RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g88 4/8 pp. 13-15
  • Tariro Yavakafa, Nyaradzo Yavanochema

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tariro Yavakafa, Nyaradzo Yavanochema
  • Mukai!—1988
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Tariro Yavakafa—Sezvakadzidziswa naJesu
  • “Rugwaro Rwangu Rwandinoda Ndi . . . ”
  • Tariro Yavakafa—Nokukurumidza Ichazadzika
  • Tariro Yechokwadi Nokuda Kwevadiwa Vako Vakafa
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Tariro Yechokwadi
    Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?
  • Mushonga Bedzi Worufu!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Tariro Yokumutswa Kwevakafa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
Ona Zvimwe
Mukai!—1988
g88 4/8 pp. 13-15

Tariro Yavakafa, Nyaradzo Yavanochema

JESS Romero, adudzwa munyaya yedu yokutanga, pakupedzisira akaroorazve. Kana ari Agustín naValentina Caraballoso, rufu rwaJonathan rwuchiri kuvarwadza, asi vari nani havo. Ramón naMaría Serrano vokuSpain vachiri kuchema misodzi makore 24 pashure porufu rwaPaquito. Asika mune zvinoitika zvose izvozvi, chii chakavaita kuti varambe vachipfuurira? Vanopindura, kuti: “Tariro yorumuko!”

Asika chii chaizvoizvo chatinoreva no“rumuko”? Ndivanaani vachamutswa? Rini? Uye tinogona kuva nechokwadi sei?

Tariro Yavakafa—Sezvakadzidziswa naJesu

Mukati moushumiri hwake pasi pano, Jesu akamutsa vanhu vanoverengeka. (Marko 5:35-42) Ikoku kwakabatira sesimbisiro yorumuko rukuru ruchaitika apo pasi rinovazve chose chose pasi poudzori hwaMwari, sezvo mamirioni achikumbira apo iwo anonyengetera, kuti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe, somudenga, napasi panowo.”—Mateo 6:9, 10.

Muenzaniso wesimba raMwari muna ikoku wakaitika apo Jesu akamutsa shamwari yake Razaro. Panguva imwe cheteyo, nhauro inojekesa mugariro worufu. Jesu akataura kuvadzidzi vake, kuti: “Razaro shamwari yedu andovata, asi ndiri kuenda kundomumutsa muhope.” Vasinganzwisisi revo yacho, vadzidzi vakati: “Ishe, kana andorara, iye achanaya.” Ivo vakafungidzira kuti iye akanga achireva kuti Razaro akanga avete bedzi apo, chaizvozvo, iye akanga afa. Nokudaro, Jesu haana kusiya nzvimbo yepanikiro: “Razaro afa.”

Cherekedza, ndapota, kuti Jesu haana kuita nongedzero kumweya upi noupi usingafi unopfuurira kuenda kuno mumwe mugariro kana kuti nzvimbo. Iye akanga asingapesvedzerwi nouzivi hwechiGiriki asi nedzidziso yakajeka yeBhaibheri iri muMagwaro echiHebheru. Razaro akanga akavata murufu uye apo Jesu akasvika akanga atove mazuva mana ari muhwiro hweyeuko. Naizvozvo, itariroiko yakanga iripo nokuda kwake?

Apo Jesu akataura kuna Marta hanzvadzi yaRazaro, iye akamuudza, kuti: “Hanzvadzi yako ichamuka.” Ko iye akapindura sei? Ko iye akataura kuti mweya wake wakanga watove mudenga kana kuti kune imwe nzvimbo here? Mhinduro yake yakanga iri yokuti: “Ini ndinoziva kuti iye achamuka murumuko pazuva rokupedzisira.” Iye akaomererawo kudzidziso yeBhaibheri yokumukira kuupenyu pasi pano. Jesu akamupa chikonzero chakatokura zvikuru chokutenda kupfurikidza nokuti: “Ini ndini rumuko noupenyu. Iye anoshandisa kutenda mandiri, kunyange zvazvo iye akafa, achava mupenyu.” Ipapo, kubvumikisa pfundo rake, akaenda kuhwiro hwaRazaro ndokudanidzira nenzwi guru: “Razaro, buda!” Chii chakaitika?

Nhauro yenhau inoti: “Munhu akanga afa akabuda aine tsoka dzake namaoko ake zvakaputirwa nezviputiro, uye chiso chake chakanga chakaputirwa nomucheka. Jesu akati kwaari: ‘Musunungurei ndokumurega aende.’”—Johane 11:1-44.

Ipapo pane tariro yakabetsera vazhinji vavanhu vakafirwa vakabvunzurudzwa naMukai! Tariro imwe cheteyo inotsigira kutarisira kunguva yemberi yava pedyo apo pasi richava paradhiso yakavandudzwa uye mashoko anopa tariro aJesu achazadzika, anoti: “Musashamiswa naikoku, nokuti awa inouya muiyo avo vose vari muhwiro hweyeuko vachanzwa inzwi rake ndokubuda, avo vakaita zvinhu zvakanaka kurumuko rwoupenyu, avo vakaita zvinhu zvakashata kurumuko rwomutongeso.”—Johane 5:28, 29.

“Rugwaro Rwangu Rwandinoda Ndi . . . ”

Mukai! yakabvunzurudza vabereki navechiduku pamsoro porufu rwomwana.a Kazhinji kazhinji, mukutsanangura kuti ivo vakagonana sei nenhamo yavo, ivo vakati: “Regai ndikuudzei rugwaro rwangu rwandinoda zvikuru.” Kana uri kusuruvara, zvimwe magwaro aya angakubetseraiwo.

Yunhee wezera ramakore ane gumi namana, wokuSeoul, Republic of Korea, akaurawa neleukemia muna 1985. Baba vake, Chun Kwang-kook, akatsanangurira Mukai! manyaradzire aakaita Yunhee mumavhiki ake okupedzisira oupenyu: “Ndakamuzivisa pamusoro paRazaro. Jesu akataura kuti Razaro akanga avete, uye mukufanana naye, apo Jesu anodana, ‘Yunhee! Muka!’ iye achamukawo mukuvata.”

Janet Hercock, wokuEngland, akanga ava namakore 13 apo iye akafa negomarara muna 1966. Iye akasiya vabereki vake nehanzvadzi mbiri, David naTimothy. David akaudza Mukai! ruri rugwaro rwakanga rwuchimubetsera zvikurukuru: “Rwakanga rwuri Mabasa 17:31, urwo rwunoti: ‘Nokuti [Mwari] akagadza zuva muiro iye akaita donzo kutonga pasi rose rinogarwa mukururama kupfurikidza nomunhu uyo iye akagadza, uye iye akagovera simbisiro kuvanhu vose mukuti iye akamumutsa muvakafa.’ Pamariro, mukurukuri akasimbisa kuti rumuko rwaJesu isimbiso yedu yorumuko rwomunguva yemberi. Irworwo rwave rwuri manyuko makuru esimba nokuda kwangu.”

Muna December 1975 George muduku, aingova bedzi nezera ramakore 14, akatora chifefe chababa vake ndokuzvipfura amene. Ko baba vaGeorge, Russell, vakarangarira sei uku kurashikirwa nomwanakomana wavo kupfurikidza nokuzviuraya?b

“Mamwe magwaro anova chitsigiso nokuda kwangu. Somuenzaniso, mashoko ari muna Zvirevo 3:5: ‘Vimba naJehovha nomwoyo wako wose uye usatsamira pakunzwisisa kwako umene.’ Kutambanuko yakati kuti ndakanga ndichitsamira pakunzwisisa kwangu ndimene mukuedza kuzvinyaradza ndimene nezvakanga zvakaitika.”

Mhuri yokwaMorgan, yokuEngland, yakanga iri muSweden apo mwanakomana wavo Darrall akava namarwadzo okukurumidza. Kuvhiiwa kwokukurumidzira kwakaitwa muStockholm. Pakupedzisira iye akadzorerwa nendege kuEngland, uko iye akafira chinguvana pamberi pezuva rake rokuzvarwa rechi 24. Amai vake Nell vanoti: “Rugwaro rumwe rwakachachamara mundangariro mangu ndiMateo 22:32, apo Jesu akanokora mashoko Mwari saanoti: ‘Ndini Mwari waAbrahama naMwari waIsaka naMwari waJakobho.’ Ipapo iye akapfuurira, kuti: “Iye ndiMwari, kwete wavakafa, asi wavapenyu.” Ini ndinoziva kuti mashoko iwayo anoreva kuti Darrall akachengetwa muyeuko yaMwari uye achadzoka murumuko.”

