Rutivi 1
Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?
1, 2. Vanhu vanobvunza mubvunzoi pamusoro paMwari, uye neiko?
PANE imwe nguva muupenyu hwako, ungave wakabvunza, kuti: ‘Kana kuna Mwari anotiitira hanya zvomenemene, neiko achibvumidza kutambura kukuru kwazvo?’ Tose zvedu takatambura kana kuti takaziva mumwe munhu akadaro.
2 Zvamazvirokwazvo, munhau yose vanhu vakatambura marwadzo nokurwadzwa mwoyo kunoparirwa nehondo, utsinye, utsotsi, kusaruramisira, urombo, chirwere, uye rufu rwavadiwa. Muzana redu ramakore rechi20 bedzi, hondo dzakauraya vanhu vanopfuura mamirioni 100. Mazana amamirioni avamwe akakuvadzwa kana kuti akarasikirwa nemisha nepfuma. Zvinhu zvakaipa zvakawanda zvikuru zvakaitika munguva yedu, zvichiguma norusuruvaro rukuru, misodzi yakawanda, uye pfungwa yokusava netariro kwezviverengero zvisingaverengeki zvavanhu.
3, 4. Ko vakawanda vanorangarira sei pamusoro pokubvumidza kwaMwari kutambura?
3 Vamwe vanova vanoshatiriswa uye vanorangarira kuti kana kuna Mwari, haatiitiri hanya zvomenemene. Kana kuti ivo vangatorangarira kuti hakuna Mwari. Somuenzaniso, munhu akatambura chitambudzo chorudzi icho chakaparira rufu rweshamwari nemhuri muHondo yeNyika I akabvunza, kuti: “Mwari akanga aripiko apo taimuda?” Mumwe, akapukunyuka kupondwa kwamamirioni kwakaitwa navaNazi muHondo yeNyika II, akarwadziwa zvikuru nokutambura kwaakaona zvokuti akati: “Kudai waigona kunanzva mwoyo wangu, waizokuchetura.”
4 Nokudaro, vanhu vakawanda havagoni kunzwisisa chikonzero nei Mwari akanaka angabvumidza zvinhu zvakashata kuitika. Vanopanikira kana iye achitiitira hanya zvomenemene kana kuti iye achitongovako. Uye vazhinji vavo vanorangarira kuti kutambura kuchagarova rutivi rwokuvapo kwomunhu.
[Mufananidzo uri papeji 2, 3]
Ko nyika itsva isina kutambura yava pedyo here?