RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb19 June p. 7
  • Sarudza Nekuchenjera Zvinhu Zvekuzvivaraidza Nazvo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Sarudza Nekuchenjera Zvinhu Zvekuzvivaraidza Nazvo
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2019
  • Mashoko Akafanana
  • Zvivaraidze Nezvinhu Zvinofadza Jehovha
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Tingasarudza Sei Zvinotivaraidza?
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
  • Kusarudza Kwaungaita Varaidzo Yakanaka
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Unogona Kuwana Varaidzo Yakanaka
    Mukai!—1997
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2019
mwb19 June p. 7

KURARAMA KWECHIKRISTU

Sarudza Nekuchenjera Zvinhu Zvekuzvivaraidza Nazvo

Nei tichifanira kungwarira pakusarudza zvinhu zvatinozvivaraidza nazvo? Nekuti firimu, nziyo, website, bhuku kana kuti video game zvatinosarudza ndizvo zvichapinda mupfungwa dzedu. Zvatinoita zvinobva pane zvatinenge tasarudza kuisa mupfungwa. Mazuva ano, zvinhu zvinovaraidza zvakazara nezvinhu zvinovengwa naJehovha. (Pis 11:5; VaG 5:19-21) Ndosaka Bhaibheri richitikurudzira kuti tirambe tichifunga zvinhu zvinokudza Jehovha.​—VaF 4:8.

ONA VHIDHIYO INONZI NDINOFANIRA KUZVIVARAIDZA NEZVINHU ZVAKAITA SEI?, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Mitambo yevanhu vaiurayana yaiitwa nevaRoma

    Mitambo yevanhu vaiurayana yaiitwa nevaRoma yakafanana papi nezvinhu zviri kubudiswa mazuva ano?

  • Piyona ari kushanda nehama yechidiki muushumiri

    Vemuungano vangabatsira sei vechidiki kusarudza nekuchenjera zvinhu zvekuzvivaraidza nazvo?

  • Musoja

    VaRoma 12:9 ingatibatsira sei pakusarudza zvinhu zvekuzvivaraidza nazvo?

  • Zvapupu zviri kutamba bhora

    Ndezvipi zvimwe zvekuzvivaraidza nazvo zvakanaka zviri kwaunogara?

UCHAZVIVARAIDZA NEZVINHU ZVAKAITA SEI?

Zvinhu zvekuzvivaraidza nazvo zvakawanda mazuva ano hazvidzidzisi munhu kushandisa pfungwa dzake kuti aite zvinhu zvine chimuko. Mafirimu, mabhuku uye mapurogiramu epaTV anoratidza unyanzvi hwevamwe vanhu kwete hwako. Kunyange hazvo zvisina kuipa kumbozvivaraidza nezvinhu zvakadai, vakawanda vanoona zvichibatsira kuzvivaraidza nezvinhu zvinovadzidzisa kushandisa pfungwa. Vamwe vanofarira kuridza gitare, kudhirowa, kutamba bhora, nezvimwewo. Pasinei nezvatichasarudza tichada kuita zvinhu zvinoita kuti “Mwari akudzwe.”​—1VaK 10:31.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe