Vhidhiyo Inofanira Kufungisiswa
“Vhidhiyo iyi inonyatsoita kuti ufunge!”
“Yakabva yanditi dyoo pamwoyo!”
“Ndakapererwa!”
1 Ndiwo manzwiro awakaita here pawakatanga kuona vhidhiyo inonzi Young People Ask—How Can I Make Real Friends? Makore mashomanana apfuura, imwe hama yechiduku yakanga iri kunetseka muupenyu hwayo pamusana peshamwari dzayakanga yasarudza. Dzakaita kuti itange kusafarira chokwadi uye yakarasikirwa noukama hwayo naJehovha. Zvadaro vhidhiyo inonzi Real Friends yakabudiswa. Yakanyora kuti: “Pandaiona ndaonazve vhidhiyo yacho ndaisvimha misodzi. Ndakaonga Jehovha nokundibatsira panguva yakakodzera.” Vhidhiyo yacho yakaikurudzira kuti ichinje mararamiro ayo ndokutsvaka shamwari dzakarurama. Yakatizve: “Zviri pachena kuti munoziva zviri kukanganisa vechiduku mazuva ano.” Vabereki uye vechiduku, madii kuonazve vhidhiyo yacho pachidzidzo chemhuri chinotevera? Misai vhidhiyo yacho panopera chikamu chimwe nechimwe, mokurukura pamwe chete makasununguka nokutendeka mibvunzo iri mundima dzinotevera.
2 Sumo: Chii chinonzi shamwari yechokwadi?—Zvir. 18:24.
3 Zvipingamupinyi Pakuwana Shamwari: Ungakurira sei kunzwa wasiyiwa woga? (VaF. 2:4) Nei uchifanira kuda kuvandudza unhu hwako, uye ndiani angakubatsira kuita izvozvo? Chii chichaita kuti pave nemikana yokuva nedzimwe shamwari, uye dzingawanikwa kupi?—2 VaK. 6:13.
4 Ushamwari naMwari: Ungava sei noukama hwapedyo naJehovha, uye nei kuita kudaro kwakanaka? (Pis. 34:8) Ndiani anganyatsosimbisa ukama hwako naMwari?
5 Shamwari Dzakaipa: Ndedzipi dzinonzi shamwari dzakaipa? (1 VaK. 15:33) Shamwari dzakaipa dzingakanganisa sei munhu mune zvokunamata? Nhoroondo yaDhina iri muBhaibheri inokudzidzisei?—Gen. 34:1, 2, 7, 19.
6 Mutambo Wemazuva Ano: Kusurukirwa kwakakanganisa sei Tara? Aipa zvikonzero zvei zvokushamwaridzana nepwere dzenyika? Dzakamupinza mungozi dzipi? Nei vabereki vake vasina kuona ngozi yaakanga ava mairi, asi vakazochinja sei kuti vamubatsire kupora mune zvokunamata? Imwe hanzvadzi yaiva piyona yakaratidza sei kuti yaiva shamwari yechokwadi kuna Tara? Nei vaKristu vachifanira kuteerera Zvirevo 13:20 naJeremiya 17:9? Tara akadzidza chidzidzo chei chinokosha?
7 Mhedziso: Wadzidzei muvhidhiyo ino? Ungaishandisa sei kuti ubatsire vamwe?—Pis. 71:17.