RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwbr19 February pp. 1-5
  • Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu
  • Mabhuku Achashandiswa paMusangano Weushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu (2019)
  • Misoro Midiki
  • FEBRUARY 4-10
  • FEBRUARY 11-17
  • FEBRUARY 18-24
  • FEBRUARY 25–MARCH 3
Mabhuku Achashandiswa paMusangano Weushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu (2019)
mwbr19 February pp. 1-5

Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu

FEBRUARY 4-10

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | VAROMA 1-3

“Ramba Uchidzidzisa Hana Yako”

lv 16 ¶6

Ungaramba Sei Uine Hana Yakanaka?

6 Vashumiri vaJehovha ndivo chete vane chipo ichi chehana here? Funga nezvemashoko akafemerwa omuapostora Pauro anoti: “Vanhu vemamwe marudzi vasina mutemo pavanoita zvinhu zvomutemo maererano nemasikirwo avakaitwa, vanhu ava, kunyange vasina mutemo, ivo mutemo pachavo. Ivo ndivo vanoratidza kuti zvinhu zvine chokuita nomutemo zvakanyorwa mumwoyo mavo, hana yavo painenge ichipupurirana navo uye, pane zvavanofunga, vari kupiwa mhosva kana kuti kunyange kupembedzwa.” (VaRoma 2:14, 15) Kunyange vaya vasingatombozivi mitemo yaJehovha, dzimwe nguva hana yavo ingaita kuti vaite zvinhu zvinoenderana nomutemo waMwari.

lv 17-18 ¶8-9

Ungaramba Sei Uine Hana Yakanaka?

8 Unosarudza sei zvokuita uchitungamirirwa nehana? Zvinoita sokuti vamwe vanoongorora zvavanofunga nezvinoda mwoyo yavo, vobva vasarudza kuita izvozvo. Vangabva vati, “Hazvisi kunetsa hana yangu.” Zvinodiwa nomwoyo zvinogona kuva nesimba zvikuru zvokuti hana ingatovhiringidzwa. Bhaibheri rinoti: “Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose uye wakaipa kwazvo. Ndiani angauziva?” (Jeremiya 17:9) Saka zvinodiwa nomwoyo wedu hazvifaniri kuva izvo zvinokosha. Asi tinoda kutanga tafunga kuti zvinofadza Jehovha Mwari ndezvipi. Ona mashoko emuzasi.

9 Kana tikasarudza kuita chinhu tichitungamirirwa nehana yakadzidziswa zvechokwadi, zvicharatidza kuti hatingoiti zvido zvedu asi kuti tinotya Mwari. Funga nezvomumwe muenzaniso. Gavhuna akanga akatendeka Nehemiya, aiva nekodzero yokubhadharisa vanhu vaiva muJerusarema dzimwe mari nemitero. Asi haana kudaro. Nei? Aivenga nyaya yokuzogumbura Jehovha nemhosva yokudzvinyirira vanhu vake. Akati: “Handina kuita izvozvo nokuti ndaitya Mwari.” (Nehemiya 5:15) Kutya Mwari kwechokwadi, kunoreva kutya kugumbura Baba vedu vokudenga. Kutya kwokuremekedza kwakadaro kunokosha uye kuchaita kuti titsvake zvinotaura Shoko raMwari patinenge tichisarudza zvokuita.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w08 6/15 30 ¶5

Pfungwa Huru Dzatinowana Mutsamba yokuVaRoma

3:4. Zvinotaurwa nevanhu pazvinopesana nezvinotaurwa naMwari muShoko rake, ‘tinoita kuti Mwari awanikwe ari wechokwadi’ nokuvimba nemashoko eBhaibheri uye kuita maererano nokuda kwaMwari. Nokushingaira mubasa rokuparidza Umambo uye rokuita vadzidzi, tinogona kubatsira vamwe kuti vaone kuti Mwari ndewechokwadi.

w08 6/15 29 ¶6

Pfungwa Huru Dzatinowana Mutsamba yokuVaRoma

3:24, 25—“Rudzikinuro rwakabhadharwa naKristu Jesu” rwakafukidza sei “zvivi zvakaitika munguva yakapfuura” irwo rusati rwabhadharwa? Uprofita hwokutanga hwaMesiya huri pana Genesisi 3:15, hwakazadzika muna 33 C.E. Jesu paakaurayiwa padanda rokutambudzikira. (VaG. 3:13, 16) Zvisinei, nguva yakataura Jehovha uprofita uhwu, zvaitoita sokunge kuti rudzikinuro rwakanga rwatobhadharwa mumaonero ake nokuti hapana chinotadzisa Mwari kuzadzika zvinangwa zvake. Saka Jehovha aizokanganwira zvivi zvevazukuru vaAdhamu vaizoratidza kutenda vimbiso iyoyo achishandisa chibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu chaizopiwa munguva yemberi. Rudzikinuro runoitawo kuti vakararama Kristu asati auya vazokwanisa kumutswa.—Mab. 24:15.

FEBRUARY 11-17

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | VAROMA 4-6

“Mwari Anoratidza Rudo Rwake Kwatiri”

w11 6/15 12 ¶5

Mwari Anoratidza Rudo Rwake Kwatiri

5 Pauro akatsanangura nyaya yacho, achitanga nechokwadi ichi: “Chivi zvachakapinda munyika nomunhu mumwe chete uye rufu zvarwakapinda nechivi, saizvozvowo rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vatadza.” (VaR. 5:12) Izvi tinozvinzwisisa nokuti Mwari akaita kuti nhoroondo yokutanga kweupenyu hwevanhu inyorwe. Jehovha akasika vanhu vaviri, Adhamu naEvha. Sezvo Musiki akakwana, vabereki vedu vokutanga vakanga vakakwanawo. Mwari akavapa mutemo mumwe chete akavaudza kuti vaizotongerwa rufu kana vakasauteerera. (Gen. 2:17) Zvisinei vakasarudza kuita zvakaipa nokutyora mutemo waMwari usina kuoma, saka vakaramba kuti ave Changamire wavo uye kuti avape mitemo.​—Dheut. 32:4, 5.

w11 6/15 12 ¶6

Mwari Anoratidza Rudo Rwake Kwatiri

6 Adhamu akazobereka vana atotadza, saka akapfuudza kwavari vose chivi nematambudziko ose achinokonzera. Ivo havana kutyora mutemo waMwari sezvakaitwa naAdhamu, saka havana kunzi ndivo vakanga vaita chivi chacho; uyewo panguva iyoyo bumbiro romutemo rakanga risati ravapo. (Gen. 2:17) Kunyange zvakadaro, chivi chakapfuudzirwa kuvana vaAdhamu. Saka chivi norufu zvakatonga kusvika panguva yakapiwa vaIsraeri bumbiro romutemo naMwari, iro rairatidza pachena kuti vaiva vatadzi. (Verenga VaRoma 5:13, 14.) Chivi chatinoberekwa nacho chingafananidzwa nezvimwe zvirwere zvatingawana kuvabereki. Kunyange zvazvo vamwe vana mumhuri vangasarwara zvinooneka, vanenge vaine chirwere chacho muropa. Chivi chinoita zvinopfuura ipapo. Chivi chakabva kuna Adhamu hachina munhu wachakasiya, saka nemhaka yaizvozvo tose tinofa. Dambudziko iroro raizokundwa sei?

w11 6/15 13 ¶9-10

Mwari Anoratidza Rudo Rwake Kwatiri

9 Mashoko echiGiriki akashandurwa kuti “kunzi vakarurama” uye “vanonzi vakarurama” anombova nepfungwa ipi? Mumwe mushanduri weBhaibheri akanyora nezvawo kuti, “Mashoko aya idimikira romutauro unoshandiswa pakutonga nyaya. Rinotaura nezvokuchinja kwemaonerwo anenge achiitwa munhu naMwari, kwete kuti munhu wacho pachake ndiye anenge achinja . . . Dimikira racho rinoita sokuti riri kutaura nezvaMwari somutongi asarudza zvakanakira ari kupomerwa, anga aunzwa pamberi pedare raMwari achipomerwa mhosva yokuita zvisina kururama. Asi Mwari anomuti haana mhosva.”

10 “Mutongi wenyika yose” akarurama aizokwanisa sei kuti munhu asina kururama haana mhosva? (Gen. 18:25) Achigadzirira kuti izvi zvikwanisike, Mwari akaratidza rudo nokutitumira Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga. Jesu akaita kuda kwaBaba vake asingatsaudziri, zvisinei nemiedzo, kushorwa zvakanyanya, uye kuitirwa zvakaipa. Akaramba akaperera kuna Mwari kusvika pakutofira padanda rokutambudzikira. (VaH. 2:10) Nokubayira kwaakaita upenyu hwake hwakakwana, Jesu akapa rudzikinuro rwaigona kusunungura vana vaAdhamu muchivi norufu.​—Mat. 20:28; VaR. 5:6-8.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w08 6/15 29 ¶7

Pfungwa Huru Dzatinowana Mutsamba yokuVaRoma

6:3-5—Chii chinorehwa nokubhabhatidzwa muna Kristu Jesu uye kubhabhatidzwa murufu rwake? Jehovha paanozodza vateveri vaKristu [nemweya] mutsvene, vanobatana naJesu vova nhengo dzeungano inoumba muviri waKristu, iye ari Musoro. (1 VaK. 12:12, 13, 27; VaK. 1:18) Izvi ndizvo zvinoreva kubhabhatidzwa kwavo muna Kristu Jesu. VaKristu vakazodzwa ‘vanobhabhatidzwawo murufu’ rwaKristu mukuti vanorarama upenyu hwokuzvibayira uye vanosiya tariro yokurarama nokusingaperi pasi pano. Saka rufu rwavo nderwokuzvibayira sezvakanga zvakaitawo rufu rwaJesu, kunyange zvazvo rufu rwavo rusingakoshi panyaya yorudzikinuro. Kubhabhatidzwa murufu rwaKristu kunoguma pavanofa vomutswa kuti vararame kudenga.

w14 6/1 11 ¶1

Ndichazomboona Madzitateguru Angu Here?

Vasina kururama pavachamutswa, vachatongwa maererano nezvavaiita vasati vafa here? Kwete. VaRoma 6:7 inoti: “Uya anenge afa asunungurwa pachivi chake.” Vasina kururama vachange vabhadhara zvivi zvavo kuburikidza nekufa. Saka vachatongwa maererano nezvavachaita pashure pekunge vamutswa, kwete zvavakatadza vasingazivi vasati vafa. Vachabatsirwa sei?

FEBRUARY 18-24

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | VAROMA 7-8

“Uri ‘Kumirira Nomwoyo Wose’ Here?”

w12 7/15 11 ¶17

Jehovha Ngaakutungamirire Kurusununguko Rwechokwadi

17 Pauro paaikurukura nezvekusunungura kuchaita Jehovha vashumiri vake vachagara panyika, akanyora kuti: “Zvisikwa zviri kumirira nomwoyo wose zvichitarisira kuratidzwa kwevanakomana vaMwari.” Akabva awedzera kuti: “Zvisikwa zvichasunungurwawo muuranda hwokuora zvova norusununguko runobwinya rwevana vaMwari.” (VaR. 8:19-21) “Zvisikwa” zvinoreva vanhu vane tariro yepasi pano, vaya vachabatsirwa no“kuratidzwa kwevanakomana” vaMwari vakazodzwa [nemweya mutsvene]. Kuratidzwa ikoko kuchatanga “vanakomana” ava vanenge vamutsirwa kudenga pavachashanda naKristu kubvisa zvakaipa panyika uye pavachaita kuti “boka guru” ripinde munyika itsva.​—Zvak. 7:9, 14.

w12 3/15 23 ¶11

Kufarira Tariro Yedu

11 Jehovha akaita kuti vanhu ‘vave netariro’ paakavimbisa kuvanunura pana Satani Dhiyabhorosi, “nyoka yepakutanga,” achishandisa “mbeu” yakapikirwa. (Zvak. 12:9; Gen. 3:15 mashoko omuzasi) Wokutanga pa“mbeu” iyoyo aiva Jesu Kristu. (VaG. 3:16) Kufa uye kumuka kwaakaita, zvakaita kuti vanhu vakwanise kuva netariro yakasimba yokusunungurwa pakuva muuranda hwechivi norufu. Kuzadziswa kwetariro iyoyo kwakabatana no“kuratidzwa kwevanakomana vaMwari.” Vamwe ‘vembeu’ yacho ndivo vakazodzwa pavanenge vava kudenga. ‘Vacharatidzwa’ pavachabatana naKristu pakuparadza nyika yakaipa yaSatani. (Zvak. 2:26, 27) Izvi zvichaita kuti mamwe makwai, vaya vanobuda mukutambudzika kukuru, vaponeswe.​—Zvak. 7:9, 10, 14.

w12 3/15 23 ¶12

Kufarira Tariro Yedu

12 “Zvisikwa” kana kuti vanhu, vachanzwa vanyatsozorora muKutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru! Panguva iyoyo, “vanakomana vaMwari” ‘vacharatidzwazve’ pavachashanda sevapristi naKristu, vachiita kuti chibayiro chorudzikinuro chaJesu chibatsire vanhu. Vanhu vacho pavanenge vava kutongwa noUmambo hwokudenga, vachatanga kusunungurwa panhamo dzinokonzerwa nechivi norufu. Zvishoma nezvishoma, vanhu vanoteerera vachasunungurwawo “muuranda hwokuora.” Kana vakaramba vakatendeka kuna Jehovha muMakore Ane Chiuru, uye mumuedzo wokupedzisira uchauya panopera makore acho, mazita avo achanyorwa zvokusazombodzimwa mu“mupumburu woupenyu.” Vachapinda mu“rusununguko runobwinya rwevana vaMwari.” (Zvak. 20:7, 8, 11, 12) Iyoyo itariro yakazonaka!

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w17.06 3

Unoyeuka Here?

“Kufunga kwenyama” kwakasiyana papi ‘nekufunga kwemweya’? (VaR. 8:6)

Munhu ane kufunga kwenyama anotongwa nezvido zvake uye anonyanya kuisa pfungwa dzake pazvido izvozvo zvekuti anogara achitaura nezvazvo uye kuzvirumbidza. Munhu ane kufunga kwemweya anokoshesa mafungiro aMwari uye anoita zvinodiwa naMwari; muKristu akadaro anotungamirirwa nemweya mutsvene. Kufunga kwenyama kunoita kuti munhu anange kurufu uye kufunga kwemweya kunomuita kuti ave neupenyu nerugare.​—w16.12, mapeji 15-17.

w09 11/15 7 ¶20

Minyengetero Yako Inoratidzei Nezvako?

20 Dzimwe nguva patinenge tichinyengetera tiri toga, tingasaziva kuti toti chii. Pauro akanyora kuti, “Hatizivi chinhu chinonetsa chatinofanira kunyengeterera patinofanira kunyengetera, asi [mweya mutsvene] unotitetererera nokugomera kusinganzwiki. Asi iye [Mwari] anoongorora mwoyo anoziva zvinoreva [mweya].” (VaR. 8:26, 27) Jehovha akaita kuti minyengetero yakawanda inyorwe muMagwaro. Kana tikamukumbira tichitevedzera mashoko iwayo akafuridzirwa, anotinzwa. Mwari anotiziva uye anoziva kuti zvinhu zvaakaita kuti zvinyorwe muBhaibheri zvinorevei. Jehovha anopindura kukumbira kwedu [mweya] pa“unotitetererera.” Patinoramba tichijairana neShoko raMwari, tinobva tangoyeuka zvatinofanira kunyengeterera.

FEBRUARY 25–MARCH 3

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | VAROMA 9-11

“Mufananidzo Wemuti Wemuorivhi”

w11 5/15 23 ¶13

‘Haiwa, Uchenjeri hwaMwari Hwakadzama Sei!’

13 Muapostora Pauro anoenderera mberi achifananidza vaya vanova vamwe vembeu yaAbrahamu nemapazi omuorivhi wokufananidzira. (VaR. 11:21) Muorivhi uyu wakaita zvokudyarwa unomiririra kuzadziswa kwechinangwa chaMwari chine chokuita nesungano yaAbrahamu. Mudzi wacho mutsvene uye unomiririra Jehovha souyo anopa upenyu kuna Israeri waMwari. (Isa. 10:20; VaR. 11:16) Hunde inomiririra Jesu sewokutanga pambeu yaAbrahamu. Mapazi ndiwo ‘nhamba izere’ yevamwe vembeu yaAbrahamu.

w11 5/15 24 ¶15

‘Haiwa, Uchenjeri hwaMwari Hwakadzama Sei!’

15 Saka Jehovha akaitei kuti azadzise chinangwa chake? Pauro anotsanangura kuti mapazi akatorwa pamuorivhi womusango akabatanidzwa nemuorivhi wakaita zvokudyarwa achitsiva aya akabviswa. (Verenga VaRoma 11:17, 18.) Saka vaKristu vemamwe marudzi vakazodzwa [nemweya] mutsvene, vakadai sevaya vaiva muungano yeRoma, vakaita sevabatanidzwa nouyu muorivhi wokufananidzira. Izvi zvakaita kuti vave vamwe vembeu yaAbrahamu. Pakutanga, vakanga vakaita semapazi omuorivhi womusango, vasina kana mukana wokuva muiyi sungano inokosha. Asi Jehovha akavazarurira mukana wokuva noukama naye sehwaimbova nevaJudha chaivo.​—VaR. 2:28, 29.

w11 5/15 25 ¶19

‘Haiwa, Uchenjeri hwaMwari Hwakadzama Sei!’

19 Zvechokwadi, chinangwa chaJehovha chine chokuita na“Israeri waMwari” chiri kuzadziswa zvinoshamisa. (VaG. 6:16) Sezvakataurwa naPauro, “vaIsraeri vose vachaponeswa.” (VaR. 11:26) Panguva yaJehovha yakakodzera, “vaIsraeri vose,” kureva nhamba yakakwana yevakazodzwa, vachava madzimambo nevapristi kudenga. Hapana chinogona kuita kuti chinangwa chaJehovha chikundikane!

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w13 6/15 25 ¶5

Bvuma Kuumbwa Nechirango chaJehovha

5 Asi zvakadini kana vanhu vakaramba kuumbwa neMuumbi Mukuru? Pakadaro Mwari anoratidza sei simba rake? Chimbofunga zvinoitwa nemuumbi kana ivhu racho risisaiti kuumba zvaanga achida. Anogona kurishandisa kuumba mumwe mudziyo kana kuti kurirasa. Zvisinei, kazhinji kana ivhu risisaiti zvachose, muumbi ndiye anenge aine mhosva. Asi izvozvo hazvishandi kuna Mwari, muumbi wedu. (Dheut. 32:4) Kana munhu akasabvuma kuumbwa naJehovha, munhu iyeye ndiye anenge ane mhosva. Jehovha anoratidza simba rake sezvinoita muumbi nokuchinja mabatiro aanoita vanhu zvichienderana nokuti vanobvuma here kana kuti vanoramba kuumbwa naye. Vaya vanobvuma kuumbwa anovashandisa zvakanaka. Somuenzaniso, vaKristu vakazodzwa ‘midziyo yengoni’ yakaumbwa kuti ive ‘midziyo, inoshandiswa zvinokudzwa.’ Asi vaya vanoramba kuumbwa naMwari vanopedzisira vava “midziyo yokuitirwa hasha yakaitwa kuti ikodzere kuparadzwa.”​—VaR. 9:19-23.

it-1-E 1260 ¶2

Kushingairira

Kushingairira Nenzira Isiri Iyo. Munhu anogona kunge achishingairira chimwe chinhu zvichibva pamwoyo asi achitokanganisa uye achitogumbura Mwari. Izvi ndizvo zvaiita vaJudha vakawanda vakararama munguva dzevaapostora. Vaifunga kuti vaizonzi vakarurama kana vakatevedzera Mutemo waMosesi. Asi Pauro akaratidza kuti vaishingairira nenzira isiri iyo nekuti vaisava nezivo yakarurama. Saka Mwari haana kuvaona sevanhu vakarurama. Kuti avaone sevakarurama uye vasunungurwe paMutemo waMosesi, vaifanira kubvuma zvavaikanganisa votenda muna Jesu. (VaR. 10:1-10) Sauro wekuTaso aiva mumwe wevanhu ivava. Aishingairira chaizvo chitendero chechiJudha zvekuti akasvika ‘pakutambudza ungano yaMwari zvakanyanya uye achiiparadza.’ Ainyatsochengeta Mutemo zvekuti aionekwa ‘semunhu asina chaanopomerwa.’ (VaG. 1:13, 14; VaF. 3:6) Asi godo kana kuti kushingairira kwaaita muchitendero chechiJudha kwainge kusina kururama. Aida Mwari zvepachokwadi, saka Jehovha akamuratidza mutsa usina kukodzera kuwanwa achishandisa Kristu kuti aone kunamata kwechokwadi.​—1 Tim. 1:12, 13.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe