapapiro pamusana pacho

    Dha 7:6

  • Chikara chinotyisa chine mazino esimbi uye nyanga gumi

    Dha 7:7

MUMWE MUBVUNZO:

Dhanieri 7:8, 24 yakazadzika sei?

Nyanga diki ine maziso nemuromo inobuda pakati penyanga gumi, uye inodzura nyanga nhatu

ZVEKUZOITA NGUVA INOTEVERA:

Zvikara zvinotaurwa pana Zvakazarurwa chitsauko 13 zvinomiririrei?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe