RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w22 February p. 31
  • Waizviziva Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Waizviziva Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Mashoko Akafanana
  • Anofunga Zvatinokwanisa Nezvatisingakwanisi Kuita
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Waizviziva Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Kupa Zvibayiro Zvinofadza Mwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
w22 February p. 31

Waizviziva Here?

Kubvumira kwaiita Jehovha kuti vaIsraeri vape zvibayiro zvenjiva kana kuti hangaiwa kwaibatsirei?

MUMUTEMO wakapiwa Mozisi, Jehovha aibvumira kuti njiva uye hangaiwa zvipiwe sezvibayiro. Pamitemo yaitaura nezvezvibayiro, shiri idzi dzaitaurwa pamwe chete uye munhu aigona kupa imwe yacho kana asingakwanisi kuwana imwe. (Revh. 1:14; 12:8; 14:30) Izvi zvaibatsirei? Chimwe chikonzero chacho ndechekuti njiva dzaisawanika nguva dzese. Nemhaka yei?

Njiva

Shiri idzi dzinotama-tama. Dzinogara munyika yeIsrael munguva yekudziya uye dzinotama dzichienda kunyika dziri nechekumaodzanyemba kweIsrael, dzozodzoka kana kwava kuda kudziya. (Rwiyo 2:11, 12; Jer. 8:7) Izvi zvinoreva kuti vaIsraeri vaisazokwanisa kupa zvibayiro zvenjiva munguva yechando.

Hangaiwa

Asi hangaiwa hadzitami-tami, saka dzaiwanika gore rese. Uyewo vanhu vaipfuya hangaiwa. (Enzanisa naJohani 2:14, 16.) Bhuku rinonzi Bible Plants and Animals rinoti, “mumisha yese uyewo mumataundi aiva muPalestine vanhu vaipfuya hangaiwa. Misha yese yaiva nechirugu, kana kuti buri raiva pamadziro, maigona kugara shiri idzi.”—Enzanisa naIsaya 60:8.

Hangaiwa iri muburi riri pamadziro

Jehovha akaratidza kuti ane rudo uye anonzwisisa nekubvumira kwaakaita kuti vaIsraeri vape zvibayiro zveshiri dzavaikwanisa kuwana zviri nyore.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe