Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndinogona Sei Kuita Kuti Musikana Arege Kundinetsa?
JOSEFA akanga ari jaya rinodikanwa. Rinobishaira, rinovimbika, uye rakatsvinda, akanga achidiwa zvikuru nomunhu ari wose waaishanda naye. Chinetso chakanga chiri chokuti, mudzimai womubatirwi akanga achikwezwa naye. Kuringa kwake kworudo kwakaramba kuchiva kwoushingi; kutaura kwake kworudo kwakaramba kuchikura.
Josefa akaedza kufuratira zvikarakadziro zvake zvevatano, asi rimwe zuva kubasa, akazviwana amene ari oga pamwe chete naye. Akanga asanokukuronga; hapana mumwe munhu aiva pedyopo kwamaawa. Josefa asati aziva chakanga chichiitika, iye akanga achimuratidzira ruchiva rwake, achimukumbira kuvatana naye!—Genesi 39:7-12.
Ichi chinoitika chaichoicho chakaitika anopfuura makore 3 500 akapfuura. Asi zvinoitika zvakafanana zviri kuitika zuva riri rose muchikoro nokubasa. Kunyange zvazvo manyuko enhau akataura zvakawanda pamusoro pokunetsa kwavakadzi—uye kwakanaka kuti kuri kutaurwa—chinetso chinowanzofuratirwa ndicho chinetso chevatano chemajaya.a Zvakune simbiso yazvino uno yenzanga pavatano nokuenzana kwavakadzi, netsika dzayo dziri kushata uye mipimo yenzanga, kunofanira kukarirwa kuti majaya mazhinji ashume kuti ave ari zvipfuro zvedenho yorudo inoparirwa navanhukadzi.
Mamwe majaya anoratidzika kuva anobvuma uku kuchinjwa kwomugariro; ivo vanonyengedzwa nokupa ngwariro kwechikadzi. Zvisinei, pwere dzechiKristu dzinoomerera kumipimo yeBhaibheri yetsika dzevatano. Hadzidi kunetswa navakadzi vane ushingi vane madonzo outere. Mubvunzo ndowokuti, Dzinogona sei kudzivisa chinetso chakadaro?
Neiko Ikoku Kuchiitika Kwandiri?
Bhaibheri rinoti: “Runako rwamajaya ndiro simba ravo.” (Zvirevo 20:29, NW) Rutsvindo rwepwere, runova pamwe chete norucheno rwetsika rwejaya netsika dzechiKristu, zvinogona kuva zvinokwezva zvikuru kumukadzi. Vamwe vangatorangarira kushatswa kworucheno rwepwere yechiKristu sedenho inofadza.
Ipapo pane pesvedzero yenzanga yazvino uno. Mabhuku mazhinji nenyaya zvinonyorwa kuti zvibetsere vasikana kubata ngwariro yavanhurume. Magazini avachiri kuyaruka anokurudzira chaizvoizvo vasikana kutamba nomutoo worudo nomutoo wokusanyara. Magazini inonzi Seventeen yakazivisa, kuti: “Kutamba kworudo inzira huru yokuzivisa nayo mumwe munhu kuti wamuwana . . . inokwezva. . . . Inogona kuparira ushamwari kana kuti kudanana.” Mipimo yakaitwa namanyuko enhau uye zvimiro zvakashata zvetsika zvinoshandawo kuti zviparadze simba retsika ramajaya. Munyori Kathy McCoy anoti: “Nzanga yose navabereki uye vezera rimwero zvikurukuru vanoshivirira kazhinji kazhinji zvikuru vatano muvakomana. Dzimwe nyanzvi dzinodavira kuti vakomana vanowana rukurudziro rwusingataurwi . . . kuti vave vanoshingaira muvatano.”
Kunyanguvezvo, Shoko raMwari rinoraira pwere kuti dzirambe dzakachena. “Izvi ndizvo zvinoda Mwari, kutsveneswa kwenyu, kuti murege ufeve.” (1 VaTesaronika 4:3, NW) Haungagoni kubvumira pesvedzero dzenyika ino kuti dzikutsause! Ipapoka, chii chaunofanira kuita kana mumwe munhu womutezo wakasiana akaita zvikarakadziro zvevatano kwauri murudo?
Chikonzero Nei Kwakaoma Kudzivisa
Nepo varume vave vachiwanzokurira munyama vakadzi avo vanodzivisa zvikarakadziro zvevatano, vakadzi havawanzokurira varume kudaro. Neiko, ipapoka, kwakaomera zvikuru jaya kudzivisa musikana anodenha?
Chikonzero chimwe ndechokuti ‘mwoyo unonyengera.’ (Jeremia 17:9) Sokubvuma kwakaita Wayne muduku, kuti: “Unenge unoshuva rudzi irworwo rwengwariro. Runokupa kunzwa kwoushamwari kwokuziva kuti mumwe munhu anofarira. Runenge rwunobata kumeso.” Chokwadika, kunongova bedzi kwomuzvarirwo kufarikanya ngwariro yomunhukadzi. Asika unangwarira! Mwoyo wako unonyengera ungaparira izvi zvishuvo zvomuzvarirwo kukurira chaunoziva mundangariro mako kuva chakarurama. (Jakobho 1:14, 15) Usati wakuziva, ungatungamirirwa ‘senzombe inoenda kwainondobaiwa’!—Zvirevo 7:22.
Nokudaro Zvirevo inonyevera majaya kuti adzivise “kubata kumeso kworurimi rwomutorwa [woutere]. Usachiva kunaka kwake mumwoyo mako; arege kukubata namafungiro ameso ake.” (Zvirevo 6:24, 25) Ipapoka, chinhu chikuru ndechokudzora mwoyo wako umene nezvishuvo. (1 VaTesaronika 4:4-6) Bedzi kana uchitendiswa zvizere kuti utere hwevatano hahugoveri chimwe chinhu kunze kwe“nzira dzinoenda Sheori,” kana kuti rufu, unogona kumisa dziviriro inopwisa neinobudirira.—Zvirevo 7:27.b
Kubata Nedzvinyiriro Yacho
“Vasikana vanopfuurira; vanoramba vachidzoka,” rakadanidzira kudaro rimwe jaya. “Vanokupa rumbidzo zhinji uye vanoshandisa bata kumeso hurusa.” Bata kumeso yanguve iri chombo chomukadzi anoshaiwa mwero. Unonyanyotapurika kwairi here? (Zvirevo 26:28) “Uchenjeri huri kuna vanozvininipisa,” inodaro Zvirevo 11:2, uye kana une kuzvirangarira kune mwero, uchava asingatapuriki kukubata kumeso kusina maturo.
Asika unotaurei apo musikana anokurumbidza pamusoro pebvudzi rako, chimiro, kana kuti kunyemwerera? Zvimwe hapana vavariro yakavanzika inobatanidzwa. Uye dzisati dzichida kuratidzika kuva dzinozvitutumadza, dzimwe pwere dzinongoonga bedzi musikana nokuda kwerumbidzo dzake—nokukurumidza ndokuchinja kurukurirano yacho. Kunyange zvakadaro, ngwarira kupa mufungo wokuti unofarikanya kutaura kworudo.
Padzimwe nguva nhano dzakakomba dzinodikanwa. Vamwe vanobata nenhau yacho nomutoo wakananga nokukurumidza sokunobvira. Neiyi nzira vanodzivisa kurebesa mugariro unotova wakashata. “Ini handifariri kuva nomusikana iye zvino” imhinduro yakananga yaDaniel muduku.
Kwanguve kuchitaurwa kuti dziviriro yakanakisisa idenho yakanaka. Mumwe munzveri anopa iyi pangiro: “Kuita kuti mumwe munhu arashikirwe nefariro yake yorudo kwechigarire, pinda mukurukurirano yorudzidziso.” Zvamazvirokwazvo, kana uchizivikanwa somumwe anowanzokurukura zvitendero zvako zvorudzidziso, uchava asingatongonyanyodenhwi. Uye zvisinei hazvo kana mumwe munhu akatsunga kukusvika, kutaura kwakananga zvitendero zvorudzidziso rwako kuchamusakisa kurega pakarepo.
Sezvineiwo, pwere dzechiKristu padzimwe nguva dzinokundikana kushandisa iyi dziviriro yakaisvonakisisa. Anodaro Tim muduku: “Vazhinji vedu vanosangoda havo kutaura kuti, ‘Onaka! ini ndiri muKristu, uye handidi kuita izvi.’ Tinoda kuva vakafanana nomunhu ari wose.” Uyezve, kana uchitendiswa bedzi zvomenemene kuti nzira yaJehovha yakanakisisa uchava noushingi noutsungi hunodikanwa kupukunyuka ngwavaira yetsika.
Kupukunyuka Musungo!
Zvakadiniko kana, pasinei hapo nenhamburiko dzako dzakanakisisa, denho ikapfuurira? Eya, rangarira zvakare muenzaniso wejaya rakurukurwa pakutanga—Josefa. Genesi 39:6 inotiudza kuti iye “wakanga ane muviri wakanaka, akanakawo pachiso” uye akakwezva ngwariro yomudzimai womwene wake, Potifari. Akaita chinhu chiri chose chinomubvirira kuti amunyengedze. Uye Bhaibheri haripi chiratidzo chokuti iye akanga akashata kana kuti munzira ipi neipi anosembura kuna Josefa. Bva, akadzivisa zvikarakadziro zvake zvevatano. Akanga achikwanisa sei kudaro?
Kutanga, Josefa akanga akatsiga muzvitendero zvake. “Ndingagona sei kuita ichi chinhu chikuru ndokutadzira Mwari chaizvoizvo?” iye akadaro. Kunyange zvazvo kwakanga kusina mutemo chaiwoiwo wakanyorwa unorambidza vatano yapamberi peroorano panguva iyeyo, hana yake yakamuudza kuti icho mudzimai waPotifari aida kuita chakanga chakashata. Zvisinei, akapfuurira. Mukupererwa nezano rose akabata nguvo yake ndokumuteterera, kuti: “Vata neni!” Josefa haana kupedza nguva nokuedza kurerutsa mugariro wacho nomusere, uyewo iye haana kumutaurira pamusoro petsika. Pakarepo “akasiya nguvo yake iri muruoko rwake ndokutiza.”—Genesi 39:9-12, NW.
Josefa akanga achikwanisa kubva nokukurumidza nokuti iye haasati aifanira kusarudza chokuita. Chisarudzo chake chakanga chatoitwa. Akasarudza kutambura miuyo yehasha dzake panokusafadza Jehovha. Uye miuyo yacho yakanga ichirwadza; Josefa akaiswa mujeri! Asi Jehovha akakomborera nhamburiko dzake dzokuramba akachena. Pakupedzisira iye akava mutezo wakatanhamara womudare raFarao uye akabatanidzwazve nemhuri yokwake yakarasika kwenguva refu.
Nhamburiko dzako dzokuramba “usina chaungapomerwa uye usina mhaka . . . pakati pechizvarwa chakakombana nechakamonyana” nenzira yakafanana dzichakomborerwa naJehovha. (VaFiripi 2:15, NW) Pasinei hapo nokuti zvinhu zvingaratidzika sei pakutanga, nzira yakanaka nguva dzose ichaguma nechikomborero. Asi iwe unofanira kuva akashinga kuramba wakachena sezvakanga zvakaita Josefa. Unofanira kusimbirira uye kupfuurira munhamburiko dzako, uchiita kuti ‘Kwete wako areve Kwete.’ (Mateo 5:37) Unofanira kuva akagadzirira uye anodisa kugovera zvitendero zvako zvakavakirwa paBhaibheri. Kana ukaita kudaro, kunyange akaisvoshinga wavasikana achanzwisisa nomutoo wakajeka—uye angarega kukunetsa!
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwamashoko pamusoro pokuti vasikana vanogona sei kudzivisa mufambiro wokudenha unoitwa navakomana, ona nyaya inoti “Ndinogona Sei Kuita Kuti Mukomana Arege Kundinetsa?” inotangirei muchinyorwa chino chaMukai!
b Ona ganhuro 23 ne 24 yebhuku rinonzi Questions Young People Ask—Answers That Work, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Mufananidzo uri papeji 18]
Unoita sei kuzvikarakadziro zvorudo zvoutere?