RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp21 nha. 1 pp. 14-15
  • Kunyengetera Kunokubatsirei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kunyengetera Kunokubatsirei?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
  • Mashoko Akafanana
  • Kubatsira Kunoita Munyengetero
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Swedera Pedyo naMwari Nokunyengetera
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Chipo Chatakapiwa naMwari Chemunyengetero
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Swedera Pedyo naMwari Nekunyengetera
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
wp21 nha. 1 pp. 14-15

Kunyengetera Kunokubatsirei?

Pamela akaenda kwachiremba paakarwara nekenza. Asi akanyengeterawo kuna Mwari achikumbira kuti amubatsire kutsungirira dambudziko rake. Kunyengetera kwakamubatsira here?

Pamela anoti, “Pandairapwa kenza, ndaitya zvisingaiti. Asi pandainyengetera kuna Jehovha Mwari, ndainzwa kudzikama uye zvaindibatsira kuti nditsungirire. Marwadzo achiripo asi munyengetero uri kundibatsira kuti ndisanyanya kuisa pfungwa paurwere hwangu. Vanhu pavanondibvunza kuti ndiri kunzwa sei, ndinovaudza kuti, ‘Ndiri kurwadziwa hangu, asi ndiri mupenyu!’”

Hatifaniri hedu kumirira kuti titange tasangana nedambudziko rakakura muupenyu kuti tizotanga kunyengetera. Tese zvedu tine zvinotinetsa, zvingava zvikuru kana zvidiki uye kazhinji tinoda kubatsirwa kuti titsungirire zvinhu izvi. Kunyengetera kunogona kutibatsira here?

Bhaibheri rinoti: “Kanda mutoro wako pana Jehovha, iye achakutsigira. Haazombobvumiri munhu akarurama kuti adonhe.” (Pisarema 55:22) Aya mashoko anonyaradza chaizvo! Saka kunyengetera kungakubatsira sei? Kana ukanyengetera kuna Mwari nenzira yaanoda, achakubatsira kuti utsungirire matambudziko ako—Ona bhokisi rakanzi “Zvaunowana Kana Ukanyengetera.”

Zvaunowana Kana Ukanyengetera

Unova nepfungwa dzakagadzikana

Murume uya anga apererwa nebasa ava kufamba achinyemwerera.

‘Zvikumbiro zvenyu ngazviziviswe Mwari muchinyengetera; uye rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwese ruchachengetedza mwoyo yenyu nepfungwa dzenyu kuburikidza naKristu Jesu.’ (VaFiripi 4:6, 7) Kana ukaudza Mwari zvinokunetsa, achakubatsira kuti ugadzikane uye uite zvisarudzo neuchenjeri.

Uchawana uchenjeri hunobva kuna Mwari

Mukadzi uya anga achimboita zvekuverenga minyengetero mukabhuku ava kuverenga Bhaibheri rake ari kumba.

“Kana mumwe wenyu asina uchenjeri, ngaarambe achikumbira Mwari uye achahupiwa, nekuti iye anopa munhu wese nemwoyo wese, asingazvidzi.” (Jakobho 1:5) Zvinhu pazvinenge zvakatiomera, kazhinji kacho hatiiti zvisarudzo zvakanaka. Kana ukakumbira Mwari uchenjeri, anogona kukuyeuchidza mazano anobatsira ari mushoko rake Bhaibheri.

Uchawana simba uye uchanyaradzwa

Murume nemukadzi vanga vari muchipatara vava kufamba mupaki. Murume wacho ari kubatsira mudzimai wake kufamba.

“Ndine simba rekuita zvinhu zvese nekuti pane anondipa simba.” (VaFiripi 4:13) Jehovha zvaari iye Mwari Wemasimbaose, anogona kukupa simba rekuti utsungirire matambudziko aunenge uchisangana nawo. (Isaya 40:29) Bhaibheri rinotiwo ‘Jehovha ndiMwari wekunyaradza kwese, anogona kutinyaradza pamatambudziko edu ese.’—2 VaKorinde 1:3, 4.

UCHANYENGETERA HERE?

Jehovha anotikurudzira kuti tinyengetere kwaari asi haatimanikidzi. (Jeremiya 29:11, 12) Ko kana uchiona sekuti minyengetero yako haina kupindurwa? Usaora mwoyo kana kubva waramwa. Dzimwe nguva vabereki vangasabatsira vana vavo panguva yavanenge vachitarisira kana kuti nenzira yavanenge vachida. Pavanoita izvi, vabereki vanogona kunge vachitova nezvimwe zviri nani zvavanenge vachirongera vana vavo. Chokwadi ndechekuti vabereki vanoda vana vavo vanovabatsira.

Jehovha ndibaba vane rudo kupfuura vese uye anoda kukubatsira. Kana ukaongorora mazano atakurukura nezveminyengetero uye woashandisa, Mwari achapindura minyengetero yako!—Pisarema 34:15; Mateu 7:7-11.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe