RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w22 July pp. 14-19
  • Pane Uprofita Hwekare Hunokosha Kwauri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Pane Uprofita Hwekare Hunokosha Kwauri
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • NDIVANAANI VANOTAURWA MUUPROFITA HWACHO?
  • KUZADZIKA KWEUPROFITA HWACHO
  • TIRI KUBATSIRWA SEI NEUPROFITA UHWU?
  • B1 Dingindira reBhaibheri
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Mbeu yeNyoka—Inoziviswa Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Tsinhirano Yose yeBhaibheri
    Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?
  • Chinoita Kuti Kuziva nezveEdheni Kukoshe Kwauri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
w22 July pp. 14-19

NYAYA YEKUDZIDZA 30

Pane Uprofita Hwekare Hunokosha Kwauri

“Ndichaisa ruvengo pakati pako nemukadzi.”—GEN. 3:15.

RWIYO 15 Rumbidzai Dangwe raJehovha!

ZVICHADZIDZWAa

1. Jehovha akaitei Adhamu naEvha vachangotadza? (Genesisi 3:15)

ADHAMU naEvha vachangotadza, Jehovha akaita kuti vana vavaizobereka vave netariro achishandisa uprofita hunokosha. Zvaakataura zvakanyorwa pana Genesisi 3:15.—Verenga.

2. Nei uprofita uhwu huchikosha?

2 Uprofita hwacho huri mubhuku rekutanga reBhaibheri. Asi mabhuku ese eBhaibheri akabatana nahwo neimwe nzira. Sezvinoita gavi rinosunga svinga rehuni, mashoko ari pana Genesisi 3:15 ndiwo akabata Bhaibheri rese. Zvese zviri muBhaibheri zvinongodzoka panyaya imwe chete, yekuti paizova neMununuri aizotumwa kuti aparadze Dhiyabhorosi nevateveri vake vese.b Ichocho chichava chikomborero chakakura kune vaya vanoda Jehovha!

3. Tichakurukurei munyaya ino?

3 Munyaya ino tichapindura mibvunzo inotevera ine chekuita neuprofita huri pana Genesisi 3:15. Mibvunzo yacho inoti: Ndivanaani vanotaurwa mahuri? Uprofita hwacho hunozadzika sei? Uye tiri kubatsirwa sei nahwo?

NDIVANAANI VANOTAURWA MUUPROFITA HWACHO?

Mifananidzo: “Ndivanaani Vanotaurwa Pana Genesisi 3:14, 15?” 1. Nyoka: Satani, ari kuratidzwa sechisikwa chemweya. 2. Vana venyoka: zvisikwa zvemweya zvakaipa. 3. Mukadzi: zvisikwa zvemweya zvakatendeka. 4. Mwana wemukadzi: Jesu Kristu nevakazodzwa vaachatonga navo vari kudenga. Zviri pamifananidzo iyi zvinodzokororwa mundima 4, 5, 7, uye 8.

4. Ndiani “nyoka,” uye tinoziva sei izvozvo?

4 Genesisi 3:14, 15 inotaura ‘nezvenyoka,’ “vana” venyoka, “mukadzi,” uye “mwana” wemukadzi. Bhaibheri rinotibatsira kuziva mumwe nemumwe wavo.c Ngatitangei ‘nenyoka.’ Nyoka chaiyo chaiyo yaisagona kunzwisisa zvakataurwa naJehovha mumunda weEdheni. Saka aipiwa mutongo naJehovha anofanira kunge aiva chisikwa chakangwara. Aiva ani? Zvakazarurwa 12:9 inotaura zvakajeka kuti nyoka ndiani. Inoti “nyoka yepakutanga” ndiSatani Dhiyabhorosi. Asi vana venyoka ndivanaani?

Satani, ari kuratidzwa sechisikwa chemweya.

NYOKA

Satani Dhiyabhorosi uyo anotaurwa nezvake pana Zvakazarurwa 12:9 ‘senyoka yepakutanga’ (Ona ndima 4)

5. Ndivanaani vana venyoka?

5 Dzimwe nguva Bhaibheri rinoshandisa shoko rekuti vana richireva vaya vanonyatsotevedzera mumwe munhu zvekuti vanogona kunzi vana vake. Saka vana venyoka zvisikwa zvemweya zvisina kutendeka, uye vanhu vanopikisa Jehovha Mwari nevanhu vake sezvinoitwa naSatani. Vanosanganisira ngirozi dzakasiya mabasa adzo kudenga panguva yaNoa, uyewo vanhu vakaipa vanoita sababa vavo Dhiyabhorosi.—Gen. 6:1, 2; Joh. 8:44; 1 Joh. 5:19; Jud. 6.

Zvisikwa zvemweya zvakaipa.

VANA VENYOKA

Zvisikwa zvemweya zvakaipa uye vanhu vasingadi Jehovha Mwari uye vanopikisa vanhu vake (Ona ndima 5

6. Nei “mukadzi” ari kutaurwa nezvake asiri Evha?

6 Ngatichionai kuti “mukadzi” ndiani. Haangambovi Evha. Nei tichidaro? Funga nezvechikonzero chimwe chete. Uprofita hwacho hunoti mwana wemukadzi ‘aizopwanya’ musoro wenyoka. Sezvatichangobva kukurukura, nyoka ingirozi yakaipa, Satani, uye hapana munhu ane chivi aizokwanisa kumupwanya. Saka Satani aizoparadzwa sei?

7. Sezvinoratidzwa pana Zvakazarurwa 12:1, 2, 5, 10, ndiani mukadzi anotaurwa pana Genesisi 3:15?

7 Bhuku rekupedzisira reBhaibheri rinotiudza kuti mukadzi anotaurwa pana Genesisi 3:15 ndiani. (Verenga Zvakazarurwa 12:1, 2, 5, 10.) Mukadzi uyu haasi munhu ari panyika pano. Pasi petsoka dzake pane mwedzi uye mumusoro make mune korona yakagadzirwa nenyeredzi 12. Anobereka mwana akasiyana nevamwe vese—Umambo hwaMwari. Umambo hwacho huri kudenga, saka mukadzi wacho anofanirawo kunge ari kudenga. Anomiririra chikamu chekudenga chesangano raJehovha icho chinoumbwa nezvisikwa zvake zvemweya zvakatendeka.—VaG. 4:26.

Zvisikwa zvemweya zvakatendeka.

MUKADZI

Chikamu chekudenga chesangano raJehovha chinoumbwa nezvisikwa zvemweya zvakatendeka (Ona ndima 7)

8. Ndiani mwana anonyanya kukosha wemukadzi, uye akava mwana akadaro riini? (Genesisi 22:15-18)

8 Shoko raMwari rinotibatsira kuziva mwana anonyanya kukosha wemukadzi. Mwana uyu aifanira kunge ari mumwe wevazukuru vaAbrahamu. (Verenga Genesisi 22:15-18.) Sezvakataurwa neuprofita hwacho, Jesu aiva muzukuru wemurume iyeye akatendeka. (Ruka 3:23, 34) Asi mwana uyu aizofanira kuva nesimba rinopfuura remunhu nekuti aizopwanya Satani Dhiyabhorosi achimuparadza zvachose. Saka Jesu paaiva nemakore anenge 30, akazodzwa nemweya mutsvene. Paakazodzwa, Jesu akava mwana anonyanya kukosha wemukadzi. (VaG. 3:16) Pashure pekunge Jesu afa uye amutswa, Mwari ‘akamuisa korona yekubwinya nekukudzwa’ uye akamupa “masimba ese kudenga nepanyika,” kusanganisira simba ‘rekuputsa mabasa aDhiyabhorosi.’—VaH. 2:7; Mat. 28:18; 1 Joh. 3:8.

Jesu Kristu nevakazodzwa vaachatonga navo vari kudenga.

MWANA WEMUKADZI

Jesu Kristu neve144 000 vakazodzwa vaachatonga navo (Ona ndima 8-9)

9-10. (a) Ndivanaani vamwe vanoumba mwana wemukadzi, uye vanova vana vemukadzi kana zvaita sei? (b) Tava kuda kukurukurei?

9 Asi paizovawo nevamwe vana kunze kwaJesu. Muapostora Pauro akataura nezvavo paakaudza vaKristu vakazodzwa vechiJudha uye Vemamwe Marudzi kuti: “Kana muri vanhu vaKristu, muri vana vaAbrahamu zvechokwadi, vagari venhaka kana tichitaura nezvevimbiso.” (VaG. 3:28, 29) Jehovha paanozodza muKristu nemweya mutsvene, munhu iyeye anova mwana wemukadzi. Saka mwana uyu anoumbwa naJesu Kristu neve144 000 vaachatonga navo. (Zvak. 14:1) Vese ava vanoedza kuva nemafungiro uye maitiro aBaba vavo, Jehovha Mwari.

10 Sezvo tava kuziva kuti ndivanaani vanotaurwa pana Genesisi 3:15, ngatikurukurei muchidimbu kuti Jehovha ari kuzadzisa sei uprofita uhwu zvishoma nezvishoma uye kuti hunotibatsira sei.

KUZADZIKA KWEUPROFITA HWACHO

11. Uprofita huri pana Genesisi 3:15 hwairevei pahwakati mwana wemukadzi aizorumwa “pachitsitsinho”?

11 Maererano neuprofita huri pana Genesisi 3:15, nyoka yaizoruma mwana wemukadzi “pachitsitsinho.” Izvozvo zvakazadzika Satani paakashandisa vaJudha nevaRoma kuti auraye Mwanakomana waMwari. (Ruka 23:13, 20-24) Munhu anenge aine ronda pachitsitsinho haakwanisi kunyatsofamba kwekanguva. Saizvozvowo Jesu paakanga ari muguva haana zvaaikwanisa kuita.—Mat. 16:21.   

12. Musoro wenyoka uchapwanywa sei, uye zvichaitika riini?

12 Uprofita huri pana Genesisi 3:15 hunoratidza kuti Jesu aisazoramba ari muguva. Nei zvakadaro? Nekuti maererano neuprofita hwacho, mwana uyu aizopwanya musoro wenyoka. Izvi zvinoreva kuti ronda repachitsitsinho chaJesu raizopora. Uye ndizvo chaizvo zvakaitika! Pazuva rechitatu afa, Jesu akamutswa sechisikwa chemweya chisingafi. Panguva yaMwari yakakodzera, Jesu achapwanya Satani zvekuti haazovipozve. (VaH. 2:14) Vaya vachatonga naKristu vachabatana naye pakuparadza vavengi vaMwari vese, kureva vana venyoka.—Zvak. 17:14; 20:4, 10.d

Zvimwe Zviitiko Zvinokosha Pakuzadzika kwaGenesisi 3:15

Chati riri kuratidza nguva inoitika zviitiko zvinokosha zvinozadzisa Genesisi 3:15. A. 1943 B.C.E.: Abrahamu akatarisa denga rakazara nyeredzi. B. 29 C.E.: Jesu achizodzwa nemweya mutsvene pashure pekubhabhatidzwa naJohani. C. Paseka ya33 C.E.: Jesu ari padanda rekutambudzirwa. D. Pendekosti ya33 C.E.: ‘Marimi emoto akafanana nerurimi’ anooneka pamusoro pevateveri vaKristu. E. Munenge muna 1914 C.E.: Jesu anodzinga Satani nemadhimoni ake kudenga. F. Kuguma Kwemakore 1 000 Ekutonga: Satani nemadhimoni ake vanokandwa mugungwa remoto.
  1. A. 1943 B.C.E.

    Vimbiso yaMwari yekuti mwana anonyanya kukosha wemukadzi aizova mumwe wevazukuru vaAbrahamu inotanga kuzadzika. (Gen. 12:1-3; 22:15-18)

  2. B. 29 C.E.

    Jesu anozodzwa achiva mwana anonyanya kukosha wemukadzi. (Mat. 3:16; VaG. 3:16)

  3. C. PASEKA YA33 C.E.

    Jesu anorumwa chitsitsinho, asi anopora pashure pemazuva matatu. (Mat. 16:21; 26:1, 2)

  4. D. PENDEKOSTI YA33 C.E.

    Vamwe vana vemukadzi vanozodzwa nemweya mutsvene. (Mab. 2:1-4; VaG. 3:29)

  5. E. MUNENGE MUNA 1914

    Satani anodzingwa kudenga uye anowedzera kutambudza mwana wemukadzi. (Zvak. 12:9, 12, 17)

  6. F. KUGUMA KWEMAKORE 1 000 EKUTONGA

    Satani anoparadzwa zvachose. (Zvak. 20:7, 10)

TIRI KUBATSIRWA SEI NEUPROFITA UHWU?

13. Tiri kubatsirwa sei nekuzadzika kweuprofita uhwu?

13 Kana uri mushumiri waMwari akazvitsaurira, uri kubatsirwa nekuzadzika kweuprofita uhwu. Jesu akauya panyika ari munhu wenyama. Ainyatsotevedzera unhu hwaBaba vake. (Joh. 14:9) Saka kudzidza nezvake kwakaita kuti tisvike pakuziva Jehovha Mwari uye kumuda. Tinobatsirwawo nedzidziso dzaJesu uye nekutungamirira kwaari kuita ungano yechiKristu mazuva ano. Akatidzidzisa kuti tingararama sei nenzira inoita kuti tifarirwe naJehovha. Uye tese tinogona kubatsirwa nekufa kwaJesu, kureva kurumwa kwaakaitwa pachitsitsinho. Tinobatsirwa sei? Pashure pekunge Jesu amutswa, Jehovha akagamuchira chibayiro chakakwana cheMwanakomana wake icho ‘chinotichenesa pazvivi zvese.’—1 Joh. 1:7.

14. Tinoziva sei kuti uprofita hwakataurwa naJehovha muEdheni hahuna kuzadzika panguva iyoyo?

14 Zvakataurwa naJehovha muEdheni zvakaratidza kuti paizopfuura nguva yakareba kuti uprofita uhwu huzadzike zvakazara. Zvaizotora nguva kuti mukadzi abereke mwana akavimbiswa, kuti Dhiyabhorosi aunganidze vateveri vake, uye kuti ruvengo ruve pakati pemapoka maviri aya. Tinobatsirwa nekuziva nezveuprofita uhwu nekuti hunotiyambira kuti nyika inotongwa naSatani ichavenga vanamati vaJehovha. Jesu akazopa vadzidzi vake yambiro yakafanana naiyoyo. (Mako 13:13; Joh. 17:14) Taona kuzadzika kwechikamu ichocho cheuprofita hwacho, kunyanya mumakore 100 apfuura. Chakazadzika sei?

15. Nei nyika iri kuwedzera kutivenga, asi nei tisingafaniri kutya Satani?

15 Jesu achangogadzwa saMambo Mesiya muna 1914, Satani akadzingwa kudenga. Iye zvino angova panyika, achimirira kuparadzwa. (Zvak. 12:9, 12) Asi haana kungogara. Satani akaguta nehasha, uye ari kurwisa vanhu vaMwari. (Zvak. 12:13, 17) Ndosaka nyika yaSatani iri kuwedzera kuvenga vanhu vaMwari. Asi hatina chikonzero chekutya Satani nevateveri vake. Tinogona kuva nechivimbo sechaiva nemuapostora Pauro, uyo akanyora kuti: “Kana Mwari ari kurutivi rwedu, ndiani angamirisana nesu?” (VaR. 8:31) Sezvataona, tinogona kuvimba naJehovha zvizere nekuti zvakawanda zviri muuprofita huri pana Genesisi 3:15 zvakatozadzika.

16-18. Curtis, Ursula, naJessica vakabatsirwa sei nekunzwisisa uprofita huri pana Genesisi 3:15?

16 Vimbiso yaJehovha iri pana Genesisi 3:15 inogona kutibatsira kuti titsungirire chero matambudziko atinosangana nawo. Curtis, uyo anoshumira semumishinari kuGuam, anoti: “Dzimwe nguva ndinosangana nemiedzo nematambudziko zvinoedza kuzvipira kwangu kuna Jehovha. Asi kufungisisa uprofita huri pana Genesisi 3:15 kuri kundibatsira kuti ndirambe ndichivimba naBaba vangu vekudenga.” Curtis anotarisira mberi kuzuva iro Jehovha achagumisa matambudziko edu ese.

17 Hanzvadzi yekuBavaria inonzi Ursula yakataura kuti kunzwisisa Genesisi 3:15 kwakaibatsira kuti ive nechokwadi chekuti Bhaibheri rakafemerwa naMwari. Akaona kubatana kwakaita humwe uprofita hwese neuprofita uhwu, uye izvozvo zvakamubaya mwoyo. Anotiwo: “Pandakadzidza kuti Jehovha akakurumidza kuita chimwe chinhu kuti tive netariro, ndakabva ndawedzera kumuda.”

18 Jessica wekuMicronesia anoti: “Ndichiri kuyeuka manzwiro andakaita pandakatanga kuziva kuti ndakanga ndawana chokwadi. Uprofita hwakanyorwa pana Genesisi 3:15 hwakanga huchizadzika. Hwakandibatsira kuyeuka kuti upenyu hwatiri kurarama iye zvino handihwo upenyu chaihwo. Uprofita uhwu hwakasimbisawo kutenda kwandinoita kuti kushumira Jehovha kunoita kuti ndirarame upenyu hwakanaka kupfuura humwe hwese panguva ino, uye kuti ndichatorarama upenyu hunopfuura ipapo mune ramangwana.”

19. Nei tiine chokwadi chekuti chikamu chekupedzisira cheuprofita huri pana Genesisi 3:15 chichazadziswa?

19 Sezvataona, Genesisi 3:15 iri kuzadzika. Mwana wemukadzi uye vana venyoka vava kunyatsozivikanwa. Jesu, mwana anonyanya kukosha wemukadzi, akapora paronda rake repachitsitsinho, uye iye zvino ava Mambo ane simba uye asingafi. Kusarudzwa kwevamwe vana vemukadzi kwava kuda kuguma. Sezvo chikamu chekutanga cheuprofita uhwu chakazadzika, tine chokwadi chizere chekuti chikamu chekupedzisira, kureva kupwanywa kwemusoro wenyoka, chichazadzikawo. Vashumiri vaMwari vachafara chaizvo Satani paachaparadzwa! Usakanda mapfumo pasi kusvikira izvozvo zvaitika. Mwari wedu akavimbika. Achishandisa mwana wemukadzi, achaunza makomborero asingaperi ‘kumarudzi ese epanyika.’—Gen. 22:18.

UNGATSANANGURA HERE UPROFITA HURI PANA GENESISI 3:15?

  • “Nyoka” nevana vayo ndivanaani, uye “mukadzi” nemwana wake ndivanaani?

  • Uprofita uhwu hwazadzika sei kusvika panguva ino?

  • Iwe pachako wakabatsirwa sei nekuzadzika kweuprofita hwacho?

RWIYO 23 Jehovha Anotanga Kutonga

a Hatigoni kunzwisisa Bhaibheri zvakazara kana tisinganzwisisi uprofita hwakanyorwa pana Genesisi 3:15. Kudzidza uprofita uhwu kunosimbisa kutenda kwedu muna Jehovha uye kunoita kuti tiwedzere kuva nechokwadi chekuti achazadzisa zvese zvaakavimbisa.

b Ona Mashoko Ekuwedzera B1 anoti, “Dingindira reBhaibheri,” ari muShanduro Yenyika Itsva.

c Ona bhokisi rakanzi “Ndivanaani Vanotaurwa Pana Genesisi 3:14, 15?”

d Ona bhokisi rakanzi, “Zvimwe Zviitiko Zvinokosha Pakuzadzika kwaGenesisi 3:15.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe