RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb18 February p. 7
  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kushandisa Mibvunzo Zvinobudirira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kushandisa Mibvunzo Zvinobudirira
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
  • Mashoko Akafanana
  • Kushandisa Mibvunzo Zvinobudirira
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Kukudziridza Unyanzvi Hwokudzidzisa
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Ita Basa Rako soMuevhangeri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Kubvunza Mibvunzo
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
mwb18 February p. 7

KURARAMA KWECHIKRISTU

Kuvandudza Unyanzvi Hwedu muUshumiri​—Kushandisa Mibvunzo Zvinobudirira

SEI ZVICHIKOSHA? Kana ‘zvinofungwa nemunhu mumwoyo make zvakaita semvura yakadzika,’ mibvunzo ichaita semugomo unotibatsira kuchera mvura iyoyo. (Zvi 20:5) Mibvunzo inoita kuti watinenge tichitaura naye ataurewo uye inoita kuti tizive zviri mumwoyo make. Jesu aishandisa mibvunzo zvinobudirira. Tingamutevedzera sei?

Jesu achibvunza mudzidzi wake mubvunzo

MAITIRWO AZVO:

  • Bvunza mibvunzo inoita kuti ataure zvaanofunga. Jesu akabvunza vadzidzi vake mibvunzo kuti azive zvavaifunga. (Mt 16:13-16; be 238 ¶4-6) Mibvunzo ipi yaungabvunza?

  • Bvunza mibvunzo inoita kuti akurumidze kuona mhinduro yacho. Jesu paaida kugadzirisa mafungiro aPetro, akamubvunza mibvunzo uye akataura mhinduro dzakasiyana-siyana kuti Petro asarudze yakarurama. (Mt 17:24-26) Mibvunzo ipi yaungabvunza?

  • Murumbidze. Mumwe munyori ‘paakapindura neungwaru’ Jesu akamurumbidza. (Mk 12:34) Ungarumbidza sei mumwe munhu anenge apindura?

Muremekedze. Tinofanira kuremekedza vatinodzidza navo kunyanya kana vari vanhu vakuru, vanhu vatisingazivi, kana kuti vane zvinzvimbo.—1Pe 2:17.

ONA CHIKAMU CHEKUTANGA CHEVHIDHIYO INONZI ITA BASA RAIITWA NAJESU—DZIDZISA, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Nei madzidzisiro aya asina kunaka, kunyange zvazvo zvanga zvichitaurwa zviri zvechokwadi?

  • Nei tisingafaniri kungogumira pakutsanangura?

ONA CHIKAMU CHECHIPIRI CHEVHIDHIYO IYI, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Mudzidzisi ashandisa sei mibvunzo zvinobudirira?

  • Ndezvipi zvimwe zvatinogona kutevedzera pamadzidzisiro ake?

Murume asiri kunzwisisa zvaari kudzidziswa; murume ari kunzwisisa zvaari kudzidziswa

Zvatinodzidzisa zvinoita kuti vamwe vaite sei? (Ru 24:32)

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe