Mibvunzo Inoda Kupindurwa
PANE imwe nguva muupenyu hwako, ungave wakabvunza, kuti: ‘Kana Mwari ariko, neiko akabvumidza kutambura kwakawanda kudai? Uye neiko akakubvumidza kwenguva refu yakadai, munhau yose yomunhu? Ko kutambura kuchazomboguma here?’
Nemhaka yokusava nemhinduro dzinogutsa dzemibvunzo yakadai, vazhinji vakashatiriswa. Vamwe vakatotsauka pakudavira muna Mwari, kana kuti vanomushora nokuda kworushambwa rwavo.
Somuenzaniso, munhu akapukunyuka Kuparadza chose chose, kupondwa kwamamirioni kwakaitwa navaNazi muHondo yeNyika II, akashatiriswa zvikuru zvokuti akataura kuti: “Kana ukananzva mwoyo wangu, iwo uchakuchetura.” Mumwe murume akatambura somuuyo wechitambudzo chedzinza, icho chakaparira rufu rweshamwari nemitezo yemhuri muHondo yeNyika I, akazivisa nomutoo wokushatiriswa, kuti: “Ko Mwari akanga ari kupiko pataimuda?”
Nokudaro, vanhu vazhinji vari kunetseka. Mumurangariro wavo, kunoratidzika kuva kusingawirirani kuti Mwari worunako norudo abvumire zvinhu zvakashata kuti zviitike kwenguva refu yakadai.
Izvo Vanhu Vakaita
Ndokwechokwadi chaizvo kuti vanhu vakaita zvakashata zvikurusa mukurwisana navamwe kuburukira kumazana amakore—kureva idika, kwezviuru zvamakore. Kukura nokutyisa kweizvi zvose kunovhiringidza ndangariro.
Pepuko zvayakaenderera mberi sezvinobvumwa, vanhu vakaita zvombo zvinoramba zvichityisa zvikuru zvokuparadza kana kuti kuremadza vamwe: pfuti hurusa, pfuti dzinomwaya mabara, ndege dzehondo, matangi ehondo, zvitsika, zvipfura marimi omwoto, zvombo zvoutachiona nenyukireya. Somuuyo, muzana rino ramakore roga bedzi, hondo dzamarudzi dzakauraya vanenge vanhu vana mamirioni ane zana rimwe! Mamwe mazana amamirioni akakuvadzwa kana kuti akatambura mudzimwe nzira. Uye huzhinji hwezvinhu hwakaparadzwa, zvakadai semisha nepfuma, hahufungidziriki.
Funga nezvorusuruvaro rukurusa, kurwadziwa, uye misodzi izvo hondo yakaparira! Kazhinji kazhinji zvikurusa ndivo vanhu vasina mhaka vakatambura: vakweguru nechembere, vana, vacheche. Uye kazhinji kazhinji zvikurusa, vazhinji vakaita zvakashata havana kudanirwa kuzozvidavirira.
Munyika yose, kutambura kunopfuurira kusvikira zvino. Zuva riri rose, vanhu vari kupondwa kana kuti neimwe nzira vanoitwa vanyajambwa noutsotsi. Vanokuvadzwa kana kuti vanofira mutsaona, kubatanidza ne‘zviito zvomusikirwo’ zvakadai semadutu ane simba, mafashamo, uye kudengenyeka kwapasi. Vanotambura kusaruramisira, fungira mano yakaipa, urombo, nzara, kana kuti hosha, kana kuti mune dzimwe nzira dzakawanda.
Ko Mwari aigona sei kuve akasika chimwe chinhu—rudzi rwomunhu—rwatambura zvikurusa kwazvo, kazhinji kazhinji zvikuru, zana ramakore nezana ramakore?
Chinetso Chiri Mumuviri Womunhu
Ichi chinetso chinoonwa kunyange mumuviri womunhu. Vezvesayenzi navamwe vakaunzvera vanobvuma kuti muviri womunhu wakaitwa nomutoo unoshamisa, wakaisvonaka.
Rangarira mashomanene bedzi amativi awo anoshamisa: ziso risingadaviriki romunhu, iro risina kamera inogona kuritevedzera; uropi hunoshamisa, uhwo hunoita kuti komupiyuta yemberi-mberi zvikurusa iratidzike kuva chinhu chisiri chounyanzvi; mashandire pamwe anoita mativi madukusa omuviri pasina nhamburiko yedu yokuitira hanya; nenji rokubereka, kubereka mwana akaisvonaka—mufananidzo wavabereki vake—mumwedzi mipfumbamwe bedzi. Vanhu vazhinji vanotaura kuti ichi chinhu chounyanzvi cherongedzero, muviri womunhu, waitofanira kuve wakasikwa noMurongedzeri ano unyanzvi—Musiki, Mwari Wamasimba ose.
Asika, nomutoo unosuruvarisa, muviri mumwe chetewo unoshamisa unopera simba. Mukufambira mberi kwenguva unokurirwa nechirwere, ukweguru, uye rufu. Pakupedzisira unomwekesheka kuva guruva. Haiwa kunonzwisa tsitsi sei! Apo bedzi munhu anofanira kubetserekana namakumi amakore oruzivo rwokuzviwanira ndokuva akachenjera zvikuru, muviri unozhokoteka. Haiwa musiano unosuruvarisa zvakadini, pamugumo wawo, utano, simba, uye runako izvo muviri wakanga une simba nokuda kwazvo pamavambo awo!
Neiko Musiki ane rudo aizoita chimwe chinhu chakaisvonaka somuviri womunhu, kuti chigoguma bedzi nomutoo unosuruvarisa zvikuru kudai? Neiko aizosika muviri unovamba zvakaisvonaka, une simba zvikurusa, asi unoguma nomutoo wakashata zvikuru kudai?
Matsanangurire Anokuita Vamwe
Vamwe vakataura kuti uipi nokutambura midziyo yaMwari yokuvandudza vara redu kupfurikidza nenhamo. Mufundisi weMethodist akabvuma, kuti: “Kuripirwa kwezvakanaka nokuda kwezvakashata rutivi rwerongedzero yaMwari yoruponeso.” Akaita ikoko kuvaka vara ndokuponeswa, vanhu vakanaka vanofanira kutambura nezviito zvavanhu vakashata sorutivi rwerongedzero yaMwari.
Asika baba vano rudo vohunhu vaizoedza kuvandudza vara ravana vavo kupfurikidza nokurongedzera kuvaita kuti vaitwe vanyajambwa kupfurikidza netsotsi roupengo here? Rangarirawo, kuti vechiduku vazhinji vanourawa mutsaona kana kuti vanopondwa kana kuti vanofira muhondo. Vanyajambwa vechiduku ivavo havasati vangavazve nebanza rokuvandudza vara ravo nokuti vangave vafa. Naizvozvo pfungwa yokuti kutambura kunobvumirwa nokuda kwokuvandudza vara haisati ichiita mufungo chaizvoizvo.
Hakuna baba ano mufungo naano rudo angada kuti kutambura kana kuti ngwavaira zviwire pavadikanwi vake. Kureva idi, baba angarongedzerera vadikanwi vake kuti vatambure nokuda kwoku‘vaka vara’ angarangarirwa kuva asingakodzeri, kunyange anopenga.
Ipapoka nomutoo uno mufungo kungataurwa here kuti Mwari, Baba vakuru vano rudo, Musiki wokuchenjera kwose wechisiko chapose pose, noune angarongedzera kutambura sorutivi rwe‘rongedzero [yavo] nokuda kworuponeso’ here? Ikoko kungava kubatanidza utsinye hwokunyanyisa nevara rinotyisa kwaari, vara iro isu tose tinowana risingagamuchiriki kunyange muvanhu vakaderera.
Kuwana Mhinduro
Ndokupiko kwatingatendeukira nokuda kwemhinduro dzemibvunzo yakapoteredza kubvumidza kwaMwari kutambura nouipi? Mibvunzo yacho zvainobatanidza Mwari, kuno mufungo kuona icho iye amene anogovera munzira yemhinduro.
Tinowana sei mhinduro dzake? Kupfurikidza nokuenda kumanyuko ayo Mwari anotaura kuti akanyora senhungamiro nokuda kwavanhu—Bhaibheri Dzvene, Magwaro Anoyera. Pasinei hapo neizvo munhu angafunga pamusoro pamanyuko iwawo, akakodzerwa nokunzverwa, nokuti, sokutaura kwakaita muapostora Pauro, kuti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobetsera . . . nokuda kwokururamisa zvinhu.” (2 Timotio 3:16, NW) Akanyorawo, kuti: “Apo imi makagamuchira shoko raMwari, iro makanzwa kwatiri, imi makarigamuchira, kwete seshoko ravanhu, asi, sezvariri chaizvoizvo rezvokwadi, seshoko raMwari.”a—1 VaTesaronika 2:13, NW.
Kuwana mhinduro dzemibvunzo pamusoro pokubvumidzwa kwokutambura kunopfuura basa roungwaruwo zvaro. Mhinduro dzinoisvokosha kukunzwisisa kwedu zviri kuitika iko zvino panyika, zvichaitika munguva yemberi iri pedyo, uye kuti mumwe nomumwe wedu anotapurwa sei.
Mutoro uri kwatiri timene kurega Bhaibheri, kurukurirano yaMwari nemhuri yavanhu, richitaura iro rimene. Chii, ipapoka, charinotaura pamusoro pokuti kutambura kwakavamba sei uye nei Mwari achikubvumidza?
Chinhu chikurusa chokunzwisisa mhinduro chine chokuita namaitirwe atakaitwa mundangariro nomupfungwa. Bhaibheri rinoratidzira kuti Musiki akaisa mumuumbirwe wedu savanhu iri vara rinoisvokosha: chishuvo chorusununguko. Ngatirangarirei nokupfupikisa chinobatanidzwa chaizvoizvo muchisarudzo chokuita zvaunoda nokuda kwavanhu uye kuti ikoku kune chokuita sei pakubvumidza kwaMwari kutambura.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwekurukurirano youfakazi hwokuti Bhaibheri rakafuridzirwa nomutoo woumwari, onai bhuku rinonzi The Bible—God’s Word or Man’s?, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.