RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb18 November p. 7
  • “Kuzadza Ruoko Nechipo chaJehovha”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Kuzadza Ruoko Nechipo chaJehovha”
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
  • Mashoko Akafanana
  • Tinotenda Jehovha Nekuda Kwerudo Rwenyu
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
  • Zvapupu zvaJehovha Zvinowanepi Mari Yekuita Basa Razvo?
    Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
  • Chipo Chipi Chatingapa Jehovha?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • “Tumari Tuviri” Twakapiwa Nechirikadzi Twaikosha
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
mwb18 November p. 7

KURARAMA KWECHIKRISTU

“Kuzadza Ruoko Nechipo chaJehovha”

Munhu ari kuisa mari mubhokisi rezvipo; munhu ari kupa chipo chemari achishandisa foni

Mazuva ano tingaita sei kuti ‘tizadze ruoko rwedu nechipo chaJehovha’? (1Mak 29:5, 9, 14) Tinogona kuita zvinhu zviri pasi apa kuti titsigire basa reZvapupu zvaJehovha munyika medu uye pasi rese.

ZVIPO ZVINOPIWA PACHISHANDISWA INDANETI KANA KUTI KUISA MUMABHOKISI ZVINOTSIGIRA:

  • Mari yekutsigira basa remunyika yese

    BASA REMUNYIKA YESE

    kuvakwa uye kushanda kwemahofisi emapazi nemahofisi eshanduro

    zvikoro zvesangano

    vashumiri chaivo venguva yakazara

    kubatsira panoitika njodzi

    kuprinda, kugadzira mavhidhiyo, uye kubudisa zvinhu paindaneti

  • Mari yekubhadhara zvinhu zvinoshandiswa muungano

    KUBHADHARA MARI INOSHANDISWA MUUNGANO

    kubhadhara zvinhu zvakadai semagetsi, mvura nezvimwewo uye kugadziridza Imba yeUmambo

    mari inofanira kutumirwa neungano kuhofisi yebazi kuti izoshandiswa:

    • pakuvaka Dzimba dzeUmambo uye Dzemagungano pasi rese

    • kutsigira urongwa hunonzi Global Assistance Arrangement

    • pakuita mamwewo mabasa pasi rese

MAGUNGANO EMUNHARAUNDA NEEDUNHU

Mari dzezvipo dzinopiwa pagungano remunharaunda dzinoendeswa kubasa remunyika yese. Mari dzinozoshandiswa pakubhadhara zvinhu zvemagungano emunharaunda, magungano makuru emunharaunda uye magungano enyika dzakawanda dzinobva pamari yemubasa remunyika yese.

Mari dzezvipo dzinopiwa pagungano redunhu dzinoshandiswa kuhaya nzvimbo dzekuitira magungano, kugadziridza dzimba dzemagungano uye kubhadhara zvimwewo zvinhu. Dunhu rinogona kusarudza kupa mari inenge yasara kubasa remunyika yese reZvapupu zvaJehovha.

donate.jw.org

KUPA UCHISHANDISA INDANETI

Kuti upe chipo chako, unogona kuita zvinotevera:

  • enda pakanzi donate.jw.org

  • enda pajw.org pachikamu chakanzi Nezvedu

  • enda paJW Library app papeji yekutanga nechekuzasi

Mune dzimwe nyika pane kabhuku kanonzi “Frequently Asked Questions” kanopindura mibvunzo ine chekuita nekupa zvipo.

Vhidhiyo inonzi Kupa Zvipo Uchishandisa Foni, Tablet Kana Kombiyuta inobatsira kuti uzive nzira dzaunokwanisa kushandisa pakupa zvipo.

HUMWE URONGWA HWEKUPA

Zvimwe zvipo zvinopiwa kubasa remunyika yese zvinoda kuti ugare wakatoronga pachiine nguva uye kukurukura nevezvemitemo. Izvi zvinosanganisira:

  • mawiri

  • zvivako nenzvimbo, masheya (stocks), magwaro anoratidza mari yakakwereteswa (bonds), uye inishuwarenzi

  • kupa uchizodzorerwa

Kana uchida kupa zvipo zvakaita seizvi, taura nehofisi yebazi remunyika mako uchishandisa kero iri pakanzi donate.jw.org.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe