Nguva Yemberi Yorudzidziso Pakurangarirwa Kwenguva Yarwo Yakapfuura
Chikamu 24: Zvino nokusingaperi—Runako Rusingagumi Rworudzidziso Rwechokwadi
“Rudzidziso, kana rwakapfeka zvokwadi dzokudenga, runodikanirwa kuonwa kuti rugoyemurwa.”—Willam Cowper, munyori wenhetembo weEngland womuzana ramakore rechi 18
HAPANA chinhu chinofanira kuyemurwa pamusoro porudzidziso rwenhema. Rwakaunzira rudzi rwomunhu makore mazana matanhatu enhamo nokutambura. Nzira dzarwo dzokureva nhema, dzinonyengedza, dzinotsausa, uye dzokuvenga dzakarushatisa mose muri muviri mukuona kwaMwari nokwomunhu. Rwuri kure nokuva rwakapfeka zvokwadi dzokudenga, rudzidziso rwenhema rudzidziso runopesana nezvokwadi norunako.
Nokukurumidza mauto aMwari okuuraya achakandira zvisingatsananguriki rudzidziso rwenhema mugomba roruparadziko rusingagumi. Nokukurumidza pashure pacho, yasara yose yetsika yaSatani ichatevera. Asi rudzidziso rwechokwadi, pamwe chete naavo vanorushandisa, ruchapfuurira kuvapo. Mufaro wakadini panguva iyeyo kuona runako rwarwo rusingagumi ruchiratidzirwa kusvikira kumwero mukuru isu nhasi tisingatongogoni kufungidzira!
Runako Rwupiko?
Runako rworudzidziso rwechokwadi rwakawanda. Heruno rushomanene bedzi. Huregererei kuwana nguva yokunzvera ndima dzakarongwa dzeBhaibheri dzinobvumikisa urwu runako rusingagumi kuva rwakavakirwa paBhaibheri?
Pakati porunako rwakawanda rusingagumi rworudzidziso rwechokwadi pane:
▪ Rwakavakirwa pazvokwadi dzaMwari asingakanganisi, ane zita rinonzi Jehovha, uyo tinogona kutsamira paari nenzira isingatsamiri pamugariro.—Pisarema 83:18; Isaya 55:10, 11.
▪ Runowanikwa kumunhu ari wose ane mwoyo unozvininipisa, haruna kuchengeterwa bedzi avo vane ungwaru hukuru.—Mateo 11:25; 1 VaKorinte 1:26-28.
▪ Haruoni mugariro wedzinza, nzanga, uye mugariro wezvemari.—Mabasa 10:34, 35; 17:24-27.
▪ Runopa tariro youpenyu yakasanosimbiswa munyika yorugare nechengeteko isina rusuruvaro, chirwere, nhamo, uye rufu.—Isaya 32:18; Zvakazarurwa 21:3, 4.
▪ Runogovera gadziriro iyo mitezo yarwo inogona kugara mairi souhama hwakavimbika hwenyika yose, hwakabatana mudzidziso, mufambiro, uye mudzimu.—Pisarema 133:1; Johane 13:35.
▪ Runogovera munhu ari wose—murume, mukadzi, uye mwana—banza rokugoverana nomutoo wokushingaira mubasa raMwari, kuchizadza upenyu nedonzo.—1 VaKorinte 15:58; VaHebheru 13:15, 16.
▪ Runotinyevera nezvengozi dzakavanzika, ruchitirairidza kuzvibata timene kwatinofanira kuita kuti tigobetserwa.—Zvirevo 4:10-13; Isaya 48:17, 18.
Uye neiko kuchigona kutaurwa kuti runako urwu nderwokusingagumi? Nemhaka bedzi yokuti irwo rwuchagara narini sokugara nguva refu kunoita rudzidziso rwechokwadi irwo rwumene—nokusingaperi.
Kuzadza Mikaha
Kunogona kutaurwa kuti rufu ndirumwe rwavavengi vakurusa vezvokwadi, sezvo vanhu vachiwanzoenda kumakuva namashoko avo asingazivikanwi navamwe vanhu. Udzame chaihwo hwezvinotoitika kunyange zvazvino uno chaiye—somuenzaniso, kupondwa kwomuna 1963 kwaJ. F. Kennedy purezidhendi weU.S.—zvichiri nhau yokuitirana nharo. Ndaapi ari maidi acho? Ndianiko anoziva zvomenemene? Vazhinji vangaziva havasichiri vapenyu. Uye kana ikoku kuri kwechokwadi nezvechinoitika makore 26 bedzi munguva yakapfuura, zvakadiniko nezvezvinoitika zvakaitika mazana kana kuti kunyange zviuru zvamakore akapfuura?
Mukuwedzera, vezvenhau vanongova vanhuwo zvavo, vakaganhurirwa muzivo uye vari kushanda muurema hwokusakwana kwohunhu nokufungira mano akaipa kunobvira. Ndokusaka munhu asina kwaakarerekera achiita zvakanaka kuramba kuva anoshusha pamusoro peicho iye asina chiremera chacho, chinyorwa chakafuridzirwa nomutoo woumwari.
Kunyora pamusoro penhau yorudzidziso kunopa zvinetso zvakafanana, sezvo zviremera zvichiwanzosabvumirana namaidi. Munhevedzano ye“Nguva Yemberi Yorudzidziso Pakurangarirwa Kwenguva Yarwo Yakapfuura,” Mukai! yakaedza kupa maidi anosanotsigirwa, asi kunofanira kubvumwa kuti panguva ino kune zvimwe zvinhu zvatisingatongozivi. Somuenzaniso, mapoka echiKristu anonyepedzera aivapo mukati napashure peNhambo Yerima akanamatira zvomenemene kuchiKristu chechokwadi kusvikira kutambanukoi?
Nezvemapoka iwaya, purofesa wenhau yechechi A. M. Renwick anoti: “Kunzverwa kukuru kwenhau kuchiri kurairwa kuti nhau yechokwadi ibudiswe uye chimiro chedzidziso dzemitumbi iyeyo isingaverengeki.” Mukuwirirana naRenwick, “munguva yakapfuura vezvenhau vakatsamira zvikuru kwazvo pakutaura kwavavengi vamapoka anopesana nokuda kwokunzvera kwavo dzidziso dzavo netsika.” Chokwadi, kutsamira zvikurusa kwazvo pakutaura kweshamwari dzavo kungagumawo nomurangariro wakatsveyamiswa. Naizvozvo kunyange pashure pokunzvera kukuru kwenhau, mibvunzo mizhinji sezvingabvira yaizosara ichiri isina kupindurwa.
Zvakadiniko neBhaibheri? Sebhuku rakafuridzirwa nenzira youmwari rinobatanidza nhau yorudzidziso, rakavimbika muchinhu chiri chose charinotaura. Asi rinotaura zvishomanene zvikuru pamusoro pezvimiro zvose zvakasiana zvorudzidziso rwenhema zvati zvambovapo. Nenzira inonzwisisika rakadaro, sezvo rakagoverwa kuti ribatire sebhuku rinoshandiswa nokuda kworudzidziso rukuru, kwete nokuda kworwenhema.
Kunyange nezverudzidziso rwechokwadi, Bhaibheri haritiudzi chinhu chiri chose. Rinotigovera mashoko akaringana okuziva nawo rudzidziso rwechokwadi nomutoo unobudirira, asi padzimwe nguva rinosiya udzame. Nepo uhu udzame hungava hunokweva nohunofadza kuziva, pari zvino hahukoshi.
Ipapowo, Bhaibheri rine mikaha yenguva. Somuenzaniso, haritauri chinhu pamusoro pechakaitika mukati mamakore anopfuura 400 akapera pakati pokupera kwaMagwaro echiHebheru, anowanzonzi Testamende Yekare, nokuonekwa kwaJesu. Uye anenge makore 1 900 akapfuura, chifo apo Bhaibheri rakapedzwa.
Naizvozvo nokuda kworutivi rwuri nani rwamazana amakore 18, hatina chinyorwa chakafuridzirwa pamusoro pechiKristu. Ikoku ndiko kunoparira kusava nechokwadi pamusoro pamaKristu okunyepedzera, seadudzwa nomunyori Renwick. Zvisinei, kuri pachena kuti vanhu vanenge vainamatira kuchiKristu chapakuvamba mumazana ose amakore. Zvisinei, kune mibvunzo isina kupedzwa ine chokuita nevavariro nouchokwadi hunobvira hwavamwe vanhu vomumakore akapfuura. Zvakadiniko navatungamiriri veReformation? Nokuda kwaizvozvo, zvakadiniko navanhu vakadai saConfucius naMuhammad? Kunyange zvazvo masangano orudzidziso azvino uno achigona kutongwa zvakarurama pahwaro hwechibereko chawo, vanhu vamwe navamwe—zvikurukuru kana ivo vari vakafa kare kare—kazhinji kazhinji havangagoni.
Zvisinei, kana munyika itsva yaMwari, kuchifanira kuva kuda kwoMusiki kuti mabhuku enhau anyorwezve—kubatanidza naawo enhau yorudzidziso—kuchava kunobvira. Ikoku imhaka yorumwe runako rworudzidziso—chipikirwa chokuti vakafa vachamutswa.—Johane 5:28, 29; Mabasa 24:15.
Chimbofungidzira mufaro wokuwana mhinduro dzakarurama dzemibvunzo yedu kupfurikidza nokutaura navanhu vakamutswa vakaita chaizvoizvo zvinhu zvatakarava pamusoro pazvo mumabhuku enhau. Fungidzira kuva anokwanisa kuzadza udzame hwaishaikwa, zvakadai sezita raFarao akafira muGungwa Dzvuku uye uyo akaona madambudziko eEgipita.
Kana chinyorwa chakadaro pane rimwe zuva chichifanira kunyorwa, chichanyorerwa kupa mbiri uye kureverera nokusingagumi muvambi worudzidziso rwechokwadi, Jehovha Mwari. Hapangagoni kuva nepanikiro yaikoku. Zvisinei, mubvunzo unosara ndouyu: Uchavamo kuti ugochirava here?
Kuyemura Hakuna Kukwana
Runako rusingagumi rorudzidziso rwechokwadi harwuwanzooneka zviri nyore sezvo mashoko aCowper, anokorwa mashoko pakuvamba kwenyaya ino, angave anoratidzika kuve anoratidzira kudaro. Naizvozvo, chinyorwa chokutanga cheZion’s Watch Tower and Herald of Christ’s Presence chakaita cherekedzo inotevera makore 110 akapfuura: “Zvokwadi, seruva nyoro duku riri murenje roupenyu, rakakomberedzwa uye rinoda kuva rakavhungwa nokukura kunopararira kwamasango echikanganiso. Kudai waizoriona unofanira kusvinurira nguva dzose. Kudai waizoona runako rwaro unofanira kufuratira masora echikanganiso namakwenzi okusaziva. Kudai waizova muridzi waro unofanira kukotama kuti uritore.”
Kunokarirwa kuti “Nguva Yemberi Yorudzidziso Pakurangarirwa Kwenguva Yarwo Yakapfuura” yakabetsera varavi vedu “kufuratira masora echikanganiso namakwenzi okusaziva” kuti vanzwisise zvizere zvikuru runako rusingagumi rworudzidziso rwechokwadi.
Asi kunzwisisa hakuna kukwana. Chirevo chechiChina chakakodzera, chinoti: “Kudzidzisa kunopinda munzeve asi kwete mumwoyo kwakafanana nezvokudya zvinodyiwa mukurota.” Kana tichizobetserwa somunhu oga norunako rusingagumi rworudzidziso rwechokwadi—kwete bedzi chiroto pamusoro parwo—kunokosha kuti zvatinodzidza zvisvike mwoyo wedu, kwete bedzi nzeve dzedu.
Sanorava bhokisi rine musoro unoti “Kuziva Rudzidziso Rwako Sorwechokwadi Kana Kuti Rwenhema.” Ipapo zvibvunze umene, kuti: ‘Ko zvino ndinobvuma here kuti kana huri umambo hwenyika yose hworudzidziso rwenhema, Voltaire akanga akarurama apo iye akaidza rudzidziso kuti “muvengi worudzi rwomunhu”? Ko uku kuringa nhau yorudzidziso kwandibetsera kuziva rudzidziso rwechokwadi here, uye ndinoziva munhambo ino yapashure yenhau dzavanhu uko runogona kuwanwa here? Kana zvakadaro, ndinoda kuva akafanana nomunhu anorondedzerwa nomurongi wokunyorwa kwamabhuku wechiFrench womuzana ramakore rechi 18 Joseph Joubert, uyo “anowana makuri mufaro wake nomusengwa wake here”?’
Vose vanopindura kuti hungu kumibvunzo iri pamusoro apa ngavapfuurire kubetserwa nokurava Mukai! nezvinyorwa zvomubiyayo. Tingakukumbira kutevera zano rokuchenjera rinogoverwa neZion’s Watch Tower inodudzwa pamusoro apa: “Usagutsikana neruva rimwe rezvokwadi. Kudai rimwe rakanga rakaringana kwaizodai kusinazve. Ramba uchiunganidza, tsvaka akawanda.”
Hungu, pfuurira kuunganidza, pfuurira kutsvaka—tsvaka rwakawanda rworunako rwusingagumi rworudzidziso rwechokwadi!
[Bhokisi riri papeji 22]
Kuziva Rudzidziso Rwako Sorwechokwadi Kana Kuti Rwenhema
▪ Rudzidziso rwechokwadi runokuchidzira muvanamati varwo chisungo chisingadambuki chorudo nechinzwano chisati chichitapurwa nemiganhu yourudzi. (Johane 13:35) Rudzidziso rwenhema harukuchidziri rudo rwakadaro. Panzvimbo pezvo, mukutevedzera Kaini, mitezo yarwo inoenda ndokuurayana muhondo dzamarudzi ose.—1 Johane 3:10-12.
▪ Rudzidziso rwechokwadi runoramba rusitongorina zvamatongerwe enyika zvavanhu uye runotarira kuMusiki kuti apedze zvinetso zvenyika kupfurikidza nehurumende yake yoUmambo. Rudzidziso rwenhema runotevera muenzaniso waNimirodhi paShongwe yeBhabheri. Runozvibatanidza rumene nezvamatongerwe enyika, runovimba navanamwari vezvamatongerwe enyika vane nhau dzarwunopindira, uye nokudaro runovanzarika hwaro nokuda kworuparadziko rwarwo rumene.—Dhanieri 2:44; Johane 18:36; Jakobho 1:27.
▪ Rudzidziso rwechokwadi runoziva Jehovha saMwari wechokwadi, uyo bedzi anokwanisa kununura mudzvinyiriro. Rudzidziso rwenhema, rwakadai sorwaishandiswa muEgipita yekare neGirisi, runopa vamwari vengano vazhinji vasina maturo avo vose vasina kodzero.—Isaya 42:5; 1 VaKorinte 8:5, 6.
▪ Rudzidziso rwechokwadi runopikira upenyu husingaperi pasi pano mumufarwa. Rudzidziso rwenhema—somuenzaniso, chiBuddha—chinorangarira upenyu pasi pano kuva chimwe chinhu chisingashuviwi uye sechimwe chinhu chokusunungurwa pachiri munguva yemberi isina chokwadi.—Pisarema 37:29; Zvakazarurwa 21:3, 4.
▪ Rudzidziso rwechokwadi, kupfurikidza nebhuku raro dzvene, Bhaibheri, runozadza vanhu nokutenda kusingazununguki; runovapa tariro ine chipikirwa uye runovakuchidzirira kumabasa erudo rwechokwadi kuna Mwari nomuvakidzani. (2 Timoti 3:16 2 Timothy 3:16, 17) Rudzidziso rwenhema, pasinei hapo namabhuku aro matsvene, zvikurukuru harubudiriri mukuita zvinhu izvozvo.—1 Johane 5:3, 4.
▪ Rudzidziso rwechokwadi runoratidzirwa navatariri vanozvininipisa. Rudzidziso rwenhema runocherekedzwa navatungamiriri varwo vane gwinyiro, navane ndangariro yokuzvimirira, avo vanodisa kumonyanisa zvokwadi uye vanotsvaka mhindu yezvamatongerwe enyika kana kuti yenyika.—Mabasa 20:28, 29; 1 Petro 5:2, 3.
▪ Rudzidziso rwechokwadi, nzira yakafanira yokuzviisa pasi paMwari, runoshandisa munondo womudzimu, kwete chaiwoiwo. Rudzidziso rwenhema, pane rumwe rutivi, runobvumiranisa pane zvisina kufanira dzidziso yechokwadi, runoputsa kusatora rutivi kwechiKristu, uye runoronda itiro hanya dzavanhu kupfuura fariro dzoumwari.—2 VaKorinte 10:3-5.
▪ Rudzidziso rwechokwadi runowana mwoyo yavanhu vasingatendi kukunamatwa kwaMwari wechokwadi. Rudzidziso rwenhema runopira kumugariro wokutsoropodza, kuzvifungira norusununguko, kutungamirirwa nomufungo, uye kuda nyika.—Ruka 1:17; 1 VaKorinte 14:24, 25.
▪ Rudzidziso rwechokwadi, sorunoshandiswa neZvapupu zvaJehovha, ruri kubudirira mumudzimu sezvisakamboitwa nakare kose. Rudzidziso rwenhema, nguva dzarwo dzakashatiswa neropa riri kutambura nokudya zvisingavaki mumudzimu netsigiro iri kuderera.—Isaya 65:13, 14.
Chii chiri nguva yemberi yorudzidziso pakurangarirwa kwenguva yarwo yakapfuura? Rudzidziso rwenhema harwuna nguva yemberi. Rusiye! (Zvakazarurwa 18:4, 5) Tendeukira kurudzidziso rwechokwadi. Irwo rwuchagara nokusingaperi.