Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu
MARCH 5-11
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MATEU 20-21
“Anoda Kuva Mukuru Pakati Penyu Anofanira Kuva Mushumiri Wenyu”
nwtsty mapikicha nemavhidhiyo
Musika
Mimwe misika seiri kuratidzwa muPurogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa yaiva mumigwagwa. Vatengesi vaizadza mugwagwa nezvinhu zvavo zvekuti vanhu vaitadza kunyatsofamba. Zvinhu zvavaitengesa zvaisanganisira zvinhu zvekushandisa mumba, midziyo yeivhu kana kuti yegirazi uye zvekudya. Sezvo kwakanga kusina mafiriji, vanhu vaitoenda kumusika zuva rega rega. Ikoko vanhu vaigona kunzwa zviri kuitika kune dzimwe nzvimbo, kutsvaga mabasa uye vana vaiuya vachizotamba. Pamisika iyi, Jesu akamboporesa vanhu vairwara uye Pauro aitomboendako achinoparidza. (Mab 17:17) Asi vanyori nevaFarisi vaienda munzvimbo idzi kunoita zvinhu zvekuti vaonekwe uye kuti vakwaziswe nevanhu.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 20:20, 21
amai vevanakomana vaZebhedhi: Ndivo amai vaJakobho naJohani. Mubhuku raMako munoti Jakobho naJohani ndivo vakaenda kunotaura naJesu. Saka vadzidzi ava ndivo vakatuma amai vavo Sarome kuti vanovakumbirira. Sarome, anogona kunge aiva mainini vaJesu.—Mt 27:55, 56; Mk 15:40, 41; Joh 19:25.
mumwe kuruoko rwenyu rworudyi uye mumwe kuruboshwe rwenyu: Munyaya iyi kugara kurudyi kana kuruboshwe kunongoratidza kukudzwa uye kuva nesimba, asi kazhinji kacho kurudyi ndiko kunoratidza kukudzwa kwakanyanya.—Pis 110:1; Mab 7:55, 56; VaR 8:34.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 20:26, 28
mushumiri: Bhaibheri rinoshandisa shoko rechiGiriki rekuti di·aʹko·nos kureva munhu anoshumira vamwe achizvininipisa. Shoko racho rinorondedzera zvinoitwa naKristu (VaR 15:8), vashumiri vaKristu (1VaK 3:5-7; VaK 1:23), vashumiri vanoshumira (VaF 1:1; 1Ti 3:8), vashandi vepamba (Joh 2:5, 9) uye vakuru vehurumende (VaR 13:4).
asina kuuya kuzoshumirwa, asi kuzoshumira: Kana kuti “asina kuuya kuzoshandirwa, asi kuzoshandira.”
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 21:9
Tapota, ponesai: “Hosana.” Shoko iri rechiGiriki rinobva pamashoko echiHebheru anoreva kuti “tapota, ponesai.” Muvhesi ino, shoko racho rakashandiswa richireva chikumbiro chekuti Mwari avaponese kana kuti avakundise. Nekufamba kwenguva, rakatanga kushandiswa pakunyengetera uye pakurumbidza. Mashoko acho echiHebheru anowanika pana Pis 118:25, iri pachikamu cheMapisarema eHareruya aiwanzoimbwa panguva yePaseka. Ndosaka vanhu vakashevedzera mashoko aya panguva iyi. Mwari paakamutsa Jesu, yakanga iri imwe nzira yekupindura munyengetero uyu wekuponesa Mwanakomana waDhavhidhi. Pana Mt 21:42, Jesu anotaura mashoko ari pana Pis 118:22, 23 achiratidza kuti mashoko acho anoreva iye.
Mwanakomana waDhavhidhi: Mashoko aya anoratidza dzinza raizouya naJesu uye basa rake saMesiya.
Muonde Unoshandiswa Pakudzidzisa Nezvekutenda
Asi sei Jesu aita kuti muti uyu uome? Mhinduro yacho iri mumashoko aanotaura okuti: “Chokwadi ndinoti kwamuri, Kana muine kutenda uye muine chokwadi nazvo, hamuzongoiti zvandaita kumuonde, asiwo kana mukati kugomo iri, ‘Simuka uwire mugungwa,’ zvichaitika. Zvinhu zvose zvamunokumbira mumunyengetero, muine kutenda, muchazvigamuchira.” (Mateu 21:21, 22) Apa adzokorora mashoko aakambotaura nezvekuti munhu ane kutenda anogona kubvisa gomo pane imwe nzvimbo achiriendesa pane imwe.—Mateu 17:20.
Saka kuomesa kwaita Jesu muti uyu, kunopa chidzidzo nezvekukosha kwekutenda muna Mwari. Anoti: “Zvinhu zvose zvamunonyengeterera nezvamunokumbira ivai nokutenda kwokuti matozvigamuchira, uye muchava nazvo.” (Mako 11:24) Ichi chidzidzo chinokosha zvikuru kuvateveri vose vaJesu. Asi chinonyanya kukosha kuvaapostora tichifunga nezvemiedzo yavava pedyo kutarisana nayo. Kuoma kwemuonde uyu kunopawo chimwe chidzidzo panyaya yekutenda.
Kufanana nemuonde uyu, uyo unooneka seune zvibereko iwo usina, rudzi rwevaIsraeri runonyengera. Vanhu ava vari musungano naMwari uye vanooneka sekuti vanotevedzera Mutemo. Zvisinei, rudzi rwacho rwose zvarwo rwaratidza kuti haruna kutenda uye haruna zvibereko zvakanaka. Vari kutoramba Mwanakomana waMwari pachake! Saka paaomesa muonde, Jesu aratidza zvichaitika kurudzi urwu rusingabereki zvibereko uye rusina kutenda.
MARCH 12-18
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MATEU 22-23
“Teerera Mirayiro Mikuru Miviri”
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 22:37
mwoyo: Shoko iri parinoshandiswa risingarevi mwoyo chaiwo, rinenge richireva zvakaita munhu nechemukati. Asi parinotaurwa riri pamwe chete ‘nemweya’ uye “pfungwa,” rinenge rava kureva manzwiro anoita munhu uye zvido zvake. Mashoko matatu anoshandiswa muvhesi iyi (mwoyo, mweya, uye pfungwa) haakwanisi kuparadzaniswa; izvi zvinoratidza kuti munhu anofanira kuda Mwari zvakazara.
mweya: Kana kuti “munhu sezvaari.”
pfungwa: Munhu anofanira kushandisa pfungwa dzake kuti asvike pakuziva Mwari uye kumuda. (Joh 17:3; VaR 12:1) MuchiHebheru pana Dhe 6:5 pakashandiswa mashoko matatu ekuti, ‘mwoyo, mweya, uye simba.’ Asi Mateu anoshandisa shoko rechiGiriki rinoreva “pfungwa” panzvimbo perinoreva “simba.” Anogona kunge aine zvikonzero zvakaita kuti adaro. Chekutanga ndechekuti kunyange zvazvo chiHebheru chekare chakanga chisina shoko rinoreva “pfungwa,” shoko rekuti “mwoyo” raibatanidzawo zvinoreva rekuti pfungwa. Shoko iri parinoshandiswa risingarevi mwoyo chaiwo, rinenge richireva zvakaita munhu wacho, kusanganisira zvaanofunga, manzwiro ake, zvaanoita uye zvaanoshuva. (Dhe 29:4; Pis 26:2; 64:6) Saka, chiHebheru pachinoshandisa shoko rekuti “mwoyo,” Greek Septuagint inoshandisa shoko rechiGiriki rinoreva “pfungwa.” (Ge 8:21; 17:17; Zvi 2:10; Isa 14:13) Chimwe chikonzero chingangodaro chakaita kuti Mateu ashandise shoko rechiGiriki rinoreva “pfungwa” panzvimbo pekushandisa rinoreva “simba,” ndechekuti shoko rechiHebheru rekuti “simba” rinogona kureva simba remuviri uye pfungwa. Hatinyatsozivi chikonzero chaakazviitira, asi pfungwa imwe chete inobudiswa nemashoko aya muchiHebheru nechiGiriki inotibatsira kunzwisisa kuti nei vanyori veEvhangeri vakashandisa mashoko akasiyana-siyana pavaitaura zviri muna Dheuteronomio.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 22:39
Wechipiri: Pana Mt 22:37, Jesu anopindura mubvunzo wemuFarisi, asi haana kungogumira ipapo. Anotaurawo zviri mumurayiro wechipiri (Re 19:18), achidzidzisa kuti mirayiro miviri iyi haikwanisi kuparadzaniswa uye Mutemo wese uye Zvakanyorwa nevaprofita zvakavakirwa pairi.—Mt 22:40.
muvakidzani: Shoko rechiGiriki rekuti “muvakidzani” haringorevi vanhu vatakavakidzana navo chete. Rinogona kureva chero munhu watinotaura naye.—Ru 10:29-37; VaR 13:8-10.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 22:40
Mutemo . . . uye Zvakanyorwa nevaprofita: “Mutemo” unoreva mabhuku eBhaibheri kubva pana Genesisi kusvika pana Dheuteronomio. “Zvakanyorwa nevaprofita” zvinoreva mabhuku euprofita eMagwaro echiHebheru. Asi mashoko aya paanotaurwa pamwe chete, anogona kureva Magwaro ese echiHebheru.—Mt 7:12; 22:40; Ru 16:16.
zvakavakirwa: Jesu akaratidza kuti Magwaro ese echiHebheru, kwete Mirayiro Gumi chete, akavakirwa parudo.—VaR 13:9.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 22:21
zvinhu zvaKesari kuna Kesari: Pavhesi iyi uye pana Mk 12:17 naRu 20:25, ndipo pega Jesu paanotaura nezvamambo weRoma. “Zvinhu zvaKesari” zvinosanganisira kubhadhara mutero kuhurumende uye kuzviisa pasi pevane masimba.—VaR 13:1-7.
zvinhu zvaMwari kuna Mwari: Izvi zvinosanganisira kunamata Mwari nemwoyo wese, kumuda nemweya wese uye kumuteerera zvakazara.—Mt 4:10; 22:37, 38; Mab 5:29; VaR 14:8.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 23:24
vanomimina unyunyu asi vachimedza ngamera: Pamhuka diki dzainzi neMutemo hadzina kuchena paiva neunyunyu uye pahombe dzacho paiva nengamera. (Re 11:4, 21-24) Jesu anoshandisa gudziramukanwa paanoti vatungamiriri vezvitendero vanomimina unyunyu kuti vasasvibiswa asi vachiregeredza nyaya hombe dzinotaurwa muMutemo, izvo zvakafanana nekumedza ngamera.
MARCH 19-25
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MATEU 24
“Ramba Wakamuka Pakunamata Mumazuva Ekupedzisira”
it-2-E 279 ¶6
Rudo
Rudo Runogona Kutonhora. Jesu Kristu paakaudza vadzidzi vake zvinhu zvaizoitika, akavaudza kuti rudo (a·gaʹpe) rwevazhinji vanoti vanonamata Mwari rwaizotonhora. (Mt 24:3, 12) Muapostora Pauro paaitaura zvinhu zvaizoitika mumazuva ekupedzisira akati vanhu ‘vaizoda mari.’ (2Ti 3:1, 2) Saka munhu anogona kutadza kuramba achiita zvinhu zvakarurama uye rudo rwake rwunogona kupera. Izvi zvinoratidza kuti zvakakosha chaizvo kuti munhu arambe achisimbisa rudo rwake nekufungisisa Shoko raMwari uye kuita zvinoenderana nemitemo yake.—VaE 4:15, 22-24.
Uri Kuitira Mwari Zvose Zvaunofanira Kuita Here?
5 Jesu Kristu akati nezvenguva yedu inonetsa: “Sezvakanga zvakaita mazuva aNoa, ndizvo zvichaita kuvapo kwoMwanakomana womunhu. Nokuti sezvavakanga vakaita mumazuva iwayo mafashamo asati auya, vakanga vachidya vachinwa, varume vachiroora nevakadzi vachiroorwa, kusvikira zuva rakapinda Noa muareka; uye havana kuziva kusvikira mafashamo auya akavakukura vose, ndizvo zvichaita kuvapo kwoMwanakomana womunhu.” (Mateu 24:37-39) Zvikaitwa nemwero, hapana chakaipa nekudya nekunwa, uye kuroorana igadziriro yakatangwa naMwari pachake. (Genesisi 2:20-24) Asi, kana tikaona kuti zvatinotsvaka nguva dzose muupenyu zvazova zvinhu zvatinonyanya kufunga nezvazvo, tadii kunyengetera nezvenhau yacho? Jehovha anogona kutibatsira kuita kuti zvinhu zvine chokuita noUmambo zvirambe zviri pokutanga, kuita zvakarurama, uye kumuitira zvatinofanira kuita.—Mateu 6:33; VaRoma 12:12; 2 VaKorinde 13:7.
Vadzidzi Vanokumbira Chiratidzo
Jesu anoti vadzidzi vake vanofanira kuramba vakamuka, vakarinda uye vakagadzirira. Anosimbisa yambiro yake nemumwe mufananidzo achiti: “Zivai chinhu chimwe chete, kuti kudai muridzi wemba akanga aziva kuti mbavha yaizouya panguva ipi yokurinda, angadai akaramba akamuka uye asina kubvumira imba yake kuti ipazwe. Nokuda kweizvi, nemiwo ivai vakagadzirira, nokuti Mwanakomana womunhu ari kuuya paawa yamusingafungi kuti ndiyo.”—Mateu 24:43, 44.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 24:8
marwadzo enhamo: Shoko racho rechiGiriki rinoreva marwadzo anoitika pakusununguka mwana. Pano riri kushandiswa kureva chero marwadzo, asi sezvinongoita marwadzo anoitika pakusununguka mwana, matambudziko achawedzera tisati tasvika pakutambudzika kukuru kunotaurwa pana Mt 24:21.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 24:20
munguva yechando: Mumwaka uyu kwainaya mvura ine simba uye kuchiita mafashamo. Saka zvaizoomera vanhu kuti vafambe kunyange kuwana zvekudya nepekugara.—Ezr 10:9, 13.
pazuva resabata: Kunzvimbo dzakadai seJudhiya, kwaiva nemitemo yaiita kuti zviome kufamba rwendo rwakareba uye kutakura zvinhu musi weSabata; uyewo magedhi eguta aivharwa musi uyu. Ona Mab 1:12 uye Kabhuku Kanobatsira Pakudzidza Shoko raMwari, chikamu 16.
MARCH 26–APRIL 1
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MATEU 25
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Ngatirambei Tichitsigira Hama dzaKristu
7 Mazuva ano tava kunyatsonzwisisa mufananidzo wemakwai nembudzi. Jesu ndiye “Mwanakomana womunhu” uye ndiye Mambo anotaurwa mumufananidzo uyu. Varume nevakadzi vakazodzwa nemweya mutsvene avo vachatonga naKristu kudenga ndivo vanonzi “hama” dzaMambo. (VaR. 8:16, 17) “Makwai nembudzi” zvinomiririra vanhu vemarudzi ose. Vanhu ava havana kuzodzwa nemweya mutsvene. Asi vachatongwa riini? Vachatongwa kana kutambudzika kukuru kuri pamberi apa kwava kunopera. Nei vachizotongwa kuti makwai kana kuti imbudzi? Mabatiro avakaita hama dzaKristu dzakazodzwa dzichiri panyika ndiwo achaita kuti vatongwe saizvozvo. Sezvo mugumo wenyika ino wava pedyo chaizvo, tinoonga kuti Jehovha ari kuramba achitibatsira kunzwisisa mufananidzo uyu nemimwewo inotaurwa muna Mateu chitsauko 24 ne25!
“Muri Shamwari Dzangu”
16 Kana uine tariro yokurarama pasi pano muUmambo hwaMwari, ungaratidza sei kuti uri shamwari yehama dzaKristu? Ngatikurukurei zvinhu zvitatu chete zvatingaratidza nazvo. Chokutanga, tinozviratidza nokuita basa rokuparidza nomwoyo wose. Kristu akarayira hama dzake kuti dziparidze mashoko akanaka munyika yose. (Mat. 24:14) Zvisinei, zvingaomera hama dzaKristu dzasara pasi pano kuti dziite basa iroro pasina rubatsiro rweshamwari dzavo mamwe makwai. Kutaura zvazviri, pose panoita veboka remamwe makwai basa rokuparidza, vanenge vachibatsira hama dzaKristu kuti dziite basa radzo dzvene. Boka romuranda akatendeka, akangwara rinotenda chaizvo ushamwari hwakadai, sezvinongoitawo Kristu.
17 Chechipiri chingaitwa neveboka remamwe makwai pakubatsira hama dzaKristu ndechokutsigira nemari basa rokuparidza. Jesu akakurudzira vateveri vake kuti vazviitire shamwari vachishandisa “pfuma isina kururama.” (Ruka 16:9) Hakusi kuti tinogona kuita zvokutenga Jesu kana kuti Jehovha kuti vave shamwari dzedu. Kana tichishandisa pfuma yedu kutsigira basa roUmambo, tiri kuratidza kuti tiri shamwari dzaJehovha naJesu uye kuti tinovada “nemabasa nechokwadi,” kwete nemashoko chete. (1 Johani 3:16-18) Tinotsigira basa iri nepfuma yedu patinoita basa rokuparidza, patinopa zvipo zvemari kuti nzvimbo dzatinonamatira dzivakwe uye dzigadziridzwe, uye patinopa zvipo zvemari kuti basa rokuparidza rirambe richiitwa munyika yose. Pasinei nokuti tinopa zvakawanda here kana kuti zvishoma, Jehovha naJesu vanoonga chaizvo kupa kwatinoita tichifara.—2 VaK. 9:7.
18 Chechitatu chatingaratidza nacho kuti tiri shamwari dzaKristu kuita zvinenge zvataurwa nevakuru vari muungano. Varume ava vanogadzwa naKristu achishandisa mweya mutsvene. (VaEf. 5:23) Muapostora Pauro akanyora kuti: “Teererai vaya vari kukutungamirirai, muzviise pasi.” (VaH. 13:17) Dzimwe nguva zvingatiomera kuteerera zvatinoudzwa nevakuru zviri muBhaibheri. Zvimwe tinoziva zvimwe zvinhu zvavanokanganisa, tobva taona kunge zano ravo risina basa. Asi varume ivavo vasina kukwana ndivo vari kushandiswa naKristu, Musoro weungano. Saka kuteerera kwatinovaita kunobatsira kuti tive noushamwari naKristu. Kana tichiteerera vakuru nomufaro pasinei nokukanganisa kwavanomboita, tiri kuratidza kuti tinoda Kristu.