RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb12 pp. 56-86
  • Kuparidza Nokudzidzisa Munyika Yose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuparidza Nokudzidzisa Munyika Yose
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2012
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2012
yb12 pp. 56-86

Kuparidza Nokudzidzisa Munyika Yose

KARE kare, muapostora Johani akaona muuprofita hwaakaratidzwa, boka guru risingaverengeki revanhu “vanobva kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi.” Akaudzwa kuti ava vanhu vanopona “mukutambudzika kukuru” vachipinda munyika itsva yaMwari. (Zvak. 7:9, 14) Nhamba uye zvakaitika zviri mumapeji ari kutevera hazvingoratidzi kuti boka guru riri kuunganidzwa chete asi kuti riri kuramba richingokura. Izvi hazvisimbisi kutenda kwako here kuti zvipikirwa zvaJehovha zvichazadzika?

AFRICA

NYIKA 57

VANOGARAMO 949 533 064

VAPARIDZI 1 267 314

ZVIDZIDZO ZVEBHAIBHERI 2 819 310

TSAMBA YAAKANYORERWA YAKAMUNYARADZA. Iris, uyo anogara kuSouth Africa, anonyorera tsamba vanhu vanenge vafirwa achivanyaradza. Tsamba idzi dzinenge dziine maturakiti anoti, Kutambura Kwose Kuchapera Nokukurumidza! uye Ko Itariroi Iripo Nokuda Kwavadikani Vakafa? Nguva ichangobva kudarika akapindurwa tsamba yake nemurume anonzi Sidney, akanga afirwa nemudzimai wake waakanga agara naye vachifara kwemakore 38. Akanyora kuti, “Kunyange zvazvo vanachiremba vakanga vaita kuti ndigare ndaziva kuti mudzimai wangu wandaida aizofa, rufu rwake rwakanditi shatirisei, rwakandivhiringidza, rwukaita kuti ndipererwe uye ndiore mwoyo zvikuru. Ndinoda kutenda Ishe nokutuma vanhu vakaita semi. Chinhu chakanaka zvikuru kuti munoshandisa nguva nesimba renyu pakuudza vanhu vamusingatombozivi nezvezvinangwa zvaMwari, uye zvamakandiitira zvicharamba zviri mumwoyo mangu munguva dzakaoma dziri mberi. Kuverenga tsamba yenyu nematurakiti ndiko kwakatanga kundibatsira kuti ndidzikame uye ndinzwisise.”

HAANA KUZOBVISA PAMUVIRI. Gloria, imwe hanzvadzi yechiduku yokuBenin yakanga ichiparidzira Arnaud, mudzidzi wepayunivhesiti. Foni yaArnaud yakabva yarira, akakumbira Gloria kuti ambodavira shamwari yake yaakati yaida kubatsirwa. Gloria akabva angobudisa magazini yokutanga yaakawana mubhegi rake ndokumupa. Arnaud akaitambira asina kumbotarisa ndokuenda.

Shamwari yaArnaud yakanga yamufonera ichimuudza kuti musikana wayo akanga ava nepamuviri uye yaifunga zvokumumanikidza kupabvisa. Ari munzira kuenda kunomuona, Arnaud akakanda ziso pamagazini iya. Akazoti, “Ndakafunga kuti handisi kuona zvakanaka pandakaverenga mashoko aiva pakavha okuti ‘kubvisa pamuviri.’” Gloria akanga amupa Awake! yaJune 2009 (Mukai! yaJuly 2009) yaiva nemusoro unoti, “Kubvisa pamuviri—Nei iri nyaya hombe?” Shamwari yaArnaud payakapedza kuverenga nyaya yacho yakabva yasiyana nepfungwa iya yekubvisa pamuviri. Musikana wake akazobereka kasikana kakanaka.

HAVANA KUTYA N’ANGA. MuZimbabwe, imwe hama piyona wenguva dzose inonzi King, yakatamira kune imwe nzvimbo inodiwa vaparidzi vakawanda. Paaiva nedzimwe hanzvadzi mubasa romumunda, akasvika pamba peimwe n’anga yakakurumbira. Kunyange zvazvo hanzvadzi dzacho dzaizeza kutaura nemukadzi uyu, King akasarudza kumukumbira kudzidza naye Bhaibheri. N’anga yacho payakaona vaparidzi vachisvika, yakafunga kuti vakanga vauya kuzobatsirwa uye yakabvunza kuti ingavabatsira nei. King akairatidza bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? uye akakumbira kudzidza nayo Bhaibheri ikabvuma. “Takashamiswa nokuwanda kwemibvunzo yaaiva nayo,” anodaro King. “Saka takaronga kuzodzoka kuti titange kudzidza Bhaibheri.” Papera mavhiki matatu, vakamukoka kuti auye kumisangano akauya. Akaparadza zvinhu zvake zvose zvoun’anga uye akakurumidza kufambira mberi pakunamata. Akazobhabhatidzwa pashure pemwedzi mishomanana.

“NDAPOTA NYENGETERERAI KUTI VANDISHANYIREWO!” Makore gumi adarika, Patrick akasarudza kutamira kuUnited States achibva kuAngola. Asi, aigara achifonerana naamai vake, Felicidade. Zvisinei, munguva ichangobva kudarika vakakwanisa kufonerana paIndaneti vachionana chiso nechiso. Paakanga achikurukura navo, akaona mumwe munhu wavaiva naye mumba uye akabvunza kuti aiva ani. Felicidade, mumwe weZvapupu zvaJehovha, akati: “Ihanzvadzi yomuungano medu yandishanyira.”

Patrick akapindura kuti: “Nei Zvapupu zvisingandishanyiriwo? Ndava nemakore gumi ndiri kuno asi havasati vambondishanyira. Ndapota, nyengetererai kuti vandishanyirewo!”

Vachiti shamisikei, Felicidade nehanzvadzi iya vakapindura kuti: “Zvakanaka, tichakunyengeterera.”

Papera mazuva matatu chete, mumwe weZvapupu zvaJehovha akagogodza pasuo paPatrick. Patrick akashamiswa zvokuti akabvunza amai vake kana vakanga varonga kuti mumwe munhu wemuUnited States azomushanyira. Vakanga vasina kuronga izvi. Akabva angoona kuti kushanyirwa kwacho kwaiva kupindurwa naMwari saka akabvuma kudzidza Bhaibheri. Pasina nguva akatanga kupinda misangano yose. Paakazotaura naamai vake zvakare paIndaneti, akavaratidza achidadirira chitsauko chaakanga achidzidza chebhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? Akavaudzawo kuti akanga atenga sutu yokupfeka achienda kumisangano.

AKAKUMBIRA KUBHABHATIDZWA ZVIKAKATYAMADZA VANHU. Pakatanga gungano reruwa ra2010 muBrazzaville, Republic of the Congo, mumwe mukomana anonzi Edvard akataura kuti aida kubhabhatidzwa. Paakabvunzwa kuti aibva kuungano ipi, akapindura kuti: “Mossaka.” Sezvo musha iwoyo uri kure wakanga usina Zvapupu, hama dzakashamisika kuti akanga asvika sei pakuda kubhabhatidzwa.

Edvard akatsanangura kuti muna 2007 ari kuBrazzaville, akanga adzidziswa nasekuru vake bhurocha raAnodei uye zvitsauko 14 zvebhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? Edvard akazotamira kuMossaka kunogara nevabereki vake. Sezvo ikoko kwakanga kusina Zvapupu, akakumbira baba vake kuti vamubatsire kupedzisa kudzidza bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? Baba vake vaibvunza mibvunzo iye achipindura. Ndiwo mapedzero akaita Edvard bhuku iri. Akaona kuti aifanira kudzidzisa vamwe zvaaiziva nezvechokwadi. Saka muna October 2009, akatanga kuparidza oga kwaaigara kuMossaka achishandisa bhurocha raAnodei. Ainyora nguva yaaishanda muushumiri uye aigara achitumira mishumo yake kuna sekuru vake vaiva kuBrazzaville. Zvisinei, sekuru vake vakanga vasingaiendesi kuungano.

Bazi, risingazivi nezvaEdvard, rakazotumira mapiyona chaiwo aizoshanda kwemwedzi mitatu kuMossaka. Kwasara mazuva maviri kuti vachibva kunzvimbo iyi, Daniel, mumwe wemapiyona aya akaona Edvard achiitisa chidzidzo cheBhaibheri achishandisa bhurocha raMwari Anodei Kwatiri? Saka Daniel akaenda kwaiva naEdvard akataura naye. Edvard akamuudza kuti: “Ndiri kuparidza. Ndiri muparidzi. Munogona kunobvunza baba vangu.” Daniel akaonana nababa vaEdvard, avo vakabvumirana nezvakanga zvataurwa naEdvard. Mapiyona chaiwo aya akashandisa nguva shoma yavakanga vasarirwa nayo kudzidzisa Edvard muushumiri. Pavakaenda, Edvard akasara otowedzera kushingaira pakuparidza, achiitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvinopfuura gumi. Akatsaurirawo upenyu hwake kuna Jehovha.

Vanzwa izvi, vakuru vaviri vakagara naEdvard pasi vakamubvunzurudza mibvunzo yevanenge vachida kuva vaparidzi vasati vabhabhatidzwa. Izvi vakazviita musi weChishanu pagungano racho. Mapinduriro ake ainwisa mvura akavashamisa. Vakuru ava vakaudzwa nemapiyona chaiwo vaimuziva, kuti Edvard airatidza muenzaniso wakanaka uye kuti akanga aparidza kwemwedzi mipfumbamwe asati agadzwa kuva muparidzi. Saka akabvumirwa kuva muparidzi asati abhabhatidzwa. Sezvo paiva negungano remutauro weLingala raida kuzoitwa vhiki raitevera, vakuru vakaronga kuti Edvard abvunzurudzwe mukati mevhiki iroro. Akaratidza kuti ainzwisisa chokwadi uye akabhabhatidzwa pagungano remutauro weLingala muna July 2010. Pangopera vhiki agadzwa kuva muparidzi asati abhabhatidzwa, vakuru vakazivisa kuti Edvard akanga ava hama yakabhabhatidzwa.

Abhabhatidzwa, akashumira sapiyona webetsero kwemwedzi miviri ari kuBrazzaville. Vakuru vakaronga kuti adzidze bhuku ra“Rambai Muri Murudo rwaMwari,” uye akazodzokera kuMossaka. Munguva ichangobva kudarika, mumwe piyona chaiye akatumirwa kunzvimbo iyoyo. Muna April, Edvard, akanga ari piyona webetsero, pamwe chete napiyona chaiye uyu, vakagamuchira vanhu vanofarira 182 vakauya kuChirangaridzo. Edvard ava nezvidzidzo 16, uye vanomwe vacho vanopinda misangano, inoitiswa nehama mbiri idzi. Muna 2011, Edvard akanga aine makore 15.

NYIKA DZEKUAMERICA

NYIKA 55

VANOGARAMO 941 265 091

VAPARIDZI 3 780 288

ZVIDZIDZO ZVEBHAIBHERI 4 139 793

‘KUFONA KWANDAITA HAKUNA KUNGOITIKA NETSAONA.’ Sundie, imwe hanzvadzi yokuUnited States, akanga ari pamba pakarira foni yake, uye mukadzi akanga afona akati aida kutaura nemumwe munhu. Sundie akaudza mukadzi wacho kuti akanga afona nhamba dzisiri idzo sezvo aisaziva munhu waaitaura. Mukadzi akanga afona akataura kuti maziso ake aisaona zvakanaka uye dzimwe nguva aikanganisa. Vakatanga kukurukura uye mukadzi uyu akatsanangura kuti aida kuudza mwana wake mashoko anosuwisa. Akanga abatwa kenza navanachiremba. Mukadzi wacho aishungurudzika uye akati akanga akatsamwira Mwari nokubvumira kuti izvi zviitike kwaari. Sundie akabva aona kuti aifanira kuudza mukadzi uyu nezveBhaibheri. Anyengetera kwenguva pfupi kuti ave noushingi, Sundie akaudza mukadzi uyu magwaro mashomanana aigona kunyaradza uye kupa tariro. Akamutsanangurira kuti Mwari ane zita uye akamukurudzira kuti arishandise paainyengetera uye kuti anyatsotaura dambudziko rake. Mukadzi uyu akatenda Sundie nokuteerera uye kumukurudzira kwaakaita. Akati, “Handifungi kuti kufona kwandaita panhamba dzenyu kwangoitika netsaona.”

Vaudzana kwavaigara, Sundie akatumira mukadzi uyu bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? rakaita zvokurekodhwa uye akaronga kuti imwe hanzvadzi piyona, yokwaaigara izomushanyira. Sundie anoti, “Ndinotenda Jehovha uyo anotidzidzisa norudo kuti tinganyaradza sei vanhu vari mumamiriro ose ezvinhu.”

TURAKITI RAKAPINDURA MUBVUNZO WAVO. Dzimwe hanzvadzi dzinowanzoparidza mumugwagwa pedyo nezvimwe zvipatara muPuerto Rico. Mumwe wavo akataura nevamwe varume vaviri vakanga vachifambisa vachienda kune chimwe chezvipatara izvi. Achiona kuti vaimhanya-mhanya, akavapa turakiti raUne Mudzimu Usingafi Here? Haawanzopa vanhu turakiti iri muushumiri hwemumugwagwa, asi zvakangoitikawo kuti ndiro roga raaiva naro. Varume vaya vaviri vakazoona imwe hanzvadzi vakaiudza kuti vakanga vambopiwa rimwe turakiti pavaienda kunoona hama yavo yakanga yarwarisa. Vakanga vachikurukura nezvemudzimu, kuti unoramba uchirarama here munhu afa uye turakiti iri rakanga ravapindura. Vakati rakanga ravabatsira chaizvo.

TSAMBA YAKANYORERWA JEHOVHA. Joshua ane makore manomwe anoenda kuchikoro muUnited States. Muna December, iye nevamwe vana vakanzi nomudzidzisi wavo vanyorere Father Christmas tsamba. Joshua paakaramba noruremekedzo, mudzidzisi wake akati, “Chinyorera waunoda.” Akasarudza kunyorera Jehovha tsamba. Akanyora kuti, “Ndinokutendai nokutivimbisa paradhiso. Ndinokutendai nokuva neMwanakomana, anonzi Jesu, akazvipira kufa. Ndinokutendai nokusika zvinhu zvinotifadza. Ndinokudai Jehovha Mwari.” Tsamba iyi nedzimwewo dzevadzidzi dzakabudiswa mupepanhau rekwaanogara.

MHURI YAVO YAKATEERERA MASHOKO AKANAKA. Alejandro, hama yokuColombia, aida kuparidzira vomumhuri make. Sezvo vaigara kure, aivanyorera tsamba nekuvatumira magazini eNharireyomurindi neMukai! Pablo, imwe yehama dzake, akaverenga magazini aya uye magwaro eBhaibheri aivamo, akaona kuti dzidziso dzeChechi yeRoma ndedzenhema. Zvamufadza, akaudzawo vamwe vomumumhuri make zvaakanga adzidza, avo vakabva vaonawo kuti ichokwadi vakabva vabuda muchechi yeRoma.

Pasina nguva, vanhu vemumhuri mavo 15 vakatanga kuungana mazuva ose manheru kuti vazodzidza Bhaibheri vachishandisa magazini. Sezvo vaida kuziva zvakawanda, vakatsvaga Zvapupu mumisha yaiva pedyo asi vakashayiwa. Vachidzidza kudaro, vakatanga kuudzawo vavakidzani vavo zvinhu zvavakanga vadzidza. Pakupedzisira vakazoziva kuti paiva neimwe Imba yoUmambo, yaiva kure nemakiromita anenge 80. Vakabva vangoendako vakakumbira hama kuti dzivabatsire.

Iye zvino mumwe piyona wenguva dzose anovashanyira kamwe pavhiki uye anoitisa chidzidzo cheBhaibheri chimwe chete nevanhu 26, vanosanganisira mhuri yaAlejandro nevamwe 11 vanofarira. Vanohaya motokari kuti vakawanda vavo vakwanise kunonzwa hurukuro yavose neChidzidzo cheNharireyomurindi.

KWAKANGA KUSIRI KURASIKA CHAIKO. Mumwe musi imwe hanzvadzi yakanga ichirwara yakakumbira zvimwe Zvapupu kuti zvinoiitisira chidzidzo cheBhaibheri kunzvimbo yokumamisha kunotaurwa chiQuichua muEcuador. Hama idzi dzakanga dzisingazivi kunogara mhuri iyi saka dzakabvunza pane mumwe musha. Vepamusha apa vakadzitambira sekunge vakanga vakadzimirira. Hama idzi dzakatozoziva padzakanga dzapedza kudzidza kuti mhuri iyi yakanga isati yambodzidza! Vakazoona kuti mhuri iyi yakanga ichifarira kudzidza Bhaibheri uye yakaita sokuti yakanga yagara ichidzidza. Saka iye zvino patova nechidzidzo cheBhaibheri chitsva chiri kuitiswa, uye vaya vanodzidzawo nehanzvadzi iya Bhaibheri vasina kuonekwa musi uyu vachiri kudzidzawo.

KEKE RAKAMUTSA MUKANA WEKUPUPURA. Caleb ane makore matanhatu. Musi waakatanga kuenda kuchikoro muCanada, mumwe mukomana aicherechedza musi waakaberekwa, saka amai vake, Natalie, vakaunzira kirasi yacho tumakeke. Caleb akaturamba zvine ruremekedzo. Amai ava vakauya paiva naCaleb vakamubvunza kana airwariswa nemakeke. Caleb akapindura kuti, “Aiwa,” ndokupa chikonzero chokuramba kwake keke achiti, “Ndinonamata Jehovha.”

Chikoro chapera, Natalie akaenda kuna amai vaCaleb akanovabvunza kuti, “Muri mumwe weZvapupu zvaJehovha here?” Pavakati vaiva Chapupu, Natalie akazofara. Akanga ambodzidza neZvapupu achiri kuyaruka, asi nemhaka yokupikiswa zvakanyanya mumhuri, akanga amira kudzidza. Paakabvunzwa kana aida kutangazve kudzidza Bhaibheri, Natalie akabvuma.

KWAKANGA KUSIRI KUDA KWAMWARI. Laly, anogara kuPeru, akaberekwa ari matsi. Paakabvunza amai vake nezvazvo, vakamuudza kuti kuda kwaMwari. Izvi zvakamusuruvarisa uye zvakaita kuti avenge Mwari. Akafunga kuti: ‘Nei Mwari akandiitira zvakaipa kudai?’

Nekufamba kwemakore, Laly akazoroorwa nemumwe murume wechiduku aivawo matsi. Mwana wavo wokutanga aiva nechirwere chepfungwa chinonzi Down syndrome. Anetseka uye ashungurudzika, akaendazve kunobvunza amai vake kuti, “Nei mwanakomana wangu akaberekwa aine chirwere chakadai?” Amai vake vakamuendesa kune mumwe mupristi. Mupristi akamupindura zvakafanana nezvaakanga amboudzwa naamai vake achiti, “Kuda kwaMwari.”

Zvamunetsa, Laly akati: “Nei Mwari aine utsinye zvakadaro? Ndinobvuma zvangu kuti ndiri matsi uye kuti Mwari akandiranga nenzira iyi, asi nei aranga mwana wangu? Achangobva kuberekwa. Atadzei hake?” Kubvira panguva iyi, akanga asingachadi kunzwa chero chii zvacho nezvaMwari uye akaramwa zvekuenda kuchechi.

Papera makore mashomanana, mumwe weZvapupu zvaJehovha anoziva mutauro wemasaini akashanyira Laly ndokumukumbira kudzidza naye Bhabheri. Akaramba kudzidza achiti haatendi kuti kuna Mwari. Nemwoyo murefu hanzvadzi iyi yakamutsanangurira kuti Mwari waakanga asingadi kuziva ane zita rokuti Jehovha uye kuti aigona kumuita kuti akwanise kunzwazve uye kutaura. Asina chokwadi nazvo, Laly akamukumbira kuti atsigire zvaaitaura. Hanzvadzi iya yakavhura Bhaibheri pana Isaya 35:5 uye yakaverenga kuti: “Panguva iyoyo maziso emapofu achasvinudzwa, uye nzeve dzematsi dzichavhurwa.” Izvi zvakashamisa Laly akabva abvuma kudzidza Bhaibheri, akafambira mberi pakunamata kusvikira abhabhatidzwa. Mwanakomana wake anoenda naye kumisangano yose uye akatodzidza mutauro wemasaini. Kutenda kwaLaly zvakavimbiswa naMwari kuri kuramba kuchiwedzera, uye ari kushumira sapiyona wenguva dzose.

NYIKA DZOKUASIA NEMIDDLE EAST

NYIKA 47

VANOGARAMO 4 194 127 075

VAPARIDZI 664 650

ZVIDZIDZO ZVEBHAIBHERI 629 729

MIBVUNZO MIVIRI YAVAKATADZA KUPINDURA. Mune imwe nyika yekuAsia umo basa redu risingabvumirwi, mumwe murume ane makore 24 akabvuma kudzidza Bhaibheri kuti aratidze Zvapupu kuti dzidziso dzavo ndedzenhema asi kuti dzeRoma ndodzechokwadi. Zvisinei, hazvina kumutorera nguva kuti aone kuti Zvapupu zvaJehovha zvinodzidzisa chokwadi.

Hama dzake padzakaziva kuti akanga achidzidza Bhaibheri, dzakamushevedza kumusangano wavakaita semhuri uye vakamumanikidza kudzoka kuChechi yeRoma. Paakaramba, vemumhuri make vakaunganidza voukama vose vaigara munzvimbo iyi ndokumumanikidza kusiya zvaakanga ava kutenda. Kunyange zvazvo vakamurova, haana kubvuma. Hama dzake dzakamumhan’arira kumupristi, uyo akamuendesa pamberi pedare rechechi remumusha imomo. Murume uyu akaudza dare racho kuti aizodzoka kuchechi kana mupristi wacho aizokwanisa kupindura mibvunzo miviri inoti: Zita raMwari ndiani? Nei chechi ichibvumira vanhu vayo kudya ropa asi Bhaibheri richizvirambidza? Atadza kupindura kana mumwe wemibvunzo iyi, mupristi akamurova mbama kumeso achiti aida “kubudisa dhimoni raiva maari.” Musangano wacho wakabva wapera.

Izvi zvaitika, vemhuri yemurume uyu vakaunganidza shamwari dzavo dzose kuti vamumanikidze kupfugamira mufananidzo waMariya. Kunyange vakamurova zvakare, akatsika madziro. Vaona izvi, vomumhuri make vakataura neimwe tsvarakadenga yomusikana kuti itaure naye ichimuudza kuti kana akangodzoka kuchechi, vaizoroorana. Murume uyu wechiduku akaudza musikana uyu kuti aizodzoka kana akwanisa kupindura mibvunzo miviri yaakanga abvunza mupristi uya. Musikana uyu akabva angoenda uye haana kuzombodzoka. Papera mwedzi minomwe achirambidzwa kuita zvaaida, murume uyu akazoverevedza achibuda mumusha uyu ndokudzokera kuguta kwaakanotsvaka Zvapupu. Pashure pemwedzi, akava muparidzi asina kubhabhatidzwa. Akazobhabhatidzwa pagungano redunhu muna March 2011.

MUKURU WEPAJERI AKATSIGIRA IMWE HANZVADZI. Imwe hanzvadzi, piyona wenguva dzose, yakanga yashanyira mwanakomana wayo akanga asungirwa kusapindira mune zvematongerwo enyika muSouth Korea. Paaiva muimba yokumirira, akatambidza murume aiva padivi pake turakiti. Murume uyu akamupopotera achiti, ‘Nei imi vanhu vechechi iyi inonyepa muchiparidza kunyange munzvimbo ino?” Kupopota uku kwakaita kuti vanhu vose vanenge 30 kusvika ku40 vaiva muimba iyi vateerere zvaaitaura. Mukuru wepajeri iri akabva apindura murume uyu achimutsiura achiti: “Vanhu ava ndivo vanonamata zvechokwadi. Mamwe machechi ose ndeenhema. Ndava nemakore ndichicherechedza vanhu ava ndichishanda pajeri rino, uye ndakaona kuti ndivo vega vanorarama zvinoenderana nezvavanodzidziswa.” Murume uya aishora akashayiswa romuromo.

MASHOKO AKANYORWA PAMADZIRO. Harindra paakatanga kudzidza Bhaibheri, akanga agara oga kwemakore gumi nokuti aishanda mune rimwe guta guru muNepal kuti akwanise kuriritira mhuri yake yaigara kumusha. Sezvo murume uyu aisakwanisa kuverenga kana kunyora, chimwe Chapupu chakadzidza naye Bhaibheri chichishandisa bhurocha raFarikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi! Bhurocha iri raisawanika mumutauro weNepali panguva iyi, saka vakashandisa reChirungu. Rimwe zuva mudzimai wemurume uyu akamushanyira achibva kumusha. Akashamiswa kuona murume wake achidzidza bhurocha reChirungu. Uyezve, akanga arega doro uye akanga asingachamurovi. Aziva kuti kudzidza Bhaibheri ndiko kwakanga kwachinja Harindra, akatangawo kudzidza Bhaibheri uye kupinda misangano paakanga ava kumusha. Harindra aida kudzidza zvakawanda nezvaJehovha saka akasarudza kudzidza kuverenga nokunyora. Akakumbira aimudzidzisa Bhaibheri kuti amunyorere mabhii emutauro weNepali pamapepa, ndokuanamira kumadziro ekamuri rake kusvikira madziro ose angova mapepa ega ega. Akatanga kudzidzira kuverenga mazwi ose matsva nemabhii zvishoma nezvishoma kusvikira ava kugona kuverenga. Akazoronga kuti mhuri yake iuye kuzogara naye muguta kuitira kuti vakwanise kunamata Jehovha vari pamwe chete. Pasati papera makore maviri, akabhabhatidzwa. Iye zvino Harindra nemhuri yake vanopinda misangano uye anopa hurukuro dzokuverenga Bhaibheri paChikoro chaMwari Choushumiri. Anoti, “Dzidzo inobva kuna Jehovha yachinja upenyu hwedu zvinoshamisa.”

AKARAMBA US$200 000. Zarkhanum anogara kuAzerbaijan akanga akanyura mukuita zvemidzimu. Kwemakore 15 mukadzi uyu ainzi aioneswa nemidzimu uye aiva nemasimba okufembera. Vanhu vaitendawo kuti aiva nesimba rekubvisa zvitsinga uye rekuporesa. Zarkhanum aiva nemukurumbira, uye aiwanzobatsira vanhu vane zvinzvimbo zvepamusoro nevakadzi vavo, achibhadharwa US$2 000 kusvika kuUS$4 000 kuti avabatsire kutaura nemadzitateguru avo. Izvi zvakaita kuti ave shoroma. Kunyange zvazvo aiva nemasimba emidzimu, aiva nemibvunzo yakawanda yaimunetsa saka ainyatsonzwa kuti aisava noukama naMwari. Imba yake yakaparara uye aishaya chinangwa muupenyu. Rimwe zuva paakanga achiudza Mwari twose twaimunetsa, akanzwa pasuo rake pachigogodzwa. Akavhura dhoo, uye dzimwe hanzvadzi mbiri dzakatanga kumuparidzira. Zarkhanum akafara paakanzwa vachitaura nezvekufadza Mwari kwete nemashoko chete asi nemabasa. Aiziva vakawanda vezvitendero vaiita mabasa aipesana zvachose nekunamata. Aizivawo kuti kuita zvemidzimu chitadzo. Akabvuma kudzidza Bhabheri. Pasina nguva, akatanga kunyengetera achishandisa zita raJehovha uye akaona kumupindura kwaaiita. Zvisinei, zvakanga zvakaoma kuti asiye mabasa ake nekuti madhimoni aigara achimunetsa kunyange kutomurova. Achibatsirwa naJehovha, akazopedzisira asununguka pakunetswa nemadhimoni uye akaparadza zvinhu zvakawanda zveun’anga uye zvechitendero chenhema.

Pasina nguva, Zarkhanum akava muparidzi wemashoko akanaka anoshingaira uye akabhabhatidzwa muna May 2011. Achangobva kubhabhatidzwa, akatora upiyona hwebetsero. Hazvina kumbomuomera kusvitsa maawa anodiwa nekuti paakanga asati abhabhatidzwa aitosvitsa maawa anopfuura 70 pamwedzi, kunyange zvazvo utano hwake husina kuti tsvikiti. Kwasara mwedzi miviri kuti abhabhatidzwe, mumwe mudzimai wemurume ane chinzvimbo muhurumende akamukumbira kubvisa chitsinga achivimbisa kumupa US$200 000. Mukadzi uyu aiti chitsinga ichi ndicho chakakonzera kurwara kwakazoita kuti adimburwe gumbo. Zarkhanum akaramba uye akatotumira dzimwe hanzvadzi mbiri kuti dzinoparidzira mukadzi uyu kuchipatara kwaaive. Hanzvadzi yedu iri kushingaira kuparidzira vaya vaimbouya kwairi, ichivaudza kuti zvayaimboita kwaiva kutadzira Mwari. Mumwe wevanhu ava, uya akanga amuudza nezvomudzimai wemurume aishanda muhurumende, akabvuma kudzidza Bhaibheri uye akatanga kupinda misangano.

KUPARIDZA MUJERI. MuIndia, dzimwe hanzvadzi dzedu mbiri dzakasungirwa kuparidza dzikatongerwa mazuva mashanu mujeri. Mumwe wavo anoti: “Patakangoiswa mujeri, mapurisa aitibvunza kuti tasungirwei, uye izvi zvakatipa mukana wakanaka wokuvaparidzira. Sezvo takasungwa tiri muushumiri, takanga tiine magazini nematurakiti akawanda. Takavaparidzira vose uye takavapa mabhuku akawanda. Taikurudzirana, tainyengetera uye taiverenga mabhuku ataiva nawo.

“Takazoendeswa kune rimwe jeri raiva muguta. Tichingosvika vamwe vasungwa vakatibvunza kuti nei tainge tasungwa. Izvi zvakatipa mukana wokuvaudza zvatakanga tichiparidza nezvazvo uye kuvaudza kuti tiri Zvapupu zvaJehovha. Mumwe mukuru wemagadhijeri wechikadzi akatinzwa ndokuti, ‘Makaisirwa mujeri nyaya yokuparidza, iye zvino mava kuparidza muno zvakare!’” Hanzvadzi dzedu dziri kutoronga kushanyirazve vasungwa vakafarira chokwadi.

MUPURISA AKAONA RUDO RWAVO. MuBethlehem, hanzvadzi mbiri dzaigadzirira kuparidza pazvimwe zvitoro zviduku. Vamwe vakadzi vakangoerekana vauya pavaiva vachifara ndokubvunza nechiSpanish kana vaiva Zvapupu zvaJehovha. Vakadzi ava vakanga vari muboka revashanyi rakanga rabva kuMexico richishanya kuIsrael uye vakanga vaona mabhuku akanga akabatwa nehanzvadzi idzi. Vakambundirana, vakatsvodana, vakatorana mifananidzo uye vakaudzana kwavaigara. Hanzvadzi dzekuMexico dzakazodzokera kuboka revashanyi, uye hanzvadzi dziya mbiri dzakaenderera mberi nokuparidza muzvitoro.

Pashure pemaawa mashomanana, mumwe mupurisa akaenda paive nehanzvadzi dziya mbiri dzekuBethlehem ndokubvunza kana vaibva kuSpain. Hanzvadzi idzi dzakapindura kuti dzaisabva kuSpain. Mupurisa uyu akati akanga aona pavakasangana zvokuti akatofunga kuti vaiva shamwari dzava nenguva dzisingaonane kana kuti vanhu vemumhuri imwe chete. Hanzvadzi idzi dzakatsanangura kuti vose Zvapupu zvaJehovha uye kuti kunyange kana Zvapupu zvaJehovha zvichibva kunyika dzakasiyana kana kuti zvisati zvamboonana, zvinotoita sevanhu vemumhuri imwe chete nekuti zvine rudo. Mupurisa uyu akashamiswa, zvokuti akatora mabhuku uye akabvunza kwaaigona kuwana mamwe mashoko nezvechitendero ichi. Pakarongwa kuti azoshanyirwa.

“ZVIMWE NDICHASANGANA NEMUMWE MUNHU.” Yusuke ihama yechiduku inopayona iri kupinda nerimwe boka remutauro weChirungu kuJapan. Mumwe musi akanzwa kuti mangwanani aitevera paizosvika ngarava yevashanyi vaibva kunyika dzakawanda. Saka akafumomuka, akatyaira motokari kwemaawa maviri akananga kuchiteshi cheNagasaki pasinei nokuti kwainaya zvisingaiti. Kuchinaya kudaro, amire panodzikisirwa zvinhu, vanhu vakawanda vaidzika mungarava vakauya kwaari vachifunga kuti ndiye airatidza vanhu kwokuenda. Izvi zvakapa Yusuke mukana wokupa vanhu magazini 70 uye mabhurocha 50 mumitauro inoverengeka mumaminitsi asingasviki 30.

Akadzokera kumotokari yake kunotora mamwe mabhuku, uye paakadzoka akaona rimwe jaya rakanga radzika mungarava rakamira roga. Yusuke paakaenda paiva nejaya iri, rakamubvunza neChirungu kuti: “Nhai muri mumwe weZvapupu zvaJehovha here?” Yusuke paakabvuma mujaya wacho akatanga kupfikura. Yusuke akabva aenda naye panotengeswa zvinwiwa kuti vambokurukura.

Jaya iri rainzi Jason uye raiva nemakore 21. Akatsanangura kuti vabereki vake vari muchokwadi uye kuti iye akambova muparidzi asina kubhabhatidzwa akazorega ava kusvitsa makore 20. Akanga arega kupinda misangano neZvapupu zvaJehovha inenge mwedzi mitanhatu yakanga yapfuura, ndokutanga kufamba nengarava achishanyira nyika dzekuAsia, achifunga kuti aisazosangana navo. Asi nekuti airwadziwa nemudumbu, akatadza kuburuka muThailand, Vietnam nemuTaiwan. Nyika yokutanga yaakakwanisa kudzika mungarava, yaiva Japan uye munhu wokutanga kutaura naye aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha! Zvakabva zvangopinda mupfungwa dzaJason ndezvekuti, ‘Handimbokwanisi kutiza Jehovha,’ uye ndizvo zvakaita kuti acheme.

Vari munzvimbo iyi inotengeswa zvinwiwa, Yusuke akakurukura naJason dzimwe ndima kubva mubhuku ra“Rudo rwaMwari” kuti amuvimbise kuti Jehovha akanga achiri kumuda. Yusuke akateterera Jason kuti asasiye sangano. Kungoti chete nguva ndiyo yakazoita shoma. Manheru iwayo, Jason akakwira mungarava iya, ndokuenda kuInchon, South Korea, kwaakanga achida kunoona nzvimbo dzinoyevedza.

Yusuke akanetseka kuti angabatsira sei Jason uye akayeuka imwe hama yaakanga asangana nayo pakaitwa rimwe gungano renyika dzakawanda kuSouth Korea. Hama yacho inotaura Chirungu uye inogara kuInchon. Yusuke akafonera hama iyi manheru iwayo. Jason hapana zvaaiziva nezvezvakanga zvichirongwa izvi. Jason paakaburuka mungarava mangwanani akatevera, akaona chikwangwani chihombe chakanzi, “Tinokugamuchira kuno kuKorea, Jason!” Chakanga chakabatwa neZvapupu zvishanu zvainyemwerera. Jason akabva asiya zvirongwa zvake zvokuona nzvimbo uye akashandisa nguva iyoyo kukurukura nehama. Kunzwa hama dzechiduku dzezera rake dzichirondedzera nezvekusungirwa kutenda kwadzo, kwakaita kuti afungisise. Akapindawo Chirangaridzo ikoko.

Jason akazodzokera kuUnited States, akatangazve kuparidza uye akakumbira vakuru kuti vadzidze naye kana pavhiki. Akapedza kudzidza bhuku ra“Bhaibheri Rinombodzidzisei?” nera“Rudo rwaMwari” uye akabvumirwa kuti abhabhatidzwe. Akabhabhatidzwa pashure pemazuva 107 kubva paakataura naYusuke. Mwedzi wakatevera akatora upiyona hwebetsero.

Yusuke anoyeuka kuti mangwanani iwayo kuchitonhora, nokunaya, akanga aine chishuvo chakasimba chokuenda kuNagasaki, kunyange zvazvo akanga asina wokuenda naye. Akanga angoti, “Zvimwe ndichasangana nemumwe munhu achanditeerera.”

EUROPE

NYIKA 47

VANOGARAMO 736 505 919

VAPARIDZI 1 589 052

ZVIDZIDZO ZVEBHAIBHERI 843 405

VAKAWANA CHIMWE CHINHU CHINOKOSHA ZVIKURU. Mumwe mukadzi anonzi Ani akaenda kunoshanda kuHolland kwemwedzi mishomanana achibva kuBulgaria. Mumwe musi akanga akasurukirwa zvikuru, saka akamira parutivi pemugwagwa akanyengetera kuna Mwari kuti amutumire vakuru vekuchechi yaaipinda. Achinyengetera kudaro, hanzvadzi dzedu mbiri dzakasvika paaiva kuti dzimuparidzire. Ani akatoona sokuti munyengetero wake wakanga wapindurwa, saka akadziteerera uye akatanga kupinda misangano. Kunyange zvazvo akanga asinganzwisisi misangano iyi, akanyatsoona rudo rwairatidzwa neZvapupu. Izvi zvakanga zvakasiyana nekusabatana kwaiva muchechi yaaipinda kuBulgaria, uye akanyatsogutsikana kuti akanga awana chimwe chinhu chinokosha zvikuru. Paakazodzokera kuBulgaria hanzvadzi yaidzidza naye muHolland yakaenda naye kuti imubatsire kuwana Zvapupu muSofia. Izvi zvakaita kuti atowedzera kugutsikana kuti akanga awana chitendero chechokwadi.

Pasina nguva, Ani nomurume wake Ivo, vakatanga kudzidza Bhaibheri pamwe chete uye kupinda misangano. Pavaidzidza, vamwe vanhu vaiuyawo vachiteerera. Mumwe murume anonzi Assen, aiva mufundisi weimwe chechi. Akanga auya kuna Ani naIvo kuti avaratidze kuti Zvapupu zvaJehovha zvainyepa, asi akazozvionera kuti hazvina kudaro. Akabvunza mibvunzo yakadzama yeBhaibheri. Akabva akumbirwa kuti adzidzwe naye Bhaibheri, uye akabvuma kuti iye nemhuri yake vadzidze. Assen akamboramba achidzidzisa kuchechi kwake, kunyange zvazvo akanga ava kuvadzidzisa chokwadi chaaidzidza mubhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? Pasina nguva mudhikoni wechechi iyi ainzi Dencho, akati aidawo kudzidza Bhaibheri. Mhuri nhatu dzaiva muchechi iyi dzakabva dzakatangawo kudzidza. Sezvo vakawanda vaiva muchechi iyi vakanga vava kudzidza neZvapupu zvaJehovha, vakabva varega kuungana kwavo ndokutanga kupinda misangano yeungano. Dencho akava muparidzi uye akatanga kudzidza Bhaibheri neshamwari dzake dzakati wandei. Saka zvichitangira pakudzidza kwakaita Ani ari kuHolland, vanhu vanenge 30 vava kudzidza Bhaibheri uye kupinda misangano.

AKANGOVERENGA MAGWARO AITAURA NEZVEWANANO. Imwe hama nemudzimai wayo vekuCzech Republic vaidzidza Bhaibheri muImba yoUmambo nemumwe murume nemudzimai vechiduku vaibva kuMongolia. Kunyange zvazvo Zvapupu izvi zvakaedza chaizvo kudzidza chiMongolian, kunzwanana kwavo kwainetsa. Kunyange zvakadaro, zvaiita sokuti mhuri iyi yaigamuchira chokwadi cheBhaibheri ichizvininipisa uye nemwoyo murefu. Mamwe manheru mudzimai wacho akauya kumisangano asina murume wake. Akati akanga achida kusiya murume wake nokuti vakanga vakonana. Murume wacho akabva angosvikawo, asi haana kana kumbotarisa mudzimai wake. Zvainyatsooneka kuti pakanga pasina kumira zvakanaka. Hama yedu yakabva yaenda nemurume wacho muraibhurari yepaImba yeUmambo kunokurukura nyaya yacho. Asi sezvo akanga asingagoni chiMongolian, akatadza kunzwisisa chakanga chaita kuti vatosvorane saka akashaya kuti opa zano rokutii. Saka akangosarudza kuti averengere murume wacho Bhaibheri. Akabva averenga magwaro ose aaiyeuka anotaura nezvewanano uye kutaudzana zvakanaka. Murume wacho airatidza kuti aibayiwa mwoyo paiverengwa rugwaro rumwe nerumwe. Akabva angobuda muraibhurari achibva amhanya kumudzimai wake akamutsvoda. Pavakanga vava kubva paImba yoUmambo, murume wacho akati aida kutakurira mudzimai wake bhegi, sezvo akanga adzidza kuti aifanira kumubatsira.

Mangwana acho vakanga votoita sevanhu vachangobva kuchata uye vakakurukura vachifara nezvekutenda kwavaiita Jehovha nemazano eBhaibheri avakapiwa ewanano. Vakazodzokera kuMongolia kunorera vana vavo vaviri uye vanogara mune rimwe guta risina ungano. Mudzimai wacho akabhabhatidzwa muna October, uye murume wacho ari kufambira mberi kuti abhabhatidzwe.

“AKAZVIITIREI?” Imwe hanzvadzi piyona inonzi Olha, yakaparidzira mumwe mutyairi werori inodhirivhara zvokudya muUkraine. Yakamubvunza kuti, “Pane munhu watingavimba naye here?”

“Kana,” mutyairi wacho akapindura kudaro. “Mudzimai wangu akandisiya, akaenda nemwanakomana wedu ane makore maviri. Chaaishaya chii? Ndaishanda nesimba mazuva ose, ndichimuitira zvose zvaaida. Akati aida rin’i, ndaimutengera! Akati aida shangu, ndaitenga. Akati aida nekiresi, ndaimupa. Zvose ndaimupa, saka ndinoshaya kuti akazviitirei?”

Hanzvadzi iyi yakabvunza murume wacho neruremekedzo kuti aiwanzoita nguva yakadii aine mudzimai wake nemwana. Akati: “Ndaizoiwana kupiko nguva yacho ini ndichishanda kusvika pakati peusiku? Ndinodzokera kubasa na4 dzemangwanani. Ndinotoshanda kunyange Mugovera neSvondo.”

Olha akamuratidza Awake! yaOctober 2009 (Mukai! yaJanuary-March 2010) yaiva nenyaya dzinokosha dzaiti “Zvinhu Zvinokosha Zvinoita Kuti Mhuri Ibudirire.” Akamuratidza chokutanga chinoita kuti mhuri ibudirire chinoti, “Kuisa Zvinonyanyokosha Pokutanga.” Paakakurukura naye nyaya yacho akaratidza kuzvifarira achibva ati: “Ndaifunga kuti mari ndiyo inoita kuti mhuri ifare, uye zvimwe zvinhu zvose hazvina nebasa rose. Iye zvino ndava kuona kuti handizvo. Ndava kuona zvinofanira kugadziriswa uye zvinodiwa nemudzimai wangu.”

Vhiki rakatevera, Olha akasanganazve nemutyairi uya, akamuudza kuti akanga averenga magazini iya, akanyatsofungisisa nekuongorora zvinhu zvakawanda. Vakanga vataurirana nemudzimai wake uye vakanga vawirirana. Olha akazomupa bhuku raMufarwa Wemhuri. Vhiki rakazotevera, Olha paakaona rori iya, yakanga yava nemumwe mutyairi. Mutyairi mutsva uyu akatsanangura kuti uya aimbotyaira akanga asiya basa uye akanga ava kugara kune imwe nzvimbo nemhuri yake. Zvisinei, akanga asiyira Olha mashoko okuti: “Ndinoda kukutenda Ohla, naMwari wako Jehovha, nokundibatsira kuti imba yangu isaparare. Ndikasanganazve neZvapupu zvaJehovha handisi kuda kuzosiyana nazvo.”

AIDA CHIRATIDZO KUBVA KUNA MWARI. Mumwe murume wechiduku wekuLatvia akanga atanga kufarira shoko reBhaibheri paakaparidzirwa neZvapupu makore anenge 15 adarika. Aidzidza Bhaibheri apo neapo, asi akanga asingatendi kuti Bhaibheri, raaifunga kuti ibhukuwo zvaro, raizomubatsira kuziva Mwari. Aida kuti Mwari azviratidze kwaari nenzira inoshamisa, zvichida nechiratidzo. Saka akaregedza kudzidza Bhaibheri uye haana kuzokurukurazve neZvapupu. Nekufamba kwemakore akanga amomoterwa nematambudziko, saka akanyengetera kuna Mwari kuti amubatsire. Hapana chishamiso chakaitika, asi achitarisa panze nepahwindo, akaona hanzvadzi mbiri dziri muushumiri. Anyengeterazve mavhiki mashomanana akatevera, akaonazve hanzvadzi dziya nepahwindo dzichipfuura. Vhiki rakatevera racho, achinyengetera, kechitatu, akaonazve hanzvadzi dziya dzichiparidza. Akabva angoti ichi chiratidzo chinobva kuna Mwari! Akamhanyira panze zvakashamisa hanzvadzi dziya, ndokudziudza kuti aida kutangazve kudzidza Bhaibheri kwaakanga amborega makore apfuura. Akazowana simba rokukunda matambudziko ake uye kuswedera pedyo naMwari. Akariwana sei? Akabatsirwa neBhaibheri! Akabhabhatidzwa pagungano reruwa ra2010.

TWUPOTO TUTORIWO NENZEVE. KuDenmark, chirevo ichi chinoreva kuti vana vaduku vanonzwa zvinotaurwa nevanhu vakuru kupfuura zvamungafungira. Makore anenge 16 adarika, imwe hanzvadzi yekuDenmark yaidzidza Bhaibheri nemumwe mukadzi aiva nevanakomana vatatu. Vaiwanzoenda vose kunodzidza kumba kwehanzvadzi iyi nemurume wayo. Mukadzi uyu akazosiya kudzidza kwaaiita, mwanakomana wake mudiki anonzi Ronnie paaiva nemakore masere. Paaikura, Ronnie ainetseka nezvinhu zvakawanda. Zvisinei, mumwe musi muna 2008, ava nemakore 22, akaona magazini edu mumba maamai vake uye zvakamupa shungu dzokushanyira Zvapupu zvaimbodzidza naye achiri mwana. Mumanitsi 15 akatevera, akanga ava kutogogodza pamba pemhuri iya yeZvapupu, uye hama yedu payakavhura musuo, Ronnie akabva angopinda. Hama iyi yakambotora kanguva isati yamuziva, asi vakafara zvikuru kusanganazve. Ronnie akapiwa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? uye akabvuma kudzidza Bhaibheri. Chidzidzo chacho chakafamba zvakanaka. Sezvo aimbotamba chaizvo mitambo yepakombiyuta, mimwe yacho yeuroyi neyekurwa, nyaya dzake dzaiwanzorerekera ikoko. Asi Zvapupu zvakamudzidzisa kuti kunzwisisa kwedu nyaya dzekunamata hakufaniri kutungamirirwa nemitambo. Ronnie akanzwisisa uye akati: “Ndapota nditsiurei mukanzwa ndava kutaura nyaya idzodzo dzisina musoro!” Kubvira ipapo, afambira mberi chaizvo. Mukomana uyu, uyo akatanga kunzwa chokwadi paidzidza amai vake Bhaibheri achiri se‘kapoto kane nzeve,’ ava muparidzi asina kubhabhatidzwa.

KUNYARADZWA NEMAGWARO. MuBritain, imwe hama yakaona mumwe murume kumakuva, akapfugama pedyo nerimwe guva achichema. Hama iyi yakamukumbira kuti vambogara pasi vakurukure. Murume wacho, anonzi Alf, akabvuma. Alf akati: “Mwanasikana wangu afa. Aingova nemakore 42. Iye zvino mudzimai wangu uye mwanasikana vakavigwa pano.” Akanga akumbira kunyaradzwa nehurumende asi akaudzwa kuti aifanira kumirira kwemwedzi mitatu. Alf akati: “Ndine mabhizimisi akawanda uye ndakapfuma, asi hazvina zvazvinobatsira kana ndisina mhuri yangu. Ndingasva hangu ndarasikirwa nazvo zvose kuti ndivezve nemhuri yangu.” Alf akati aitenda muna Mwari, airemekedza Bhaibheri uye aienda kuchechi, asi akanga asina kuwana mhinduro dzinogutsa. Paakakumbira kunyaradzwa kuchechi, akaudzwa kuti abatidze kenduru kana kuti anyore katsamba okaturika pamuti. Akapindura nehasha achiti, “Zviri mumwoyo mangu hazvingambokwani pakapepa.” Hama iyi yakamunyaradza neMagwaro. Alf ava kudzidza Bhaibheri.

OCEANIA

NYIKA 29

VANOGARAMO 38 162 658

VAPARIDZI 94 309

ZVIDZIDZO ZVEBHAIBHERI 58 465

VAKAKUMBIRA MURUME WACHO KUTI AUYEWO. Imwe hama yokuNew Zealand yakataura kuti payakaenda nomudzimai wayo aidzidza nemumwe mukadzi wechiduku, vakaona kuti murume womukadzi uyu akanga aripo vakamukumbira kuti auyewo pavaidzidza. Murume wacho akabvuma, uye vakaronga kuzopota vachidzoka panguva yaaiwanika pamba. Iye nomudzimai wake vakabvuma kuuya kumisangano yeSvondo, kwavakatambirwa nemaoko maviri vakanakidzwa nayo. Pamusangano wakatevera, murume wacho akapindura paChidzidzo cheNharireyomurindi. Chidzidzo chacho chaikurudzira kunamata kwemhuri saka akabvunza kuti angaitisa sei chidzidzo chacho nemudzimai nemwanakomana wavo ane makore mana. Akataurawo kuti aida kushandisa zvinhu zvaakanga adzidza pamusangano wacho. Mhuri iyi ichiri kudzidza, kuuya kumisangano uye iri kufambira mberi pakunamata. Hama iyi inoti, “Tinotenda kuti takasarudza kukumbira baba vemba kuti vauyewo kuzodzidza pamwe nesu!”

CHIRANGARIDZO CHAKAITIRWA PACHITSUWA CHIRI KURE. Chitsuwa cheReao chine vanhu 362 chete, uye ndima iyi inoshandwa neUngano yeVaiete, imwe yeungano 18 dziri muTahiti. Reao iri kure nemakiromita anenge 1 350 kumabvazuva kweTahiti. Chirangaridzo chakanga chisati chamboitwa kuchitsuwa ichi chiri kure, uye Zvapupu zvakanga zvava nemakore 30 zvisati zvaendako. Manoah, mutariri webasa weUngano yeVaiete, aida kuronga boka duku kuti riende kuchitsuwa ichi kunoparidza vhiki reChirangaridzo uye kuzonochiitira ikoko. Asi, kuti iye nomudzimai wake vaende kuReao nendege vaida mari inenge 65 000 francs (US$740), iyo yavaisatombokwanisa kuwana. Zvisinei, akazopiwa bhonasi ye65 000 francs kubasa! Vakabva vangoona kuti Jehovha aikomborera zvavaironga. Vaparidzi vanomwe vakazoenda kuReao uye vanhu 47 vakapinda Chirangaridzo. Iye zvino vaparidzi vokuTahiti vanoshandisa foni kudzidza Bhaibheri nevanhu vokuReao vanofarira.

PAKANGA PASINA NGUVA YOKUDYA KWEMANGWANANI. Zvichangobva kutaurwa zvakati fananei nezvakaitika kuVanuatu, uko kune ungano inobatsira boka revaparidzi 11 vari kuchitsuwa chiri kure chinonzi Ambrym. Vakuru vemuungano iyi vakakumbira vaparidzi vanoshingaira kuenda kuAmbrym kwemazuva mashomanana kuti vanoshanda neboka racho Chirangaridzo chisati chaitwa. Marinette, hanzvadzi yava nenguva ichipayona uye yaimbova mudzidzisi, yakashandisa mukana uyu. Akasarudza kuenda nevamwe nechinangwa chokunotanga zvidzidzo zveBhaibheri. Angopedza nguva shomanana ari muushumiri, akashamiswa nokuona kuti aitenge achatadza kubva pamba paaigara. Marinette anoyeuka kuti: “Zvakanga zvakaoma kuwana nguva yokugeza kana kudya mangwanani nekuti vanhu vainge vatomira mumutsetse vachida kudzidziswa Bhaibheri. Ndaiparidza zuva rose ndiri pamba! Ndakakwanisa kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri 31 vhiki iroro.” Boka iri rakagara muAmbrym kwevhiki imwe chete, richishingaira kudzidzisa mashoko akanaka, uye vanhu 158 vakapinda Chirangaridzo. Boka iri rakanga risingadi zvokudzokera. “Tingasiya seiko nzvimbo ine vanhu vakawanda zvakadaro vane nyota yekunzwa chokwadi cheBhaibheri,” akadaro Marinette. Hofisi yebazi yakaronga kutumira mapiyona chaiwo anoshanda kwenguva duku kuti vanodzidzisa vanhu vanofarira vaiva munzvimbo iyi.

MUKURU WECHIKORO ANOBVUMA KUPARIDZIRWA. Pachikoro chesekondari chiri kuSolomon Islands, vadzidzi vanonzi vasimuke vaimbe nziyo dzechechi yeSouth Seas Evangelical. Dzimwe hanzvadzi mbiri dzechiduku dzakakumbira mukuru wechikoro kuti dzisaimba sezvo zvaizokanganisa hana dzavo. Mukadzi wacho akavatenda nokumuremekedza kwavaive vaita nokuuya kwaari uye akati vaisafanira havo kuimba asi vaigona kuramba vakagara nevamwe vavo Zvapupu.

Akabva avakumbira kuti vatsvake mumwe munhu womuungano mavo kuti auye kuzokurukura naye nezveZvapupu zvaJehovha uye zvedzidzo. Akazoshanyirwa nemumwe mumishinari, vakakurukura kweinenge awa nehafu nezvezvatinotenda uyewo matambudziko ari kusangana nevechiduku. Mukadzi uya akati ainakidzwa nokuverenga magazini yeMukai! uye kuti aisiya mamwe acho muimba inoshandiswa nevadzidzisi. Mumishinari uyu paakamupa bhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 2, mukadzi uyu akabvunza kana aikwanisa kuwanirwa 16 evadzidzisi uye 367 evana vechikoro. Kwakaunzwa mabhuku 400 akabva apiwa vanhu.

Kushinga kunotaura nemukuru wechikoro kwakaita hanzvadzi idzi mbiri kwakapa uchapupu hwakanaka uye vakawanda vakayemura kubatsirwa kwavakaitwa nebhuku iri. Mumwe musikana ane vabereki vakanga vachangobva kuparadzana, akati bhuku iri ndiro rakamubatsira kutsungirira matambudziko ake. Hanzvadzi idzi mbiri mapiyona ebetsero uye dzinogaroendesera mukuru wechikoro magazini.

KUPERERA PASINEI NEKUPIKISWA. MuSolomon Islands, mumwe mumishinari akadzidza Bhaibheri nemumwe mukadzi, watichati Lisa. Akafambira mberi pasinei nekuti aifamba kwemaawa maviri kuenda kuImba yoUmambo akatakura vanakomana vake vaviri mapatya, vanasikana vake vaviri vaduku vachifambawo naye. Aitsungirirawo kuoneswa ndondo kwaaiitwa nemurume wake. Aimurova uye aipisa hembe dzake dzokumisangano, Bhaibheri nemamwe mabhuku ezvokunamata. Murume wake aiita upombwe nemumwe mukadzi. Asi pasinei nezvose izvi, Lisa akabhabhatidzwa uye ari kuramba akasimba pakushumira Jehovha.

Gore rakapera, murume waLisa, aona kubatwa zvakanaka kwaaiitwa naye pasinei nezvaakanga amuitira, akadzinga mukadzi uya waaidanana naye akakumbira kudzidza Bhaibheri. Fungidzira kufara kwakaita hanzvadzi yedu Lisa nekuchinja kwakaita zvinhu uku. Kuumbwa kwakaitwa rimwe boka pedyo nekwaanogara kwakaita kuti zvinhu zvimurerukire nekuti iye zvino anofamba kwenguva isingasviki awa kuenda kumisangano. Achitsigirwa nemurume wake, akakwanisawo kutora upiyona hwebetsero.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 66]

“Nei Mwari aine utsinye zvakadaro? . . . Nei aranga mwana wangu? Achangobva kuberekwa. Atadzei hake?”

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 68]

Murume uyu akaudza dare racho kuti aizodzoka kuchechi kana mupristi wacho aizokwanisa kupindura mibvunzo miviri

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 72]

“Makaisirwa mujeri nyaya yokuparidza, iye zvino mava kuparidza muno zvakare!”

[Dhiagramu/Mepu iri papeji 84]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Tahiti → → → Makiromita 1 350 → → → Reao

[Mufananidzo uri papeji 56]

Pamusoro: Kuitisa Chidzidzo cheBhaibheri muRepublic of the Congo (ona peji 59)

[Mufananidzo uri papeji 61]

Edvard (kurudyi) aina Daniel vari pamusika

[Mufananidzo uri papeji 64]

Samaniego, Nariño, kuColombia

[Mufananidzo uri papeji 67]

Mabhuku emutauro wemasaini ava kuwanika mumitauro 59

São Paulo, kuBrazil

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe