Hurumende Ichachengeta Tsika Dzinodiwa naMwari
FUNGIDZIRA nyika ine hurumende imwe chete bedzi yevanhu vemadzinza ose nomutauro. Fungidzira hurumende inozivikanwa kuti inochengeta tsika dzakakwirira uye kuti haisvibisi denga nepasi, inobvisa hondo, ruvengo, utsotsi, urombo, urwere, uye kunyange rufu!
‘Zvinofadza, asi hazviiti,’ ungadaro. Aiwa, hazvisi zvinhu zvisingabviri. Kutaura zvazviri, ichokwadi. Jesu Kristu akapikira hurumende yakadaro. Akadzidzisa vateveri vake kuti vainyengeterere: “Ipapo, munofanira kunyengetera kudai: ‘Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitike, pasi panowo, sokudenga.’”—Mateu 6:9, 10.
Pamwe unoziva mashoko omunyengetero iwoyo nokuti mamiriyoni evanhu munyika yose vanouziva kana kuti vakambounzwa. Asi wakambonyatsofungisisa zvinonyatsorehwa nemashoko acho here? Cherechedza kuti Umambo hwakabatana nokuitika kweizvo Mwari anoda panyika. Saka, Umambo hwaMwari chii? Uye Mwari anodei nokuda kwepasi redu?
Zvinorehwa Nokuti Umambo hwaMwari
Imwe rondedzero youmambo ndeyokuti ihurumende inotungamirirwa namambo. Umambo hwaMwari inzira yaJehovha Mwari yokushandisa uchangamire hwake pazvose zvakasikwa. Ihurumende yakaisvonaka inotungamirirwa noMwanakomana wake, Jesu Kristu. Kana zviri izvo Mwari anoda nezvepasi pano, izvi zvinotaurwa zvakajeka pana Pisarema 37:10, 11 kuti: “Kwasara chinguva chiduku, wakaipa haachazovipo; zvirokwazvo, iwe uchacherekedza zvakanaka paaigara, asi haachazovipo. Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.”
Saka kana uchinzwa usina tariro pamusana petsika dzenyika ino dziri kuderera, iva netariro. Bhaibheri rinopikira kuti nokukurumidza mamiriro ezvinhu enyika netsika dzayo zvichachinja kwazvo. Chipikirwa chokuti munguva pfupi Umambo hwaMwari huchatonga nyika kuti husimbise tsika dzinodiwa naMwari chikonzero chechokwadi chetariro.
Kudzidza kuvimba nezvipikirwa zvoUmambo hwaMwari kunogona kuita kuti pfungwa yedu yokunzwa takachengeteka iwedzere. Funga nezvezvimwe zvinhu zvichavapo kana Umambo ihwohwo hwotonga” “Uyai muone mabasa aJehovha, zvishamiso zvaakaita panyika. Unogumisa kurwa kusvikira pakuguma kwenyika.” (Pisarema 46:8, 9) Chipikirwa chorugare nokuchengeteka chakaisvonaka zvechokwadi!
Muuprofita hunotaura zvaMambo woUmambo hwaMwari, Jesu Kristu, Pisarema 72:12-14 inoti: “Ucharwira mushayiwi kana achidanidzira, nomurombo usina mubatsiri. Uchanzwira nyasha murombo nomushayiwi, uchaponesa mweya yavashayiwi. Uchadzikinura mweya yavo pakutambudzika napakumanikidzwa; ropa ravo richava chinhu chinokosha pamberi pake.”
Tsika dzeBhaibheri
Funga nezvedzimwe tsika dzinokurudzirwa neBhaibheri: “Vanofara avo vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu.” (Mateu 5:3) Imwe ndeiyi: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose.”—Zvirevo 3:5, 6.
Bhaibheri rinodzidzisawo kuti tine mutoro pazvinhu zvatinokoshesa zvatinosarudza kurarama maererano nazvo. Chimbofunga Muparidzi 11:9 inoti: “Fara hako, iwe jaya, pauduku hwako, mwoyo wako ngaukufadze pamazuva oujaya hwako; famba nenzira dzomwoyo wako, napakuona kwameso ako; asi uzive kuti Mwari uchazokutonga pamusoro paizvozvo zvose.” Kuzvidavirira nokuda kwezviito zvedu kunotaurwa zvakananga pana Zvirevo 2:21, 22 kuti: “Vakarurama vachagara panyika, vakakwana vacharambirapo. Asi vakaipa vachaparadzwa panyika; vanoita nokunyengedzera vachadzurwapo.”
Tiine tariro iyi inokurudzira yehurumende yakarurama, zvinobatsira kwazvo kutanga ushamwari hwepedyo naMwari! Kusonganira nevamwe vanodawo kutongwa noUmambo hwaMwari kuchatibatsira kurarama nenzira ichaita kuti tizova pasi pokutonga kwoUmambo hwake hune mbiri uye kuwana zvibereko zvetsika dzakaisvonaka dzahuchakurudzira.
[Mufananidzo uri papeji 10]
Vanyoro “vachagara nhaka yenyika” uye “vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.”—PISAREMA 37:11.