Tariro Yavakafa—Nokukurumidza Ichazadzika

Chiporofita cheBhaibheri chinoratidzira kuti tava pedyo nenguva apo Mwari achaita chiito chokudzorera rugare noupenyu husingaperi kuvanhu vanoteerera. Mwari anopikira, kuti: “Ndichashandura kuchema kwavo kuve mufaro, uye ini ndichavanyaradza nokuvaita vafare pakusuruvara kwavo.” ‘Dzora inzwi rako pakuchema, nameso pamisodzi, nokuti pane tuso yomubato wako,’ ndiko kutaura kwaJehovha, ‘uye ivo vachadzoka zvamazvirokwazvo vachibva kunyika yomuvengi wavo [rufu].’—Jeremia 31:13-17.

Panguva iyeyo Jehovha pashoma napashoma achadzorera kuupenyu kupfurikidza norumuko avo vakafa munhau yose yomunhu. Muhurumende yokudenga yetsika itsva yaMwari, ivo vachava nebanza rokusarudza upenyu husingaperi kupfurikidza nokuteerera mirairo yaMwari nokuda kwoupenyu panguva iyeyo. Nokudaro, kana tikatendeukira kuBhaibheri, tichawana kuti mune tariro yechokwadi nokuda kwavakafa nenyaradzo nokuda kwavapenyu.—Mabasa 24:15; Zvakazarurwa 20:12-14; 21:1-4.

[Mashoko Omuzasi]

a Chinyorwa chomunguva yemberi chaMukai! chicharangarira kuita kwomwana kukurashikirwa nehanzvadzikomana kana kuti nehanzvadzisikana.

b Nyaya yokuzviuraya nenhamo yavabereki zvichakurukurwa muchinyorwa chomunguva yemberi chaMukai!

[Bhokisi riri papeji 14]

Diane Krych, uyo anorondedzera rufu rwomwanakomana wake David munyaya yedu yechipiri, akapfuura nomukusuwa kukuru nomukuita kwokuramba. Ikoku kwakapupurirwa netsamba dzaakanyorera David, ndokudzichengeta, kwamakore 13. Iye akarega kunyora apo iye akanangana nechinhu chaichoicho chorufu rwababa vake amene, avo iye akanga arera. (Mukai! haizati iri kurumbidza kunyora tsamba sechimiro chenyaradzo. Zvisinei, tinonokora mashoko tsamba yokutanga kuenzanisira kuti tariro yorumuko yakanga iri sei chitsigiso chake uye yakamutsigira chifocho.)

David Anodiwa Zvikuru,

Wave urere kwamazuva 46 zvino. Anoratidzika kuva makore chifo chandakakuona ndokukubata. Asi mazuva okuvata kwako akaganhurirwa. Ndinoshuva kudai ndaiziva chiverengero chacho nokuti ndaizobvisa zuva rimwe pazuva rimwe nerimwe. Kwatiri, kumirira kurefu, kwakaoma, ndokwoushoma, asi kwauri kucharatidzika samaminiti mashomanene. Ndinoonga nokuda kwaikoku. Tinotarisira kuzuvaro apo Jehovha achakumutsa kuhope dzako munhevedzo itsva. Tichava namabiko makurusa ausati wamboona. Achapedza anenge mazuva matatu. Munhu ari wose watinoziva achakokwa. Achava mabiko ako. Ndinotarira bedzi kuti hatizati tichizomirira kwenguva refu zvikuru. Handingagoni kumirira kuzokubata namaoko angu, David. Isu tose tinokushaiwa zvikuru kwazvo. Imba haina munhu kana iwe usipo. Hapana chinhu chichava chakafanana kutozosvikira iwe wadzoka pamba wava nesu.

Naizvozvo, mwanakomana wangu anokosha, tichaedza kuva vanoshivira navanomirira pana Jehovha nokuda kwokudzoka kwako, uye munguva ino, tinokunyorera tsamba kuti tikuise mune zvinoitika paunenge urere.

Norudo rwangu rwose,

Amai

[Mifananidzo iri papeji 15]

Bhaibheri rinopikira kuti vakafa, vakafanana naMaria naDavid, vachamutswa

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe