Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndinogona Sei Kuita Kuti Vamwe Vandiremekedze?
“Pane dzimwe nguva paunotanga kutaura nomukuru, kwakafanana nokutaura norusvingo.”—Paul.
“Ndinokuvenga apo vakura vanosakuvimba.”—Matt.
“Vabereki vangu vanondifuratira kana kuti vanoratidzika savari kuteerera, asi havadaro. Unotaura wataurazve ndokubvunza kuti, ‘Mandinzwa here?’ uye vanopindura, ‘Hum-m-m.’ Havazivi chaizvoizvo chawataura.”—Paula.
RUREMEKEDZO—neiko kwakaoma kwazvo kuita kuti vamwe vakubate noruremekedzo rwakati dukupei? Unoda kunzwiwa, kurangarirwa zvakakomba. Naizvozvo apo vakura—zvikurukuru vabereki vako—uye vaenzani vanokufuratira, vanokuita kuti kunzwa kwako kuve kusingakoshi, vanokuita sokunge wakachenjera zvishoma, kana kuti vanokuisa munzvimbo yako, kunogona kukuvadza chaizvoizvo.
Kunongova kwomuzvarirwo kuda kukudzwa navamwe. Bhaibheri rimene rinotikurudzira ku“wana nyasha nouchenjeri hwakanaka mumeso aMwari noomunhu wapasi.” (Zvirevo 3:4, NW) Uye pwere dzoumwari munguva dzeBhaibheri dzakaita saizvozvo. Somuenzaniso, murume muduku ainzi Timotio akava neropafadzo yokuperekedza muapostora Pauro panzendo dzake dzoufundisi. Neiko? Akanga “achishumwa zvakanaka nehama,” awana ruremekedzo rwavo. (Mabasa 16:1, 2) Uye pana Jesu amene, uyo sepwere “akapfuurira kufambira mberi muuchenjeri nomukukura kwomuviri uye munyasha naMwari navanhu.”—Ruka 2:52, NW.
Chokwadi, iwe hausi Jesu. Uye kuwana ruremekedzo rwavamwe hakusi nyore paunenge uri muduku. Kutanga, Bhaibheri rinobatanidza pwere no‘kusava noruzivo rwokuzviwanira’ nesimba risingadzorwi; zivo nouchenjeri zvinouya nezera. (Zvirevo 1:4; 20:29; Jobho 32:6, 7) Kazhinji kazhinji, ipapoka, vanhu havapi pwere ruremekedzo rwakafanana rwavanopa vakuru. Hakuna kunaka here? Zvichida. Asi iidi roupenyu raunofanira kubata naro. Kupfuurirazve, pwere zhinji dzakazviitira dzimene zita rakashata. Somuuyo, vamwe vakuru vanofunga nenzira isina kururama kuti pwere dzose dzino“pandukira,” “dzinoregeredza mutoro,” kana kuti “dzine upenzi.”
Mune dzimwe nyika, tsika, magamuchidzanwa, uye chinjo dzinokurumidza dzenzanga zvakakudza mukaha uri pakati pepwere navakuru. MuAfrica, somuenzaniso, pwere zhinji dzine betsero dzedzidzo idzo vabereki vadzo vasina kuva nadzo. Kupfuurirazve, vangazviwana vamene vari murwisano yenguva dzose navakura vavo avo vanodzorwa nemipimo yamagamuchidzanwa. Vakura kazhinji kazhinji vanotsamwiswa zvikuru nezvavanonzwisisa sokusava noruremekedzo kana kuti kunyange kupandukira kwepwere.
Chipi nechipi chiri mugariro wako, kuchada kutanga chaikoiko nebasa rakaoma kuti uwane ruremekedzo rwavamwe. Asi kunogona kuitwa.
Chimwe Chinhu Chinofanira Kuwanwa
Kutanga, ziva kuti ruremekedzo harusati ruri chimwe chinhu chokungoisawo hacho pauri nemhaka yokuti unoruda, kana kuti unogona kuita kuti mumwe munhu akuremekedze. Ruremekedzo ndichimwe chinhu chaunowana. Munguva dzeBhaibheri munhu Jobho akaremekedzwa zvikuru munzanga yake. “Varume vaduku vaivanda nokukurumidza pavaindiona,” akayeuka kudaro Jobho, “uye varume vakura vaisimuka kuti vandiratidze ruremekedzo rwakadaro.” Zvisinei, Jobho nenzira yakajeka akawana ruremekedzo. “Munhu ari wose uyo akandiona kana kuti akanzwa nezvangu akanga ane zvinhu zvakanaka zvokutaura pamusoro pezvandakanga ndaita,” Jobho akatsanangura kudaro. Hungu, Jobho akanga ane chinyorwa chenguva dzose chomufambiro wakarurama.—Jobho 29:7-17, Today’s English Version.
Chinyorwa chorudzii chawakazviitira umene? Wakashandisa zano rakapiwa Timotio here? “Munhu upi noupi ngaarege chose kuzvidza upwere hwako,” akadaro Pauro. “Mukusiana, iva muenzaniso kuna vakatendeka mukutaura, mumufambiro, murudo, mukutenda, murucheno.” (1 Timotio 4:12, NW) Iwewo unogona kuva muenzaniso wakafanirwa noruremekedzo. Kufunda Shoko raMwari kunogona kukubetsera kuita saizvozvo. Wezvamapisarema akati: “Ndinoda mutemo wenyu sei! . . . Ndakava nenzwisiso yakawanda kupfuura vadzidzisi vangu vose, nemhaka yokuti zviyeuchidzo zvenyu iitiro hanya kwandiri. Ndinozvibata nenzwisiso zhinji kupfuura varume vakura, nemhaka yokuti ndakateerera mirairo yenyu mumene.”—Pisarema 119:97, 99, 100.
MaKristu biyako ane chokwadi chokukuremekedza kana ukakudziridza nzwisiso yakadaro yomudzimu. Cherekedza, zvisinei, kuti unofanirawo ‘kuchengeta,’ kana kuti kushandisa, zano reBhaibheri. Imwe pwere yomuAfrica inonzi Charles yakarangarira zvakakomba murairo weBhaibheri woku“ita vadzidzi” ndokuva muevhangeri wenguva yakazara pazera ramakore 16 uye zvino inobatira pane imwe hofisi rebazu reWatch Tower Society. (Mateo 28:19, 20) Muenzaniso wayo wokutendeka mukutaura wakaparira vamwe kuiremekedza uye kwakaguma nomufaro mukuru womunhu oga. Iyo inoti: “Upenyu muiri basa hunofadza chete. Kushanda pedyo navarume voumwari vane ruzivo rwokuzviwanira rukuru kwakandivaka chaizvoizvo. Mufaro usingaenzaniswi.”
Nzira Dzokuwana Nadzo Ruremekedzo
Imwe nzira inokosha yokuwana nayo ruremekedzo ndeyokuva muenzaniso mumufambiro. Salome, chimwe Chapupu chiduku chomuAfrica, chinoyeuka nezvoupwere hwacho, kuti: “Handina kuvambirana neboka. Panzvimbo pezvo, ndakarwisa zvakaoma kutsigira nheyo dzechiKristu panguva dzose. Ndaiedza kuva ane ndangariro inokoshesa zvinhu, ane tsika, uye anoremekedza kuvamwe—kunyange vana.” Chokwadi, ungashorwa ndokusekwa nokuda kwokuva akasiana. (1 Petro 4:4) Asi somuchinoitika chaSalome, vamwe kazhinji kazhinji vachakuremekedza nokuzengurira nokuda kwako.
Cherekedzawo, kuti Salome akaita nhamburiko chaiyo yokuva anoremekedza vamwe. Ruremekedzo runobereka ruremekedzo. Nokudaro VaRoma 12:10, (NW) inoti: “Mukuratidzira rukudzo kune mumwe nomumwe tungamirirai.” Kureva nhema nokumonyanisa zvokwadi, kuseka kwoutsinye, kuita vamwe vanhu vanyajambwa vamajee, kuganza kana kuti kushusha—idzodzi hadzisati dziri nzira dzokubata vamwe norukudzo. Pakupedzisira, dzinoderedza ruremekedzo urwo vamwe vanarwo nokuda kwako.
Kunokosha zvikuru kuti tiratidze rukudzo noruremekedzo kuna avo vari munzvimbo dzechiremera. (1 Petro 2:17) Somuenzaniso, mumwe mutezo weboka ramapurisa akamboti: “Vana nhasi kashoma kuti ‘Ishe.’” Unobata sei avo vane chiremera—vadzidzisi, vakuru vakuru vamapurisa, vatarisiri vezvikoro? Kana uchitaurwa zvakanaka nokuda kwokuva anoremekedza kuvanhu vari muchiremera, kuri sezvingabvira zvikuru kuti vanhu vakadaro vachakubata nomwero wakati woruremekedzo.—Enzanisa naMateo 7:2.
Kuremekedza Vakura
Mudzimwe tsika mune mitemo yechigarire yomufambiro iyo pwere inokarirwa kutevera. MuGhana, somuenzaniso, vanhu vakura vazhinji havafariri zvikuru pwere inotaura navo maoko ari muhomwe yayo kana kuti inoita majangariko kwavari noruoko rwayo rworuboshwe. Tsika dzakadaro dzenzanga dzingaratidzika kuva dzechienzi kuvagari venyika dzokuMadokero uye dzechinyakare kunyange kudzimwe pwere dzomuAfrica, asi hadzirambiki kumaKristu. Zvamazvirokwazvo, Bhaibheri rinotikurudzira kudzivisa kutsamwisa vamwe zvisiri madikanwa.—2 VaKorinte 6:3.
Kumwe kutaura kwakarovedzeka muGhana ndokwokuti: “Mwana anofanira kubvisa makwati hozhwa asi kwete kamba.” Namamwe mashoko, mabasa akati anokarirwa kuitwa navakura, kwete pwere. Ikoku kungaratidzika zvikuru kuva kusina kunaka nokunoderedza kwauri. Asi uyo anoramba tsika dzomunzvimbomo kupfurikidza nokubvuta chiremera chavakura kazhinji kazhinji achafungwa nezvake seasingaremekedzi. Uchaita zvakawanda zvikuru kuti uwane ruremekedzo rwavamwe kana ukaziva nzvimbo yako yakaderera ndokudzidza kugonana nayo.
Bhaibheri rinoti pana Revhitiko 19:32, (NW): “Unofanira kusimukira vhudzi chena, uye unofanira kuratidza kurangarira munhu womurume akura, uye unofanira kutya Mwari wako. Ndini Jehovha.” Pakufamba nechifambiso chavose, unorega nokudisa chigaro chako nokuda kwavanhu vakura here? Pakutaura, unongwarira mutauro wako here? Unoteerera nenzira yokuremekedza here?
Kuwana Ruremekedzo Rwezvitendero Zvako
Zvakadiniko, kunyanguvezvo, kana vamwe vakasakuremekedza nemhaka yezvitendero zvako zvorudzidziso? Somuenzaniso, pwere pakati peZvapupu zvaJehovha kazhinji kazhinji dzinomanikidzirwa navadzidzisi navezera rimwero kutora rutivi mumiitiro yokutsigira nyika yadzinogara nemibato yorudzidziso inoputsa nheyo dzeBhaibheri. Vasingakwanisi kunzwisisa chikonzero nei pwere dziri Zvapupu dzichiita kumira kwokutsunga kwakadaro, vamwe vangarangarira zvitendero zvavo noruzvidzo. Pwere dziri Zvapupu dzingatoiswa kuruvengo.
Rangarira, kunyanguvezvo, pwere yomuAfrica yatichadana kuti Kwasi kuti yakazvibata imene sei. “Handina kutongonzvenga zvidzidzo,” inotsanangura kudaro, “uye ndaitsigira mibato yaisaputsa hana yangu. Chinokosha zvikuru, ndakaita kuti kumira kwangu somumwe weZvapupu zvaJehovha kujeke kubvira pamavambo chaipo.” Kutendeka kwaKwasi, kukoshesa zvinhu, uye nheyo dzakasimba kwakamuita kuti adiwe navadzidzisi navadzidzi zvakafanana. Anowedzera, kuti: “Ndaifanira kutsanangura chimiro changu pane dzimwe nguva—kamwe kumukuru wechikoro uye vashandi vake vose—asi mirangariro yangu yakanga ichiremekedzwa nguva dzose.”
Hungu, zvibate umene nomutoo unoparira vamwe kukuremekedza. Usingamanikidziri zvitendero zvako pavamwe, “nguva dzose [iva] akagadzirira kuita dziviriro pamberi pomunhu ari wose anoraira chikonzero chetariro iri mauri, asi uchiita kudaro pamwe chete nokuzvidzora noruremekedzo rukuru.” (1 Petro 3:151 Peter 3:15, NW) Dzivisa kuzvibata nenzira ipi neipi iyo ingaparira ‘shoko raMwari kutaurwa nenzira yokutuka.’ (Tito 2:5) Ikoko kungabatanidza mupfekero wechienzi nomutoo worutsvindo uye kugamuchira zvimiro zvokuzvimirira kana kuti zvokupandukira.
Chokwadika, Bhaibheri rinokukurudzira ku‘fara muupwere hwako,’ uye hakuna anokukarira kuita zvakafanana nomunhu wamakore 50 okukura. (Muparidzi 11:9) Asi kupfurikidza nokuva muenzaniso mukutaura kwako nomufambiro, ungawana ruremekedzo nechivimbo zvavamwe.
[Mufananidzo uri papeji 29]
Kutakura mutwaro womunhu akura imwe nzira yechokwadi yokuwana nayo ruremekedzo