PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | VAROMA 7-8
Uri “Kumirira Nomwoyo Wose” Here?
“Zvisikwa”: ava vanhu vane tariro yekurarama nekusingaperi panyika
“Kuratidzwa kwevanakomana vaMwari”: izvi zvichaitika vakazodzwa pavachabatana naKristu pakuparadza nyika yakaipa yaSatani
“Nokuda kwetariro”: ivimbiso yaJehovha yekununura vanhu pachishandiswa rufu rwaJesu uye kumutswa kwake
‘Zvichasunungurwa muuranda hwekuora’: uku kusunungurwa kuchaitwa vanhu zvishoma nezvishoma pamatambudziko anokonzerwa nechivi nerufu