RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwbr18 November pp. 1-5
  • Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu
  • Mabhuku Achashandiswa paMusangano Weushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu (2018)
  • Misoro Midiki
  • NOVEMBER 5-11
  • NOVEMBER 12-18
  • NOVEMBER 19-25
  • NOVEMBER 26–DECEMBER 2
Mabhuku Achashandiswa paMusangano Weushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu (2018)
mwbr18 November pp. 1-5

Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu

NOVEMBER 5-11

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JOHANI 20-21

“Unondida Here Kupfuura Idzi?”

nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Joh 21:15, 17

Jesu akati kuna Simoni Petro: Nhaurirano iyi pakati paJesu naPetro yakaitika pashure pekunge Petro aramba Jesu katatu. Jesu akabvunza Petro katatu achida kuona zvaiva mumwoyo wake, zvekuti Petro akasvika ‘pakushungurudzwa.’ (Joh 21:17) Pana Joh 21:15-17, Johani akashandisa shoko rechiGiriki rekuti a·ga·paʹo, paakati unondida uye rekuti phi·leʹo, paakati unondida kwazvo. Jesu akabvunza Petro kaviri kuti: “Unondida here?” Kaviri kese, Petro akapindura Jesu achiti “ndinokudai kwazvo.” Kekupedzisira Jesu akabva azoti: “Unondida kwazvo here?” Petro akapindura zvekare kuti “ndinokudai kwazvo.” Pese paaipindura kudaro, Jesu aibva amuti dyisa uye “fudza” makwai angu, kureva vadzidzi vake. (Joh 21:16, 17; 1Pe 5:1-3) Jesu akaita kuti Petro azvitaurire ega katatu kuti aimuda zvechokwadi, achibva azomupa basa rekufudza makwai. Izvi zvakaita kuti Petro aone kuti zvechokwadi Jesu akanga amuregerera panyaya yekumuramba katatu kwaakanga amboita.

unondida here kupfuura idzi?: Manyorerwo akaitwa mashoko ekuti “kupfuura idzi” anogona kureva zvakawanda. Dzimwe nyanzvi dzeBhaibheri dzinofarira shanduro yekuti “unondida kupfuura vamwe vadzidzi ava here?” kana kuti “unondida kupfuura kudiwa kwandinoitwa nevamwe vadzidzi here?” Asi chinofanira kunge chairehwa ndechekuti “unondida here kupfuura zvinhu izvi?” kureva hove dzavainge vabata kana kuti bhizinesi ravaiita rekubata hove. Saka pfungwa iri muvhesi iyi ndeyekuti: ‘Unondida here kupfuura zvimwe zvinhu muupenyu? Kana uchindida, dyisa makwai angu.’ Kana tikafunga zvakanga zvamboitwa naPetro tinobva taona kuti mubvunzo uyu waiva wakakodzera. Kunyange zvazvo Petro akanga ari mumwe wevadzidzi vaJesu vekutanga (Joh 1:35-42) akatombodzokera kubasa rake rekubata hove. Papera mwedzi yakati kuti, Jesu akamuudza kuti asiye bhizinesi rake kuti ave ‘mubati wevanhu.’ (Mt 4:18-20; Ru 5:1-11) Jesu paakafa, Petro akaenda kunobata hove uye vamwe vaapostora vakabva vamutevera. (Joh 21:2, 3) Saka kubvunza kwakaita Jesu kunoratidza kuti aida kuti Petro asarudze zvaaida: Kukoshesa bhizinesi rake rehove kana kuti kudyisa makwai aJesu.​—Joh 21:4-8.

kechitatu: Petro akanga aramba Tenzi wake katatu, Jesu achibva azomupa mikana mitatu yekuti aratidze kana aimuda zvechokwadi. Petro akaudza Jesu kuti aimuda, Jesu achibva amuti azviratidze nekuisa zvinhu zvekunamata pekutanga. Petro pamwe chete nedzimwe hama vaizova nebasa rekudyisa, kusimbisa uye kufudza makwai akatendeka aKristu. Kunyange zvazvo makwai aya ainge akazodzwa, aifanira kudyiswa pane zvekunamata.​—Ru 22:32.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Joh 20:17

Rega kundinamatira: Shoko rechiGiriki rekuti haʹpto·mai rinogona kureva “kubata,” kunamatira” kana kuti “kubatirira.” Mamwe maBhaibheri anoshandura mashoko aya aJesu achiti: “Usandibata.” Asi kwakanga kusiri kungobata kwairehwa naJesu, nekuti vamwe vakadzi ‘pavakamubata tsoka dzake’ pashure pekunge amutswa haana kuvarambidza. (Mt 28:9) Zvinoita sekuti Mariya Magadharini aityira kuti Jesu akanga ava kutoenda kudenga. Nekuda kuramba aina Tenzi wake, Mariya Magadharini akanamatira kuna Jesu asingamupi mukana wekuti aende. Kuti amuratidze kuti akanga asati ava kuenda, Jesu akamuudza kuti amusiye uye aende kunoudza vamwe vadzidzi nezvekumutswa kwake.

nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Joh 20:28

Ishe wangu naMwari wangu!: Dzimwe nyanzvi dzeBhaibheri dzinoti kunyange zvazvo mashoko aya akataurirwa Jesu, munhu airehwa ndiMwari, Baba vake. Asi vamwe vanoti mashoko acho pachiGiriki anoratidza kuti Jesu ndiye airehwa. Kunyange kana zvirizvo, kuti tizive kuti mashoko ekuti “Ishe wangu naMwari wangu” aireva ani, tinofanira kunzwisisa zvinotaurwa nemamwe Magwaro. Sezvo Jesu akanga amboudza vadzidzi vake kuti, ‘Ndiri kukwira kuna Baba vangu naBaba venyu uye kuna Mwari wangu naMwari wenyu,’ hapana chingaita kuti titi Tomasi aifunga kuti Jesu ndiye Mwari wemasimbaose. Tomasi akanga anzwa Jesu achinyengetera kuna “Baba” vake achivati “Mwari wechokwadi chete.” (Joh 17:1-3) Saka anogona kunge akadana Jesu kuti “Mwari wangu” nemhaka yezvikonzero zvinotevera: Aiona Jesu ‘samwari’ kwete Mwari wemasimbaose. (Ona tsanangudzo dzemamwe mashoko aJoh 1:1) Kana kuti anogona kunge akataura izvozvo achitevedzera zvaiitwa nevamwe vashumiri vaMwari vekare pavaitaura nengirozi idzo dzaimiririra Mwari. (Enzanisa naGe 16:7-11, 13; 18:1-5, 22-33; 32:24-30; Vat 6:11-15; 13:20-22.) Saka zvikonzero izvi ndizvo zvinogona kunge zvakaita kuti Tomasi ati kuna Jesu “Mwari wangu” kuratidza kuti aibvuma kuti Jesu ndiye mumiririri waMwari.

NOVEMBER 12-18

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MABASA 1-3

“Mweya Mutsvene Unodururwa Paungano yechiKristu”

w86-E 12/1 29 ¶4-5, 7

Kupa Kunoita Kuti Mwoyo Ufare

Pazuva rakatanga ungano yechiKristu muna 33 C.E., vanhu 3 000 vakanga vachangobva kubhabhatidzwa ‘vaigoverana zvinhu zvavakanga vainazvo, zvekudya uye vachinyengetera pamwe chete.’ Vaizviitirei? Vakazviitira kuti vasimbise kutenda kwavo ‘nekuramba vachizvipira kune zvaidzidziswa nevaapostora.’​—Mabasa 2:41, 42.

VaJudha nevamwe vakanga vatendeukira kuchiJudha, vakanga vauya kuJerusarema kwenguva pfupi kumutambo wePendekosti. Asi vaya vakazova vaKristu vaida kugara kwenguva yakati rebei kuti vadzidze zvimwe vachisimbisa kutenda kwavo. Izvi zvakaita kuti padiwe zvekudya uye pekugara. Vamwe vakanga vasina mari yakawanda, asi vamwe vaiva nayo. Saka zvinhu zvakaunganidzwa zvichipiwa kune vaya vakanga vasina.​—Mabasa 2:43-47.

Vanhu vaitengesa zvinhu zvavo uye vachipa vaishayiwa. Hapana akaita zvekumanikidzwa uye hakusi kuti vakabva vatengesa zvinhu zvavo zvese zvekubva vatosara vari varombo. Kunzwira tsitsi hama dzavo dzavainamata nadzo ndiko kwakaita kuti vaKristu ava vatengese zvinhu zvavo vachipa mari yacho kuitira kuti zvinhu zveUmambo zvifambire mberi.​—Enzanisa na2 VaKorinde 8:12-15.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

it-2-E 61 ¶1

Jesu Kristu

“Mumiririri Mukuru woupenyu.” Jesu akapa upenyu hwake sechibayiro uye zvaakaita zvinoratidza mutsa una Baba vake. Kufa kwake kwakaita kuti vamwe vateveri vake vakwanise kunotonga naye kudenga uye vamwe vararame panyika vachitongwa neUmambo hwake. (Mt 6:10; Joh 3:16; VaE 1:7; VaH 2:5) Saka akabva ava “Mumiririri Mukuru [“Muvambi,” Bhaibheri Dzvene Muchishona Chanhasi] woupenyu” wevanhu. (Mab 3:15) Shoko rechiGiriki rakashandiswa muvhesi iyi rinowanzoreva “mutungamiriri mukuru,” uye shoko rakada kufanana nairoro rakashandiswa kuna Mosesi (Mab 7:27, 35) “semudzori” wevaIsraeri.

cl 265 ¶14

Mwari “Akagadzirira Kukanganwira”

14 Kukanganwira kwaJehovha kunorondedzerwa zvakare pana Mabasa 3:19 panoti: “Naizvozvo, pfidzai, mutendeuke kuti zvivi zvenyu zvidzimwe.” Mashoko iwayo okupedzisira anoshandura shoko rechiito rechiGiriki rinogona kureva “kupukuta, . . . kukanzura kana kuti kuparadza.” Maererano nedzimwe nyanzvi, mufananidzo unopiwa ndewokudzima zvakanyorwa nemaoko. Izvi zvaibvira sei? Ingi yaiwanzoshandiswa kare kare yaigadzirwa nomusanganiswa wematsito, namo, nemvura. Achangopedza kushanda neingi yakadaro, munhu aigona kutora jira nyoro opukuta achidzima zvaanyora. Apa pane mufananidzo wakanaka kwazvo wengoni dzaJehovha. Paanokanganwira zvivi zvedu, anoita sokuti anotora jira ozvidzima.

it-1-E 129 ¶2-3

Ndiani akazova muapostora wechi12 Judhasi Iskariyoti paakafa?

Sezvo Judhasi Iskariyoti akapanduka uye akazofa asina kuvimbika, pakasara paine vaapostora 11 uye Jesu haana kugadza mumwe muapostora mumazuva 40 aakararama pashure pekunge amutswa kusvika paakazodzokera kudenga. Mumazuva 10 kubva Jesu paakadzokera kudenga kusvika pazuva rePendekosti, zvakaonekwa kuti paifanira kusarudzwa mumwe munhu aizotsiva nzvimbo yaJudhasi, kwete chete nekuti Judhasi wacho akanga afa, asi kuti ainge apanduka, sezvinoratidzwa neMagwaro akataurwa naPetro. (Mab 1:15-22; Pis 69:25; 109:8; enzanisa naZva 3:11.) Asi Jakobho, uyo aiva muapostora akavimbika, paakafa hapana panoratidza kuti pane mumwe munhu akazosarudzwa kuti amutsive.​—Mab 12:2.

Zvakataurwa naPetro zvinoratidza kuti munhu aizogadzwa kuva muapostora aifanira kunge ari munhu akambotaura naJesu uye aizivana naye, akaona mabasa aakaita, zvishamiso zvake, uye akamuona amutswa. Saka izvi zvinoratidzawo kuti nekufamba kwenguva zvaisazoita kuti pave nemunhu anokodzera kugadzwa semuapostora, kunze kwekunge mweya mutsvene waizopa chiratidzo chekusarudza munhu iyeye. Mumazuva 10 kubva Jesu paakadzokera kudenga kusvika pazuva rePendekosti, paiva nevarume vakawanda vaikwanisa kugadzwa sevaapostora, uye pane varume vaviri vakanzi vaigona kutora nzvimbo yaJudhasi. Pachishandiswa pfungwa iri muna Zvirevo 16:33, pakakandwa mijenya, Matiyasi achibva asarudzwa uye kubva ipapo “akabva averengwa pamwe chete nevaapostora vane gumi nomumwe chete.” (Mab 1:23-26) Anoverengwawo pakati ‘pevane gumi nevaviri’ vakagadzirisa dambudziko raiva nechekuita nevadzidzi vaitaura chiGiriki. (Mab 6:1, 2), uye zvinoratidza sekuti Pauro anomubatanidza paaitaura ‘nezvevane gumi nevaviri’ vakaona Jesu pashure pekunge amutswa. (1 VaK. 15:4-8) Saka Pendekosti payakasvika, pakanga paine vaapostora 12 avo vaifananidzwa nefaundesheni yaIsraeri waMwari.

NOVEMBER 19-25

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MABASA 4-5

“Vakaramba Vachitaura Shoko raMwari Neushingi”

w08 9/1 15, bhokisi

Zvakataurwa Zvinova Magwaro Matsvene​—Kunyora Kwaiitwa nevaKristu Vekare

Vaapostora Vakanga Vasingagoni Kunyora Nokuverenga Here?

Vatongi nevarume vakuru vaiva muJerusarema “pavakaona kuti Petro naJohani vaitaura vasingatyi, vakanzwisisa kuti vakanga vari vanhuwo zvavo, vasina kudzidza, ivo vakashamisika.” (Mabasa 4:13) Asi vaapostora vakanga vasina kudzidza here kana kuti vasingagoni kuverenga nokunyora? Nezvemashoko aya, The New Interpreter’s Bible inoti: “Zvichida mashoko aya haafaniri kutorwa sezvaari chaizvo sokunge kuti Petro [naJohani] vakanga vasina kuenda kuchikoro uye vasingagoni kunyora nokuverenga. Anongoratidza kusiyana kukuru kwaivapo munzanga yacho kwevaapostora nevaitonga vamwe.”

w08 5/15 30 ¶6

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raMabasa

4:13​—Petro naJohani vakanga vasingagoni kuverenga kana kuti vasina kudzidza here? Aiwa. Vainzi “vanhuwo zvavo, vasina kudzidza” nokuti vakanga vasina kupinda zvikoro zvavanarabhi kuti vadzidziswe zvechitendero.

it-1-E 128 ¶3

Muapostora

Kukura Kweungano yechiKristu. Kudururwa kwemweya mutsvene pavaapostora kwakaitika paPendekosti, kwakavasimbisa. Zvitsauko 5 zvekutanga zvebhuku raMabasa eVaApostora zvinoratidza kuti vaapostora vakaparidza neushingi mashoko akanaka uye kumutswa kwaJesu kunyange zvazvo vaisungwa, vairohwa uye vatongi vaivatyisidzira nerufu. Kutungamirira kwaiita vaapostora vachibatsirwa nemweya mutsvene kwakaita kuti ungano yechiKristu ikure. (Mab 2:41; 4:4) Pakutanga vaiparidza muJerusarema asi vakazoendawo kuSamariya uye nekufamba kwenguva kune dzimwe nzvimbo.​—Mab 5:42; 6:7; 8:5-17, 25; 1:8.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

it-1-E 514 ¶4

Dombo repakona

Pisarema 118:22 inoratidza kuti dombo rakarambwa nevavaki raizova “musoro wekona” (muchiHebheru., roʼsh pin·nahʹ). Jesu akataura nezveuprofita uhwu uye akati ndiye aiva “dombo guru repakona” (muchiGiriki., ke·pha·leʹ go·niʹas). (Mt 21:42; Mk 12:10, 11; Ru 20:17) Dombo repamusoro pachivako rinonyatsooneka, saka Jesu Kristu ndiye dombo repamusoro reungano yechiKristu yevakazodzwa iyo inofananidzwa netemberi yezvekunamata. Petro akatiwo Pisarema 118:22 inoshanda kuna Kristu, uye akaratidza kuti Kristu ndiye aiva “dombo” rakarambwa nevanhu asi Mwari akamusarudza kuti ave “musoro wekona.”​—Mab 4:8-12; onawo 1Pe 2:4-7.

w13 3/1 15 ¶4

Petro naAnaniyasi Vakanyepa Tingadzidzei?

Ananiyasi nemudzimai wake vanotengesa munda wavo kuti vawane mari yokubatsira ava vachangobhabhatidzwa. Ananiyasi paanoenda nemari kuvaapostora, anotaura kuti ndiyo yose yavakawana. Asi handiyo yose! Ane imwe mari yaasara nayo! Mwari anoita kuti Petro azvizive, uye Petro anoudza Ananiyasi kuti: “Hauna kuedza kunyengera vanhu, asi Mwari.” Ananiyasi anobva adonhera pasi ofa! Pashure pemaawa anenge matatu, mudzimai wake anouyawo. Haazivi zvaitika kumurume wake uye anonyepawo obva adonhera pasi ndokufa.

NOVEMBER 26–DECEMBER 2

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MABASA 6-8

“Ungano Itsva yechiKristu Inoedzwa”

bt 41 ¶17

“Tinofanira Kuteerera Mwari Somutongi”

17 Iye zvino ungano yacho itsva yakanga yatarisana nengozi isingaoneki yaiityisidzira nechomukati. Chaiva chii ichocho? Vakawanda vevadzidzi vaibhabhatidzwa vaiva vanhu vaishanya kuJerusarema uye vaida kudzidza zvakawanda vasati vadzokera kumusha. Vadzidzi vaigara muJerusarema vakapa mari vachizvidira kuti ishandiswe pakutenga zvokudya nezvimwe zvaidiwa. (Mab. 2:44-46; 4:34-37) Panguva ino, nyaya yaida kungwarira uye kuziva manzwiro evamwe yakamuka. “Pakugoverwa kwezvokudya kwezuva nezuva” chirikadzi dzaitaura chiGiriki “dzakanga dzichidarikwa.” (Mab. 6:1) Zvisinei, chirikadzi dzaitaura chiHebheru dzakanga dzisingadarikwi. Nokudaro, dambudziko racho ringangodaro raisanganisira kusarura. Inyaya shoma dzinokonzera kuita mapoka sezvinoita iyi yokusarura.

bt 42 ¶18

“Tinofanira Kuteerera Mwari Somutongi”

18 Vachishanda sedare rinodzora reungano iyoyo yaikura, vaapostora vakaziva kuti kwaisazova kuchenjera kuti ‘vasiye shoko raMwari kuti vagovere zvokudya.’ (Mab. 6:2) Kuti nyaya yacho igadziriswe, vakarayira vadzidzi kuti vatsvake varume vanomwe ‘vazere nemweya neuchenjeri’ vaizogadzwa nevaapostora kuti vaite ‘basa iri raifanira kuitwa.’ (Mab. 6:3) Varume vanonyatsokwanisa vaidiwa nokuti basa racho ringangodaro raisanganisira kugovera zvokudya uyewo kushandisa mari, kutenga zvaidiwa uye kunyatsonyora zvose zvaiitwa. Varume vose vakasarudzwa vakanga vaine mazita echiGiriki, zvichida zvakaita kuti vashande zvakanaka nechirikadzi dzechiGiriki dzakanga dzagumburwa. Pashure pokufungisisa vachinyengeterera kurumbidza kwacho, vaapostora vakagadza varume vacho vanomwe kuti vaite ‘basa iri raifanira kuitwa.’

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

bt 45 ¶2

Stefani​—“Azere Nenyasha Nesimba”

2 Panguva ino pane chimwe chinhu chinoshamisa pakuratidzika kwechiso chaStefani. Vatongi vanonyatsomutarira uye vanoona kuti chiso chake “chakaita sechiso chengirozi.” (Mab. 6:15) Ngirozi dzinotakura mashoko aJehovha Mwari uye nokudaro dzine chikonzero chokusatya uye chokuva norugare. Saka ndiwo manzwiro anoita Stefani uye kunyange vatongi vaya vanomuvenga zvakanyanyisa vanogona kuona izvozvo. Sei akadzikama kudaro?

bt 58 ¶16

Kuzivisa “Mashoko Akanaka Pamusoro paJesu”

16 Nhasi vaKristu vane ropafadzo yokuitawo basa rakafanana nerakaitwa naFiripi. Kazhinji, vanokwanisa kuparidzira mashoko oUmambo zvisina kurongwa kune vaya vavanosangana navo, sepaya pavanenge vari parwendo. Kakawanda, zviri pachena kuti kusangana kwavanoita nomunhu akatendeseka haisi tsaona. Izvi zvinofanira kutarisirwa, nokuti Bhaibheri rinojekesa kuti ngirozi dziri kutungamirira basa rokuparidza kuitira kuti shoko racho risvike “kumarudzi ose nemadzinza nendimi nevanhu.” (Zvak. 14:6) Chaizvoizvo Jesu akafanotaura kuti ngirozi dzaizotungamirira basa rokuparidza. Mumufananidzo wake wegorosi nemasora, Jesu akati panguva yokukohwa​—kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho—​“vakohwi ingirozi.” Akawedzera kuti zvisikwa zvemweya izvi zvaizo“unganidza zvinhu zvose zvinogumbura dzichizvibudisa muumambo hwake uye vanhu vasiri kuteerera mutemo.” (Mat. 13:37-41) Ngirozi dzaizounganidzawo vagari venhaka voUmambo hwokudenga vanotarisirwa​—uye gare gare “boka guru revanhu” ve“mamwe makwai”—​avo Jehovha anoda kuti vauye kusangano rake.​—Zvak. 7:9; Joh. 6:44, 65; 10:16.

nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Joh 1:1

Shoko rakanga riri mwari: Kana kuti “Shoko rakanga rakaita saMwari. Mashoko aya ari kurondedzera unhu kana kuti zvakaita “Shoko” (Ona tsanangudzo dzemamwe mashoko nezveShoko), kureva Jesu Kristu. Chinzvimbo chepamusoro cheShoko seMwanakomana waMwari wedangwe uyo akashandiswa naMwari kusika zvimwe zvinhu zvese, chinoratidza kuti anogona kunzi “ndimwari; akaita samwari; ane humwari maari.” Vashanduri vakawanda vanofarira kushandura vachiti “Shoko rakanga riri Mwari,” vachimuita akaenzana naMwari Wemasimbaose. Asi pane zvikonzero zvinoita kuti titi Johani akanga asingarevi kuti “Shoko” ndiye Mwari Wemasimbaose. Muvhesi 1 ne2 munoti “Shoko” rakanga “riina Mwari” kana kuti “aina Mwari.” Mashoko ekuti riina kana kuti aina, anoratidza kuti ndemumwe munhu asiri Mwari. Nyanzvi dzakawanda dzinoongorora Bhaibheri dzinoti manyorero aya ekuti riina uye aina anoratidza kuti pane musiyano pakati peShoko naMwari Wemasimbaose. Uyewo mashoko ekuti “riri mwari” anenge achirondedzera unhu kana kuti zvakaita “Shoko.” Ndosaka maBhaibheri akawanda eChirungu, chiFrench, uye chiGerman achishandura zvakafanana nezviri muShanduro yeNyika Itsva, achibudisa pfungwa yekuti “Shoko” rakanga “riri mwari; rakaita saMwari.” Shanduro dzekare dzeEvhangeri yaJohani dzechiCoptic dzakabudiswa makore 1 800 apfuura dzinotsigira pfungwa iyi nekuti manyorero adzinoita shoko rekuti Mwari pana Joh 1:1 akasiyana. Manyorero aya anoratidza kuti “Shoko” raiva neunhu hwakafanana nehwaMwari, kwete kuti rakaenzana naMwari Wemasimbaose. Zviri muvhesi iyi zvinotsigirwa naVaK 2:9 iyo inorondedzera Kristu ichimuti “kuva saMwari kwake kwose kuzere kunogara maari.” Uye 2Pe 1:4, inoti kunyange vaKristu vakazodzwa ‘vachaitwa kuti vave sevanhu vakaita saMwari.’ Chimwezve ndechekuti muSeptuagint, shoko rechiGiriki rekuti the·osʹ rinoshandiswa pakushandura mashoko echiHebheru anoreva Mwari ekuti ʼel uye ʼelo·himʹ, ayo anonzi anoreva kuti “Ane Simba.” Mashoko aya echiHebheru anoshandiswa kureva Mwari Wemasimbaose, vamwe vanamwari uye vanhu. (Joh 10:34) Kudaidza Shoko tichiti “mwari,” kana kuti “ane simba,” kunoenderana neuprofita huri pana Isa 9:6, hwaitaura kuti Mesiya aizonzi “Mwari Ane Simba” (kwete “Mwari Wemasimbaose”) uye kuti aizova “Baba Vasingagumi” wevaya vaachatonga. Kushingaira kwaBaba vake, “Jehovha wemauto,” kuchazviita.​—Isa 9:7.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe