RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • dp chits. 1 pp. 4-11
  • Bhuku raDhanieri Newe

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhuku raDhanieri Newe
  • Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • DHANIERI—BHUKU REKARE NOKUDA KWENGUVA DZAZVINO UNO
  • DHANIERI—AIDIWA ZVIKURU NAMWARI
  • KUZIVISA MASHOKO AMWARI
  • MARUDZI MAVIRI ENYAYA, SHOKO RIMWE
  • Jehovha Anopikira Dhanieri Mubayiro Wakanaka Kwazvo
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Pfungwa Huru Dzatinowana muBhuku raDhanieri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Dhanieri—Bhuku Riri Kutongwa
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Akasimbiswa noMutumwa Akabva Kuna Mwari
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
Ona Zvimwe
Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
dp chits. 1 pp. 4-11

Chitsauko 1

Bhuku raDhanieri Newe

1, 2. (a) Ndezvipi zvimwe zvinhu zvisingawanzoitika zvinotaurwa mubhuku raDhanieri? (b) Munguva dzedu dzazvino uno, mibvunzoi inomuka pamusoro pebhuku raDhanieri?

MAMBO ane simba anotyisidzira kuuraya varume vake vakachenjera nokuti havakwanisi kuzivisa uye kududzira chiroto chake chinotemesa musoro. Majaya matatu anoramba kunamata chifananidzo chirefu refu anokandirwa muchoto chinopisa zvikuru, asi anoramba ari mapenyu. Pakati pemabiko okupemberera, mazana anoona ruoko rwuri kunyora mashoko asinganzwisisiki pamadziro emuzinda wamambo. Vatengesi vakaipa vanoronga kuti mumwe murume akwegura akandirwe mugomba reshumba, asi anobuda asina kana kavanga. Muprofita waMwari anoona mhuka ina muchiono, uye zvadzinoreva zviri mberi nezviuru zvemakore.

2 Idzi dzinongova dzimwe dzenhau dzinowanwa mubhuku reBhaibheri raDhanieri. Dzakafanirwa nokurangarirwa zvakakomba here? Bhuku rekare iri ringava nechii chokuita nezuva redu? Nei tichifanira kuva nehanya nezvinhu zvakaitika makore anenge 2 600 akapfuura?

DHANIERI—BHUKU REKARE NOKUDA KWENGUVA DZAZVINO UNO

3, 4. Nemhaka yei zvichinzwisisika kuti vanhu vakawanda vane hanya nenguva yemberi yorudzi rwomunhu?

3 Chikamu chikuru chebhuku raDhanieri chinonyanyotaura nezvemusoro wenyaya wekutongwa kwenyika, nhau inokosha zvikuru nhasi. Vanenge vanhu vose vanobvuma kuti tiri kurarama munguva dzakaoma. Mazuva ose, mashoko enhau anoramba achiuya nezviyeuchidzo zvinotyisa zvokuti nzanga yevanhu iri kunyura mumadhaka ezvinetso zvinovhiringidza—uye zviri kudai pasinei zvapo nokubudirira kunoshamisa musayenzi nokugadzirwa kwezvinhu.

4 Chimbofunga izvi: Munhu akafamba pamwedzi, asi munzvimbo zhinji haagoni kufamba mumigwagwa yepano pasi pake asingatyi. Anogona kushongedza musha nezvinodikanwa zvose zvazvino uno, asi haagoni kubvisa dambudziko remhuri dzinoputsika. Uye anogona kuita kuti chizvarwa chake chive nemashoko akawanda, asi haagoni kudzidzisa vanhu kugarisana murugare. Hugh Thomas, purofesa wenhau dzakaitika, akambonyora kuti: “Kupararira kwezivo nedzidzo kwakadzidzisa vanhu zvishomanene pamusoro pokuzvidzora uye zvishoma nezvenzira yokugara nayo nevamwe vanhu.”

5. Chaizvoizvo, kutonga kwomunhu kwakaguma nei?

5 Vachiedza kuvamba kurongeka kwakati kuti munzanga, vanhu vakazvironga pasi pehurumende dzakasiyana-siyana zvikuru. Hapana neimwe yadzo, zvisinei, isingabatanidzwi mukucherechedza kwechokwadi kwaMambo Soromoni kwokuti: “Kana mumwe munhu ane simba pamusoro pomumwe munhu, achimuitira zvakaipa.” (Muparidzi 4:1; 8:9) Chokwadika, vamwe vatongi vakanga vane vavariro dzakanaka. Kunyange zvakadaro, hapana mambo, purezidhendi, kana kuti mudzvinyiriri anogona kuparadza urwere norufu. Hapana munhu anogona kuita kuti pasi redu rivezve Paradhiso iyo Mwari akanga arirongera kuva.

6. Nemhaka yei Jehovha asingadi kubetserwa nokutonga kwevanhu kuti aite kuda kwake?

6 Asi, Musiki anoda uye anokwanisa kuita zvinhu zvakadaro. Hazvidi kuti abvumirwe nehurumende dzevanhu kuti aite chinangwa chake, nokuti kwaari “marudzi avanhu akaita sedonhwe remvura muchirongo, anenge guruva shomanene pachiyero.” (Isaya 40:15) Hungu, Jehovha ndiye Mutongi Changamire wechisiko chose. Sezvaakadaro, ane chiremera chinopfuura hurumende dzevanhu. Umambo hwaMwari ndihwo huchatsiva kutonga kwavanhu kwose, kuti rudzi rwomunhu rwukomborerwe nokusingagumi. Zvichida hapana kumwe kwazvinojekeswa kupfuura mubhuku reBhaibheri raDhanieri.

DHANIERI—AIDIWA ZVIKURU NAMWARI

7. Dhanieri aiva ani, uye Jehovha aimuona sei?

7 Jehovha Mwari aida Dhanieri zvikuru, akabatira somuprofita wake kwemakore mazhinji. Zvechokwadi, ngirozi yaMwari yakarondedzera Dhanieri se“murume unodikanwa kwazvo.” (Dhanieri 9:23) Shoko rechiHebheru rapakuvamba rinoshandurwa kuti “murume unodikanwa kwazvo” rinogona kureva kuti “anodiwa zvikuru,” “anoremekedzwa zvikuru” kunyange “wapamwoyo.” Dhanieri akanga achikosha zvikuru mumeso aMwari.

8. Dhanieri akasvika sei pakuva muBhabhironi?

8 Ngatifunge zvishomanene mamiriro ezvinhu akasiyana neavamwe omuprofita aidiwa uyu. Muna 618 B.C.E., Mambo weBhabhironi Nebhukadhinezari akakomba Jerusarema. (Dhanieri 1:1) Nenguva isipi, dzimwe pwere dzechiJudha dzakadzidza kwazvo dzakatapwa dzikaendwa nadzo Bhabhironi dzichimanikidzwa. Dhanieri aiva mumwe wadzo. Panguva iyoyo, zvichida akanga achiri kuyaruka.

9. Dhanieri neshamwari dzake dzechiHebheru vakadzidziswei?

9 Dhanieri neshamwari dzake Hanania, Mishaeri, naAzaria vakanga vari vamwe vevaHebheru vakasarudzwa kuti varovedzwe kwemakore matatu “magwaro norurimi rwavaKardhea.” (Dhanieri 1:3, 4) Dzimwe nyanzvi dzinotaura kuti zvimwe iyi yaipfuura kosi yomutauro chete. Somuenzaniso, Purofesa C. F. Keil anoti: “Dhanieri neshamwari dzake vaizodzidziswa uchenjeri hwevapristi vevaKardhea nevarume vakadzidza, hwaidzidziswa muzvikoro zveBhabhironi.” Naizvozvo Dhanieri neshamwari dzake vakanga vari kunyatsorovedzwa kuti vaite basa rehurumende.

10, 11. Dhanieri neshamwari dzake vakatarisana nezvinetsoi, uye Jehovha akavabetsera nei?

10 Kwakanga kuri kuchinja kwamamiriro ezvinhu kukuru sei kuna Dhanieri nevamwe vake! Munyika yeJudha, vakanga vachigara pakati pevanamati vaJehovha. Zvino vakanga vapoteredzwa nevanhu vainamata vanamwari nevanamwarikadzi vengano. Kunyange zvakadaro, aya majaya anoti Dhanieri, Hanania, Mishaeri, uye Azaria haana kutya. Akanga akatsunga—pasinei zvapo nemamiriro ezvinhu anodenha kutenda akadai—kubatisisa kunamata kwechokwadi.

11 Izvi zvaisazova nyore. Mambo Nebhukadhinezari akanga ari munamati anoshingaira waMarduk, mwari mukuru weBhabhironi. Zvairayirwa namambo pane dzimwe nguva zvakanga zvisingambogamuchiriki kumunamati waJehovha. (Somuenzaniso, ona Dhanieri 3:1-7.) Asi, Dhanieri neshamwari dzake vakanga vane nhungamiro yaJehovha isingakundikani. Mumakore avo matatu okurovedzwa, vakakomborerwa naMwari ne“zivo nokungwara pamagwaro ose nouchenjeri hwose.” Dhanieri akapiwazve mano okunzwisisa zvinoreva zviono nezviroto. Gare gare mambo paakanzvera majaya mana aya, akawana kuti “vaipfuura kagumi vachenjeri vose nen’anga dzose dzaiva paushe hwake.”—Dhanieri 1:17, 20.

KUZIVISA MASHOKO AMWARI

12. Dhanieri akanga ane basa rei raikosha?

12 Mumakore mazhinji ose aakapedzera muBhabhironi, Dhanieri akabatira senhume yaMwari kuvarume vakadai saMambo Nebhukadhinezari naBhershazari. Basa raDhanieri raikosha. Jehovha akanga abvumira Nebhukadhinezari kuparadza Jerusarema, achimushandisa sechombo Chake. Pashure penguva yakati, Bhabhironi raizoparadzwawo. Zvechokwadi, bhuku raDhanieri rinokudza Jehovha Mwari soWokumusorosoro uye soMutongi “unobata ushe pakati pavanhu.”—Dhanieri 4:17.

13, 14. Chii chakaitika kuna Dhanieri pashure pokukundwa kweBhabhironi?

13 Dhanieri akapfuurira ari mubasa romuushe hwamambo kwemakore makumi manomwe, kusvikira pakukundwa kweBhabhironi. Akararama ndokuona vaJudha vakawanda vachidzokera kunyika yokumusha kwavo muna 537 B.C.E., kunyange zvazvo Bhaibheri risingatauri kuti akaenda navo. Akanga achishingaira zvikuru kusvikira munenge mugore rechitatu rokutonga kwaMambo Koreshi, muvambi weUmambo hwePersia. Panguva iyoyo, Dhanieri anofanira kuve akanga ava pedyo nezera remakore 100!

14 Pashure pokukundwa kweBhabhironi, Dhanieri akanyora zviitiko zvinokosha zvikurusa zvoupenyu hwake. Gwaro rake zvino rava chikamu chinokosha kwazvo cheBhaibheri Dzvene uye chinozivikanwa sebhuku raDhanieri. Asi nei tichifanira kunyatsofungisisa bhuku rekare iri?

MARUDZI MAVIRI ENYAYA, SHOKO RIMWE

15. (a) Marudzi api maviri enyaya ari mubhuku reBhaibheri raDhanieri? (b) Chikamu chenhoroondo chaDhanieri chinogona kutibetsera sei?

15 Bhuku raDhanieri rakasiyana nemamwe rine marudzi maviri enyaya—imwe inhoroondo, imwe uprofita. Zvose zviri mubhuku raDhanieri zvinogona kuumba kutenda kwedu. Sei? Zvikamu zvenhoroondo—ndizvimwe zvezvakajeka kupfuura zvimwe zvose muBhaibheri—zvinotiratidza kuti Jehovha Mwari achakomborera uye achatarisira avo vanoramba vakavimbika kwaari. Dhanieri neshamwari dzake nhatu vakaramba vakatsiga pasinei zvapo nemiedzo inotyisidzira upenyu. Nhasi, vose vanoda kuramba vakavimbika kuna Jehovha vachasimbiswa nokunyatsorangarira muenzaniso wavo.

16. Chidzidzoi chatinodzidza muzvikamu zvouprofita zvaDhanieri?

16 Zvikamu zvouprofita zvaDhanieri zvinovaka kutenda nokuratidza kuti Jehovha anoziva zvichaitika mazana emakore—kunyange zviuru—zvichigere kuitika. Somuenzaniso, Dhanieri anopa mashoko akazara nezvekumuka nokukundwa kwemasimba enyika kubvira panguva yeBhabhironi rekare kusvikira ku“nguva yokupedzisira” chaiyo. (Dhanieri 12:4) Dhanieri anotiudza nezvoUmambo hwaMwari huri mumaoko aMambo Wake akagadzwa uye vamwe “vatsvene,” achiitaura sehurumende ichagara nekusingaperi. Hurumende iyi ichaita zvizere chinangwa chaJehovha nokuda kwepasi redu uye zvichaguma nokukomborerwa kwavose vanoda kubatira Mwari.—Dhanieri 2:44; 7:13, 14, 22.

17, 18. (a) Kutenda kwedu kuchasimbiswa sei nokunyatsonzvera bhuku raDhanieri? (b) Inhau ipi inoda kufunga tisati tavamba kufunda iri bhuku reBhaibheri rouprofita?

17 Tinoonga kuti Jehovha haavanzi zivo yezvichaitika munguva yemberi. Asi, iye ndiye “Anozivisa zvakavanzika.” (Dhanieri 2:28) Sezvatinofunga kuzadzika kweuprofita hwakanyorwa mubhuku raDhanieri, kutenda kwedu zvipikirwa zvaMwari kuchasimbiswa. Ticharamba tichinzwa tine chokwadi nguva dzose kuti Mwari achaita chinangwa chake panguva yacho chaiyo uye nemaitiro acho chaiwo aanosarudza.

18 Vose vanofunda Bhuku reBhaibheri raDhanieri nemwoyo inonzwa vachakura mukutenda. Tisati tatanga kunzvera zvakadzama bhuku iri zvisinei, tinofanira kurangarira uchapupu hwekuti bhuku iri nderechokwadi chaizvoizvo here. Vamwe vatsoropodzi vakatsoropodza bhuku raDhanieri, vachitaura kuti uprofita hwaro hwakatonyorwa pashure pokunge hwazadzika. Zvinotaurwa nevasina chokwadi naro zvinonzwisisika here? Chitsauko chinotevera chichabata nenhau iyi.

WANZWISISEI?

• Nei Dhanieri riri bhuku remunguva dzazvino uno?

• Dhanieri neshamwari dzake vakasvika sei pakupinda mubasa rehurumende yeBhabhironi?

• Dhanieri aiita basa rei rinokosha muBhabhironi?

• Nei tichifanira kufungisisa uprofita hwaDhanieri?

[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 4]

[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 11]

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe