RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w17 June
  • Waizviziva Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Waizviziva Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Mashoko Akafanana
  • Waizviziva Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Jesu Anochenesa Temberi
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Temberi Inocheneswa Zvekare
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Jesu Anochenura Tembere
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
w17 June
Jesu anodzingira panze vanhu vari kutenga nekutengesa mutemberi

Waizviziva Here?

Zvaikodzera here kuti vanhu vaitengesa mhuka mutemberi yemuJerusarema vanzi “makororo”?

MAERERANO nenhoroondo iri muEvhangeri yaMateu, “Jesu akapinda mutemberi, akadzingira kunze vose vaya vaitengesa nokutenga mutemberi, akapidigura tafura dzevaichinja mari nemabhenji evaya vaitengesa njiva. Uye akati kwavari: ‘Zvakanyorwa kuti, “Imba yangu ichanzi imba yokunyengeterera,” asi imi muri kuiita bako remakororo.’”—Mat. 21:12, 13.

Nhoroondo yevaJudha inoratidza kuti vatengesi vepatemberi vaidzvinyirira makasitoma avo kuburikidza nekuatengesera nemitengo yakakwirira chaizvo. Semuenzaniso, bhuku rinonzi Mishnah (Keritot 1:7) rinotaura zvakamboitika panguva yevaKristu vepakutanga mutengo wehangaiwa mbiri dzaipirwa sechibayiro pawakakwira kusvika padhinari regoridhe. Mari iyi yakanga yakaenzana neyaigona kutambirwa nemunhu asina unyanzvi anenge ashanda kwemazuva 25. Hangaiwa kana kuti njiva dzaigamuchirwa sechibayiro chinopiwa nemurombo; asi kunyange mutengo weshiri idzi wakanga wanyanyisa kukwira. (Revh. 1:14; 5:7; 12:6-8) Rabhi Simeon ben Gamaliel, paakarwadziwa nezvaiitika akaderedza nhamba yezvibayiro zvaifanira kupiwa. Izvi zvakaita kuti mutengo wehangaiwa mbiri udzike zvakapetwa ka100.

Tichifunga zvataurwa pamusoro apa, zvaikodzera kuti Jesu adane vatengesi vaiva mutemberi kuti “makororo” nekuti vaidzvinyirira vanhu uye vaiva nemakaro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe