RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp21 nha. 2 pp. 7-9
  • Nyika Ichaguma Riini? Zvakataurwa naJesu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyika Ichaguma Riini? Zvakataurwa naJesu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • IMBOONA ZVINHU ZVIVIRI ZVAKATAURWA NAJESU NEZVEMUGUMO:
  • ZVAKATAURWA NAJESU KUTI ZVAIZOITIKA
  • “MAZUVA EKUPEDZISIRA”
  • NYIKA ITSVA YAVA PEDYO!
  • Mibvunzo Mina Yezvokuguma Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Tiri Kurarama Mu“mazuva Okupedzisira” Here?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Donzo raMwari Richakurumidza Kuzadzikwa
    Chii Chiri Donzo Roupenyu? Unogona Sei Kuriwana?
  • Nyika Yava Kuda Kuguma Here?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
wp21 nha. 2 pp. 7-9
Jesu achitsanangurira vaapostora vake chiratidzo chemazuva ekupedzisira.

Nyika Ichaguma Riini? Zvakataurwa naJesu

Munyaya yapfuura, tadzidza kuti Bhaibheri parinotaura nezvekuguma kwenyika rinenge risingarevi kuparara kwenyika chaiyo kana kuti vanhu vese. Asi rinenge richireva kuparadzwa kwemasangano enyika ino nevese vanoatsigira. Asi Bhaibheri rinotiudza here kuti nyika ino yakaipa ichaguma riini?

IMBOONA ZVINHU ZVIVIRI ZVAKATAURWA NAJESU NEZVEMUGUMO:

“Saka rambai makarinda nekuti hamuzivi zuva racho kana nguva yacho.”—MATEU 25:13.

“Rambai makatarisa, rambai makamuka, nekuti hamuzivi kuti nguva yacho ichasvika riini.”—MAKO 13:33.

Saka panyika hapana munhu anoziva kuti nyika ino ichaguma riini. Asi Mwari anoziva ‘zuva racho nenguva yacho.’ (Mateu 24:36) Izvi zvinoreva here kuti hatitombokwanisi kuziva kana mugumo wava pedyo? Aiwa. Jesu akaudza vadzidzi vake kuti pane zvinhu zvaizoitika zvaizoratidza kuti mugumo wava pedyo.

ZVAKATAURWA NAJESU KUTI ZVAIZOITIKA

Zvinhu izvi ndizvo zvaizova chiratidzo chekuti “nyika yava kumagumo kwayo.” Jesu akati: “Rudzi ruchamukira rudzi uye umambo huchamukira umambo, uye kuchava nenzara nekudengenyeka kwenyika munzvimbo dzakawanda.” (Mateu 24:3, 7) Akataurawo kuti kwaizova “nematenda,” kureva zvirwere zvinopararira. (Ruka 21:11) Zvinhu izvi zvakataurwa naJesu, uri kuzviona zvichiitika here?

Mazuva ano, vanhu vakawanda vari kutambura nehondo, nzara, kudengenyeka kwenyika, nezvirwere. Semuenzaniso, muna 2004 muIndian Ocean makaitika kudengenyeka kwenyika kwakaita kuti kuve netsunami yakauraya vanhu vanosvika 225 000. Mumakore matatu, chirwere cheCOVID-19 chakauraya vanhu vanosvika 6, 9 miriyoni pasi rese. Jesu akati zvinhu izvi zvaizoratidza kuti nyika yava pedyo kuguma.

“MAZUVA EKUPEDZISIRA”

MuBhaibheri, “mazuva ekupedzisira” inguva yekuti mugumo unenge wava pedyo kusvika. (2 Petro 3:3, 4) 2 Timoti 3:1-5 inotaura kuti mumazuva ekupedzisira vanhu vachange vava kunyanyisa kuita zvinhu zvakaipa. (Ona bhokisi rakanzi “Nyika Painenge Yava Pedyo Kuguma.”) Mazuva ano uri kuona here vanhu vanongofunga zvakavanakira, vane makaro, vanotyisa uye vasina rudo? Zvinhu izvi zvinongotiratidza kuti tava pedyo nemugumo.

Mazuva ekupedzisira achange akareba zvakadii? Bhaibheri rinoti ingori “nguva pfupi.” Kana nguva iyoyo yangopera, Mwari achabva aparadza vaya “vari kuparadza nyika.”—Zvakazarurwa 11:15-18; 12:12.

Hondo

Masoja ari kurwa hondo.
  • Kubva muna 2007 kusvikira muna 2017 nhamba yevanhu vakaurayiwa muhondo uye nemagandanga yakawedzera zvakapetwa kaviri

Zvirwere

Murume ari kurwara ari muchipatara.
  • Zvirwere zviri kunyanya kuuraya vanhu vakawanda zvinosanganisira zvirwere zvemwoyo, sitiroko, zvirwere zvemapapu, kuberekwa kwevana vakaremara, manyoka, kenza, TB

Nzara

Kamusikana kana nzara kakabata ndiro.
  • Muna 2021, pavanhu 100 vega vega, vanhu vanenge 10 havana kuwana zvekudya zvakakwana uye mwana mumwechete pavana 3 vega vega haana kuwana zvekudya zvine utano uye haana kunyatsokura zvakanaka

Basa Rekuparidza

Zvapupu zvaJehovha zvakamira pachingoro zvichitaura nemumwe murume.
  • Zvapupu zvaJehovha zvinopfuura 8, 6 miriyoni zviri kuparidza uye kuparadzira mabhuku anotsanangura Bhaibheri mumitauro inopfuura 1 000 munyika 240

NYIKA ITSVA YAVA PEDYO!

Mwari akatosarudza zuva nenguva yaachaparadza nyika ino yakaipa. (Mateu 24:36) Asi pane mashoko anofadza. Mwari “hapana waanoda kuti aparadzwe.” (2 Petro 3:9) Ari kupa vanhu mukana wekuti vadzidze nezvake uye vamuteerere. Nemhaka yei? Nekuti anoda kuti tipone paachaparadza nyika, torarama munyika itsva inenge yava paradhiso.

Mwari akaita urongwa hwekuti vanhu vadzidziswe zvavanofanira kuita kana vachida kuzorarama munyika itsva inenge ichitongwa neUmambo hwake. Jesu akati mashoko akanaka eUmambo hwaMwari aizoparidzwa “munyika yese.” (Mateu 24:14) Pasi rese, Zvapupu zvaJehovha zvinoita mabhiriyoni emaawa zvichiparidza nekudzidzisa vanhu Bhaibheri. Jesu akati basa iri rekuparidza raizofanira kuitwa pasi rese mugumo usati wasvika.

Hurumende dzevanhu dzava pedyo kuparadzwa. Asi chinofadza ndechekuti, unogona kupona pachaparadzwa nyika worarama munyika inenge yava Paradhiso yakavimbiswa naMwari. Nyaya inotevera ichataurawo zvaunofanira kuita kuti uzoraramawo munyika itsva iyi.

NYIKA PAINENGE YAVA PEDYO KUGUMA

“Mumazuva ekupedzisira, nguva dzakaoma, dzinonetsa kurarama madziri dzichasvika. Nekuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanomhura, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasina kuvimbika, vasina rudo runongobva rwega mumwoyo, vasingatombodi kubvumirana, vanotaura zvenhema nezvevamwe, vasingazvidzori, vanotyisa, vasingadi zvakanaka, vatengesi, vakaoma musoro, vanozvitutumadza, vanoda mafaro panzvimbo pekuda Mwari, vanoita sekunge vanonamata Mwari asi vasingaiti zvinoenderana nekunamata kwacho.”​—2 TIMOTI 3:1-5.

Uprofita hwakataurwa naJesu ‘nezvemazuva ekupedzisira’ hunoita kuti tive netariro

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe