RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g92 2/8 pp. 21-26
  • Manyuko Emipimo Yechokwadi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Manyuko Emipimo Yechokwadi
  • Mukai!—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Neiko Munhu Akasiana Zvikuru Zvakadaro?
  • Mipimo Yokudzora Kuputsika Kwetsika
  • Rudzidziso Nemhuri Zvinogona Kubetsera Here?
  • Bviro Yemipimo Yakanyorwa Mumano Edu Anogarwa Nhaka
  • Vezvesayenzi Vanoona Zvakavanzika Izvo Mwari Bedzi Anogona Kutsanangura
  • Tsvaka Mwari, Zvibetsere Umene, Rarama Nokusingaperi
  • Kuva Netsika Dzakanaka
    Mukai!—2019
  • Kutsigiswa Nemitemo Yetsika Isingachinjwi Nenguva
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • 7 Tsika Neunhu
    Mukai!—2018
  • Hurumende Ichachengeta Tsika Dzinodiwa naMwari
    Mukai!—2003
Ona Zvimwe
Mukai!—1992
g92 2/8 pp. 21-26

Manyuko Emipimo Yechokwadi

Kushandiswa Kwayo Kuchapedza Kuputsika Kwetsika

MUNHU anotarira mudenga rousiku rakazara nenyeredzi, uye anozadzwa norutyo nokushamisika. Sezvaanotarira iri denga rakazara nenyeredzi riri kumusoro zvikuru, anonzwa ari muduku uye asingakoshi. Mashoko owezvamapisarema akataurwa kare kare angatodzokera kwaari: “Kana ndichiona matenga enyu, iro basa reminwe yenyu, mwedzi nenyeredzi zvamakarongedzera; munhu anofa chiiko pamunomufunga, nomwanakomana womunhu wapasi zvamunomuitira hanya?” (Pisarema 8:3, 4) Wezvamapisarema akaona zviuru zvishomanene zvenyeredzi ndokunzwa ari muduku; munhu zvino anoziva kuti kuna mabhirioni amakwara enzou ana mabhirioni enyeredzi murimwe nerimwe, uye anonzwa ari muduku zvikuru. Mibvunzo ingaungana mundangariro yake: ‘Ndinogona sei kukosha? Neiko ndiri pano? Ndiri ani chaizvoizvo?’

Asi hakuna mhuka ine mifungo yakadaro.

Munhu anotarira pamhatsa imene youpenyu hwakamupoteredza ndokucherekedza kuitwa kunoshamisa kwokupedza madonzo anoshanda. Iye anoona shiri idzo dzinobhururuka zviuru zvamakiromita, mhuka dzinovanda mukutonhora kwose kwomuchando, uye zvimwe zvimiro zvakawanda zvoupenyu izvo zvakashandisa ngarava dzinoita chamunyurududu, michina inoita kuti mhepo ikodzerane nomugariro wokunze, kufambiswa kwamajeti, kubvisa munyu mumvura ine munyu, zvinhu zvinoiswa mvura kuti isanyanyotonhora, zvimiro zvakafanana nezvinhu zvinoshandiswa kuchengeta upenyu mumvura, zvinhu zvokuchengetera vana vanoberekwa nguva isati yakwana, mathermometer, mapepa, magirazi, mawachi, macompass, magetsi, michina yerotari, uye zvimwe zvinoshamisa zvakawanda zvinopfuura zvikuru izvo munhu akafungidzira nezvazvo. Vanhu vanofunga vanoshamisika, kuti: ‘Izvi zvigadzirwa zvinoshamisa, zvakaoma zvikuru, zvine donzo zvakavapo sei? Ungwarui hukuru hunozvitsigira?’

Zvakare, hakuna mhuka inopa mifungo kuchipi nechipi chaikoku.

Asi munhu anodaro. Neiko munhu, pazviuru zvose zvezvisikwa pasi pano, iye oga anoshamisika mukutya ndokushamisika pamatenga ari kumusoro nezvakavanzika zvoupenyu zviri pasi pano? Neiko? Nemhaka yokuti munhu akasiana.

Neiko Munhu Akasiana Zvikuru Zvakadaro?

Nemhaka yokuti iye oga akasikwa mumufananidzo norufanano zvaMwari: “Uye Mwari akati: ‘Ngatiite munhu nomufananidzo wedu, mukuwirirana norufanano rwedu.’” (Genesi 1:26) Ikoku kunotsanangura musiano usingachinjiki pakati pomunhu nemhuka. Kunotsanangura chikonzero nei pasina chimwe chisikwa pasi pano chiri kure zvikuru nomunhu. Kunotsanangura chikonzero nei munhu ari chisikwa chinofunga, anobvunza mibvunzo pamusoro penyika yakamupoteredza, uye anozviitira hanya amene nemipimo yetsika.

Munhu ari mumufananidzo norufanano naMwari munzirai? Kuri kupfurikidza nokuva nezviratidzo namamwe amavara aMwari, akadai sorudo, ngoni, ruramisiro, uchenjeri, simba, mutsa, runako, shiviro, kuvimbika, uzvokwadi, kutendeseka, kushanda nesimba, uye kuparira kuvapo. Iwaya akanga ari mavara akanaka akaiswa pakuvamba mumunhu, asi nokushandisa zvisina kufanira kwavaviri vokutanga vohunhu rusununguko rwokusarudza, kuchiparira kupandukira kwavo, aya mavara akashatiswa uye nokudaro haana kupfuudzirwa mukukwana muvazukuru vavo. Vakabviswa mudzikamo, uye kupfurikidza nokushandisa kusina kufanira vamwe vakapererwa nokuziva. VaKorose 3:9, 10 inoratidza, zvisinei, kuti kupfurikidza nokuwana zivo yakarurama yaMwari ndokuishandisa, tinogona kupfeka hunhu hutsva uye zvakare ndokusvika ‘mumufananidzo norufanano zvaMwari.’

Apo Jehovha Mwari akapa vaIsraeri Mutemo waMosesi, waibatanidza mipimo yechokwadi, pakati payo Mirairo Gumi nepangiro yoku‘da muvakidzani wavo saivo vamene.’ (Revhitiko 19:18; Eksodho 20:3-17) Mipimo iyoyi yaifanira kupfuudzwa senhaka kuzvizvarwa zvomunguva yemberi. Mosesi akaudza vaIsraeri kuteerera Mutemo iwoyu, uye akatizve: “Raira vanakomana vako kuti vangwarire kuita mashoko ose ouyu mutemo. Nokuti haasati ari asingakoshi kwauri, asi anoreva upenyu hwako.” (Dheuteronomio 32:46, 47) Mazana amakore gare gare, Zvirevo 8:18 yakanongedzera kwaari se“mipimo yenhaka.”

Mipimo Yokudzora Kuputsika Kwetsika

Vazhinji vanoramba, zvisinei, kuti nzanga zvino yakasiana kwazvo zvokuti hakuna munhu akagadzwa nezvemipimo aizofukidza zvinodikanwa zvomunhu ari wose. Migariro yakasiana-siana nemiitiro zvinoraira mhatsa yakafara yemipimo, vanopokanidza kudaro. Asi chinetsoi chazvino uno chaisazotera kumuitiro womurairo waJesu wokuda muvakidzani wako sewe umene? Kana kuti wokuitira vamwe sezvawaizoda kuti vakuitire? Kana kuti kurega nheyo dziri muMurairo Gumi? Kana kuti kunanga kubereka zvibereko zvomudzimu zvakarongwa pana VaGaratia 5:22, 23: “Zvibereko zvomudzimu ndizvo rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora. Hakuna mutemo unopesana nezvinhu zvakadaro.” Hakuna nechimwe chaizvozvi chiri kukumbira chinhu chipi nechipi chisingabviri; chipi nechipi chazvo chaizobvisa mwero wakakura wenhamo dzazvino dzenzanga.

‘Asi vanhu havasati vachizorarama nenzira iyoyo!’ ungadaro. Zvisinei, kana uchifunga kuti mhinduro dzakadaro dzakaoma zvikuru, usakarira zvinetso kupedzwa nezvinotsiva zviri nyore. Kuri musimba renzanga kushandisa iyi mishonga, kunyange zvazvo sezviri pachena kusiri kuda kwayo kuita kudaro. Ichi chizvarwa hachiisi ganhuriro parusununguko rwacho, kubatanidza rusununguko rwacho rwokuita chisina kururama ndokutambura miuyo.

Pepa rinonzi Bottom Line/Personal rinobvunza, kuti: “Chii Chakatomboitika Kukuzviganhurira Kwomunhu Oga?” Pashure pokutsinhira kuti “vanhu vazhinjisa vanonyangadzwa nemiuyo yenhambo yedu inobvumira vatano,” rinopfuurira, kuti: “Bva vanhu vanopfuurira kuyeresa ukoshi hwokupinda muzvishuvo zvevatano kusvikira kumwero wakazara zvikuru. . . . Vanhu vanokarirwa kuzvinyima zvokudya, kuita mitambo yokurovedza miviri, kurega kusvuta fodya, kuzviranga vamene pamusoro penzira yavanorarama nayo nokuda kwoutano hwavo. Mufarwa wevatano bedzi unoratidzika kuva wakapiwa mugariro unoremekedzwa nokuda kwokupinda kusina kuganhurirwa kunopfuurira.” Hakusati kuri kuti havagoni kushandisa mipimo; kuri kuti havasati vachizodaro. Naizvozvo nzanga inodyara uye inokohwa.

Nhasi iyi mipimo yakawira muruzvidzo. Vazhinji vanodana zvakaipa kuti zvakanaka uye zvakanaka kuti zvakaipa, sezvakadeya kutaurwa kuti vaizodaro: “Vane nhamo vanoti zvakanaka ndizvo zvakaipa, uye zvakaipa kuti ndizvo zvakanaka, avo vari kuisa rima panzvimbo yechiedza nechiedza panzvimbo yerima; avo vari kuisa zvinovava panzvimbo yezvinotapira nezvinotapira panzvimbo yezvinovava!” (Isaya 5:20) Vamwe, zvisinei, vane itiro hanya dzinokura. Vanoona miuyo yakaora inobva muuzivi hwokuti ita chinhu chako umene uye vanoda kuona kudzoka kwokuputsika kwemipimo kwazvino.

Rudzidziso Nemhuri Zvinogona Kubetsera Here?

Mapurogiramu mazhinji anopiwa nokuda kwokudzorerwa kwemipimo. Imwe rudzidziso. Nenzira inofungidzirwa ichagovera simba romudzimu. Asi simba iroro harisati richizowanika mumarudzidziso echiJudha echiKristudhomu. Mamwe akadzokera muchihedheni chokumutsidzira kutuka Mwari kwakadaro kwakadai soUtatu, chitambudzo chisingagumi, uye mweya usingafi. Mamwe akarega rudzikinuro nechisiko achitera kurudzidziso rwezvesayenzi rwemhindumupindu. Anogamuchira kutsoropodza kukuru uko kunozvidza perero yeShoko raMwari, Bhaibheri. Anogovera “chiKristu” chakaderedzwa uye chakashatswa zvokuti hakuna chinhu chinokosha chinosara, uye chizvarwa chiduku chinoona unyengeri bedzi nokuzvidza kukuru. Aiwa, hakusi kumarudzidziso akaneta akadaro kwatinofanira kutarira nokuda kwesimba romudzimu asi kukunamata kumwe bedzi kwechokwadi kwakavakirwa paBhaibheri kunozivisa Umambo hwaJehovha setariro bedzi yenyika.

Kunosara, zvisinei, mamwe manyuko ebetsero yavanhu vanoitira hanya, uye iwaya imhuri, kuronga umo vabereki vanogona kupinza mipimo muvana vavo. Batano yakavamba pakuberekwa inofanira kupfuurira. Vana vanoda uye vanovimba navabereki vavo vanoda kuva vakafanana navo, kutevedzera nzira yavanotaura nokuita nayo, kutevedzera mufambiro wavo, uye kupinza tsika dzavo, uye pashure penguva yakati mipimo youbereki inova inobatanidzwa mutsika yemipimo yavana. Tsananguro dzakapfava, kwete zvidzidzo zvakazadzwa namashoko; kurukurirano yechinjano, kwete mashoko okuraira, kusvika kunobudirira.

Vabereki vasingaparidziri bedzi asiwo vanoshandisa mipimo yechokwadi vachava navana vakabatanidza mipimo iyoyo mukati mavo vamene. Vana vakadaro havasati vachizoiswa mungozi nemienzaniso yakashata yebasa yavezera ravo rokuchikoro kana kuti kune imwe nzvimbowo zvayo. Sokutaura kunoita Zvirevo 22:6, (NW) kuti: “Rovedza mukomana mukuwirirana nenzira yake; kunyange paanokwegura haasati achizotsauka pairi.” Rovedzai nezano rinokosha. Chinokosha zvikuru, rovedzai nomuenzaniso unokosha.

Bviro Yemipimo Yakanyorwa Mumano Edu Anogarwa Nhaka

Jesu akati: “Vanofara avo vanoziva chinodikanwa chavo chomudzimu.” (Mateo 5:3, NW) Ndichinodikanwa chakaiswa matiri, sokutaura kwakaita dzimwe nyanzvi dzedzidzo yokurapwa kwezvirwere zvendangariro. Ndokwechokwadiwo kuti tichakwanisa kudzivisa mipimo yenhema inotsigirwa nhasi kupfurikidza bedzi nesimba romudzimu.

Mukuwirirana neidi rokuti takasikwa mumufananidzo norufanano zvaMwari, nebviro yemipimo yokuberekwa nayo iri matiri, Thomas Lickona, purofesa wedzidzo, anoti: “Ndinofunga kuti mwero worunako uripo kubvira pamavambo.” Asi iye anowedzera kuti “vabereki vanofanira kutarisira mano okuberekwa nawo iwayo kungofanana nezvavanobetsera vana vavo kuva varavi vakanaka kana kuti vamhanyi kana kuti vaimbi.”

Mubudisi weTV Norman Lear akanga ari mukurukuri anoshanya kukokorodzano yamarudzi yeNational Education Association. Pashure pokubvuma “chinetso chavanhu ivavo vakaoma zvikuru, vakadzidza zviri nani vari pakati pedu—avo vakarega kutsvaka donzo rinopfuura rohunhu seduku kana kuti risina maturo,” iye akati: “Handina chinetso chokusvika mhedziso, munhau yomunhu, yokuti mhinduro kuupenyu, yoMunhu, kombamiro yokudavira muchimwe chinhu chinokosha zvikuru kupfuura munhu amene, yakasimba kwazvo uye hairambiki sokuva rutivi rwenzira yatakaitwa nayo nenzira yamavara akagarwa nhaka.”

Lear anopomera bhizimisi guru namakumi mana amakore eterevhizheni nokupinza “tsika itsva yomupimo” inopesvedzera kwazvo patsika dzavose nemipimo yomunhu oga iyo kushata kwenzanga kwakava muuyo: zvikoro namakoreji izvo zvinoita kuti vanhu vapedze kufunda vasingagoni kurava nokunyora; kushandiswa kunowedzera kwemirimo; vasikana vachiri kuyaruka vasina kuroorwa vachiva navana; uye mhuri dzisina mari yadzakachengeta dzichipinda zvikuru muchikwereti. Lear ipapo anowedzera, kuti: “Patinotaura nezvezvakaipa zvine zana zvenzanga—ndinofunga kuti tingave tichitaura pamusoro petsika yemipimo yakaderera iyo, nebetsero yeterevhizheni, yakasvika pakurega tsika yose.” Uye zvakare iye akataura kuti iye “akadavira kuti, chakasimbiswa mumavara edu akagarwa nhaka ndicho chitendero chokuti pane simba guru zvikuru nechakavanzika zvinoumba upenyu hwedu, uko ngwariro inofanira kupiwa.”

Nyanzvi yakatanhamara yezvedzidzo yokurapwa kwezvirwere zvendangariro C. G. Jung yakataura kuti rudzidziso “chimiro chinobatanidza chechienzi kuvanhu, uye ratidziro yacho inogona kuteverwa munhau yose yomunhu.” Simba rokuberekwa narowo ihana iyo inonzwa chakarurama nechisina kururama: “Nokuti papi kana papi apo vanhu vamarudzi vasina mutemo vanoita nenzira yomusikirwo zvinhu zvomutemo, ava vanhu, kunyange zvazvo vasina mutemo, ivo mutemo kwavari ivo vamene. Ivo ndivo vanhu vanoratidzira donzo romutemo unofanira kunyorwa mumwoyo mavo, apo hana yavo inopupurirana navo uye, pakati pemifungo yavo vamene, vari kupomerwa mhaka kana kuti kunyange kupembedzwa.” (VaRoma 2:14, 15) “Hana” “kuziva mukati mako umene” kufanana nedare romukati reruramisiro rakaunganidzwa mukati medu kuti riite zvisarudzo pamufambiro wedu, richitipomera kana kuti kutipembedza. Kana, zvisinei, tikaratidza “kuzvidza dare” nokuda kwehana yedu, kunzwa kwaro kuchava kwakaoma uye kusingashandi.

Vezvesayenzi Vanoona Zvakavanzika Izvo Mwari Bedzi Anogona Kutsanangura

Chinofadza zvikuru iidi rokuti sezvo sayenzi inodzidza zvakawanda nezvepasi nechisiko chapose pose, vamwe vezvesayenzi vanokweverwa kuchitendero chokuti nyakuchenjera mukurusa anofanira kuchitsigira. Vanotsamwiswa, zvisinei, pakugamuchira Mwari weBhaibheri.

Nyanzvi yokurapwa kwezvirwere zvendangariro George Greenstein, mubhuku rake rinonzi The Symbiotic Universe, akaratidza “muudzame chinogona bedzi kuratidzika kuva nhevedzano inokatyamadza yetsaona dzinoshamisa nedzisingakarirwi idzo dzakazarura nzira yekurumidziro youpenyu. Kune ndaza yezvinoitika zvapanguva imwe cheteyo, zvose zvinokosha kukuvapo kwedu.” Greenstein akati ndaza yacho inokura, zvinoitika zvacho zvaisagona kuva netsaona, uye mufungo wakakura wokuti mukoto wakati unopfuura wohunhu wakanga uchishanda. “Kunobvira,” akafunga kudaro, “kuti kamwe kamwe, tisingadi kudaro, takagumburwa nechibvumikiso chezvesayenzi chokuvapo kwaNyakuvapo Mukurusa here? Akanga ari Mwari here akapindira uye naizvozvo ndokushanda nenzira yokuchenjera chisiko chapose-pose nokuda kwokubetserwa kwedu?” Akanzwa “kusemburwa kukuru” pamufungo wakadaro ndokuti nenzira yokukurumidzira kusarudza: “Mwari haasati ari tsananguro.” Bva ndaza iri kukura ye“zvinoitika” yakanga yamuparira kubvunza mibvunzo.

Imwe nyanzvi yokurapwa kwezvirwere zvendangariro, muwani womubairo weNobel Fred Hoyle, mubhuku rake rinonzi The Intelligent Universe, akakurukura zvinoitika zvimwe chete izvozvo zvakavanzika izvo zvakanetsa Greenstein: “Zvinhu zvakadaro zvinoratidzira kuva zvinomhanya nomujira renyika romusikirwo rakafanana neshinda yetsaona dzinofadza. Asi kune zvakawanda kwazvo zveizvi zvinoitika zvapanguva imwe cheteyo kuupenyu izvo dzimwe tsananguro dzinoratidzika kuva dzinoda kuzvidavirira.” Hoyle anobvumiranawo naGreenstein kuti hazvina kungoerekana zvaitika. Somuuyo, Hoyle anoti, ‘mavambo echisiko chapose pose anoda uchenjeri,’ ‘uchenjeri pamupata wakakwirira,’ ‘uchenjeri hwakatitangira uye uhwo hwakatungamirirwa kuchiito chokungwarira chechisiko chamativi akakodzera upenyu.’

Einstein akataura nezvaMwari asi kwete mupfungwa yorudzidziso rwechiJudha. Pfungwa yake yaMwari yakafanana no“mudzimu mukuru zvikuru” waakaona uchiziviswa muchisiko. Timothy Ferris, munyaya yake, inoti “Mumwe Einstein,” akanokora mashoko Einstein sezvinotevera: “Chandinoona muchisiko chimiro chakaisvonaka chatinogona kunzwisisa nenzira isina kukwana bedzi, uye ichocho chinofanira kuzadza munhu anofunga nokunzwa kwo‘kuzvininipisa.’ Uku kunzwa kwapachokwadi kworudzidziso uko kusina chokuita nokuvanzika. . . . Kuva worudzidziso kwangu kune mukudiwa kwokuzvininipisa mudzimu mukuru zvikuru uyo unozvizivisa umene muzvishomanene izvo isu, nenzwisiso yedu ine utera neyechinguvana, tinogona kunzwisisa chaizvoizvo. . . . Ndinoda kuziva kuti Mwari akasika sei nyika ino. Ndinoda kuziva mifungo yake, zvimwe zvose zvasara udzame.”

Guy Murchie, pashure pokukurukura zvimwe zvezvakavanzika zvisinganzwisisiki zvechisiko chapose pose, anotsinhira mubhuku rake rinonzi The Seven Mysteries of Life: “Kuri nyore kuona chikonzero nei nyanzvi dzokurapa zvirwere zvendangariro dzazvino uno, idzo dzave dzichisundira ganhuriro yezivo muzvisingazivikanwi zvimwe zvakakura zvikuru kupfuura vamwe vezvesayenzi vapi navapi mumazana amakore achangobva kupfuura, vari mberi kwavose vavabiyavo mukugamuchira chakavanzika ichocho chakapoteredza chechisiko chapose pose chinowanzonongedzerwa kwachiri saMwari.”

Tsvaka Mwari, Zvibetsere Umene, Rarama Nokusingaperi

Munhu ari kutsvangadzira. Chaari kutsvangadzira ndiMwari. Vamwe vakanga vachiita ikoku muzuva raPauro. Iye akati: “Kuti ivo vatsvake Mwari, kana vangamutsvangadzira ndokumuwana chaizvoizvo, kunyange zvazvo, kutaura idi, asati ari kure nomumwe nomumwe wedu.” (Mabasa 17:27) Hakuna mhuka inotsvangadzira Mwari. Hakuna kunyange imwe ine pfungwa ipi neipi yaMwari. Munhu anodaro, akaitwa murufanano rwaMwari, ane musiano usingachinjiki unoparadzanisa munhu kunyange nemhuka dzakakwirira zvikuru. Uye sokutiudza kunoita rugwaro, Mwari “haasati ari kure nomumwe nomumwe wedu.”

Tinoona ufakazi hwake kunzvimbo iri yose yakatipoteredza hunoratidzirwa muzvisiko zvake, sokutaura kunoita VaRoma 1:20, kuti: “Mavara ake asingaoneki anooneka zvakajeka muchisiko chenyika zvichienda mberi, nemhaka yokuti anocherekedzwa kupfurikidza nezvinhu zvakaitwa, kunyange simba rake risingagumi noUmwari, kuti varege kupembedzwa.” Sezvo vezvesayenzi vanoona zvinoitika zvakawanda zvapanguva imwe cheteyo zvisingatsananguriki nezvivako ndokurangarira zvinoshamisa zvinotyisa zviri muchisiko chapose pose, zvichida vakawanda kwazvo vavo vachanzwisisa Uchenjeri Hukuru hunoshanda seri kwamativi iwayo ndokuziva Musiki wavo, Jehovha Mwari.

Pasi nokuzara kwaro ndezvaJehovha. Iye anogadza mipimo nokuda kwaavo vachararama pariri. Akapa mipimo yechokwadi senhungamiro kumufarwa noupenyu. Akapawo vanhu rusununguko rwokusarudza. Havafaniri kumuteerera. Vangadyara chavangada, asi vachakohwawo chavakadyara pane imwe nguva. Mwari haafaniri kunyombwa. Iye akapa mipimo yechokwadi, kwete nokuda kwake amene, asi nokuda kwokubetserwa kwavadzorwi vake pasi pano. Ndizvo zvinotaura Isaya 48:17, 18 (NW), kuti: “Ini, Jehovha, ndini Mwari wako, Uyo anokudzidzisa kuti uzvibatsire, Uyo anokuparira kufamba munzira yaunofanira kufamba nayo. Haiwa! kudai bedzi ungapa ngwariro kumirairo yangu! Ipapo rugare rwako rwaizova rwakafanana norwizi, uye kururama kwako kufanana namafungu egungwa.”

Vachiteerera chikumbiro chechokwadi chaJehovha, vanhu vose vachafamba munzira yavanofanira uye vachapa ngwariro kumirairo yoMusiki wavo. Vose vachazvibetsera vamene norugare rwakafanana norwizi nokururama kwakafanana namafungu egungwa. Vose vachashandisa mipimo yakagarwa nhaka uye havasati vachizotamburazve kuputsika kwetsika. Uye zvose izvozvi zvichaitika riniko? Apo munyengetero unopindurwa, nokukurumidza, wokuti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitike, somudenga, napasi panowo.”—Mateo 6:10.

[Mifananidzo iri papeji 23]

Kutenderedzwa kwejeti

Kubvisa munyu mumvura ine munyu

Kugadzirwa kwamapepa

Ngarava dzinoita chamunyurududu

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe