KURARAMA KWECHIKRISTU
Ramba Wakamuka Pakunamata Uye Uchishingaira Zvinhu Pazvinochinja
Upenyu hwagara hunotochinja, kunyanya mumazuva ano ekupedzisira. (1VaK 7:31) Kuchinja kwezvinhu kunogona kuvhiringidza kunamata kwedu uye ukama hwedu naJehovha. Chii chichatibatsira kuti tirambe takamuka pakunamata uye tichishingaira kana upenyu hukachinja? Ona vhidhiyo inonzi Kuramba Takasimba Mune Zvekunamata Pasinei Nekutama, wozopindura mibvunzo iyi:
Imwe hama yakapa baba vakanga vava kuda kutama zano rekutii?
Zvinotaurwa pana Mateu 7:25 zvakafanana papi nezvakaitika kumhuri iyi?
Zvii zvavakaita vasati vatama, uye zvakavabatsira sei?
Chii chakavabatsira kuti vajairane neungano itsva uye ndima itsva?
Zvinhu zvipi zvikuru zvichangobva kuchinja muupenyu hwangu?
Ndingashandisa sei mazano ari muvhidhiyo iyi?