RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • nwt pp. 2022-2023
  • B1 Dingindira reBhaibheri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • B1 Dingindira reBhaibheri
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Pashure pa4026 B.C.E.
  • 1943 B.C.E.
  • Pashure pa1070 B.C.E.
  • 29 C.E.
  • 33 C.E.
  • Munenge muna 1914 C.E.
  • Ramangwana
  • Pane Uprofita Hwekare Hunokosha Kwauri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Mbeu yeNyoka—Inoziviswa Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Tsinhirano Yose yeBhaibheri
    Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
B1 Dingindira reBhaibheri

B1

Dingindira reBhaibheri

Rakaprindwa

Jehovha Mwari ane kodzero yekutonga. Matongero ake ndiwo akanakisisa. Chinangwa chake chaakasikira nyika uye vanhu chichazadziswa.

Adhamu naEvha vari mumunda weEdheni, nyoka iri pedyo navo

Pashure pa4026 B.C.E.

“Nyoka” inoratidza kusava nechokwadi chekodzero yaJehovha yekutonga uye matongero ake. Jehovha anovimbisa kuti paizova ‘nembeu’ kana kuti “mwana” aizopwanya nyoka yacho, Satani. (Genesisi 3:1-5, 15, mashoko emuzasi) Asi Jehovha anobvumira kuti pave nenguva yekuti vanhu vazvitonge vari pasi penyoka.

Abrahamu achinzwa vimbiso yaMwari

1943 B.C.E.

Jehovha anoudza Abrahamu kuti “mwana” akataurwa nezvake aizova mumwe wevazukuru vake.—Genesisi 22:18.

Mambo Dhavhidhi

Pashure pa1070 B.C.E.

Jehovha anovimbisa Mambo Dhavhidhi, ozovimbisazve mwanakomana wake Soromoni kuti “mwana” akataurwa nezvake achauya nekudzinza ravo.—2 Samueri 7:12, 16;1 Madzimambo 9:3-5; Isaya 9:6, 7.

Jesu achibhabhatidzwa

29 C.E.

Jehovha anozivisa kuti Jesu ndiye “mwana” waakataura nezvake kuti aizogara nhaka chigaro chaDhavhidhi.—VaGaratiya 3:16; Ruka 1:31-33; 3:21, 22.

Jesu paakafa

33 C.E.

Nyoka, Satani, inomboti vhiringei “mwana” akavimbiswa nekuita kuti Jesu aurayiwe. Jehovha anomutsa Jesu kuti ararame kudenga uye anogamuchira ukoshi hweupenyu hwaJesu husina chivi zvichiita kuti vanhu vakwanise kuregererwa zvivi uye kupa vana vaAdhamu upenyu husingaperi.—Genesisi 3:15; Mabasa 2:32-36; 1 VaKorinde 15:21, 22.

Nyoka, kureva Satani, achikandwa panyika sezvakavimbiswa muna Zvakazarurwa

Munenge muna 1914 C.E.

Jesu anokandira pasi nyoka, Satani, kuti agare ipapo kwenguva pfupi.—Zvakazarurwa 12:7-9, 12.

Jesu achitonga nyika ari pachigaro chake cheumambo kudenga sezvakavimbiswa muna Zvakazarurwa

Ramangwana

Jesu anosunga Satani kwemakore 1 000 ozomuparadza, izvo zvinofananidzirwa nekumupwanya musoro. Chinangwa chaJehovha chepakutanga chaakasikira nyika nevanhu chinozadziswa, zita rake rocheneswa pakuzvidzwa kwese kwaraiitwa, uye matongero ake obudiswa pachena kuti akarurama.—Zvakazarurwa 20:1-3, 10; 21:3, 4.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe