RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w25 September pp. 14-19
  • Ratidza Kuti Unoremekedza Vamwe

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ratidza Kuti Unoremekedza Vamwe
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ZVINOREVEI KUREMEKEDZA VAMWE?
  • RATIDZA KUTI UNOREMEKEDZA VANHU VEMUMHURI YAKO
  • RATIDZA KUTI UNOREMEKEDZA VANHU VEMUUNGANO
  • RATIDZA KUTI UNOREMEKEDZA VANHU VASIRI ZVAPUPU
  • Vanhu Vachiri Kuremekedzana Here?
    Mukai!—2024
  • Unotanga Iwe Kukudza Vamwe Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Nei Tichifanira Kuremekedza Vane Masimba?
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
  • Ndinogona Sei Kuita Kuti Vamwe Vandiremekedze?
    Mukai!—1992
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
w25 September pp. 14-19

NYAYA YEKUDZIDZA 38

RWIYO 120 Tevedzera Unyoro hwaKristu

Ratidza Kuti Unoremekedza Vamwe

“Kuremekedzwa kunopfuura kuva nesirivha negoridhe.”—ZVIR. 22:1.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza kuti nei tichifanira kuratidza kuti tinoremekedza vamwe uye kuti tingazviita sei kunyange pazvinenge zvakaoma.

1. Nei vanhu vachifara pavanoremekedzwa? (Zvirevo 22:1)

MUNHU wese anofara kana akaremekedzwa. Ndiwo masikirwo atakaitwa. Paunoremekedzwa, unonzwawo kuti uri munhu pane vamwe. Ndosaka Bhaibheri richitaura kuti “kuremekedzwa kunopfuura kuva nesirivha negoridhe.”—Verenga Zvirevo 22:1.

2-3. Nei dzimwe nguva zvisiri nyore kuremekedza vamwe, uye tichadzidzei munyaya ino?

2 Dzimwe nguva zvakaoma kuti tiremekedze vamwe. Chimwe chinoita kuti zvidaro ndechekuti tinoona zvavanokanganisa. Uyewo, tiri kurarama panguva yekuti vanhu vakawanda havaremekedzi vamwe. Asi isu hatifaniri kuvatevedzera. Nemhaka yei? Nekuti Jehovha anoda kuti tiremekedze, kana kuti ‘tikudze vanhu vese.’—1 Pet. 2:17.

3 Munyaya ino tichakurukura kuti zvinomborevei kuremekedza vamwe uye kuti tingaratidza sei kuti tinoremekedza (1) vanhu vemumhuri medu, (2) vanhu vatinonamata navo, uye (3) vanhu vasiri Zvapupu. Tichanyanya kuisa pfungwa pakuti tingaratidza sei kuti tinoremekedza vamwe pazvinenge zvakaoma.

ZVINOREVEI KUREMEKEDZA VAMWE?

4. Zvinorevei kuremekedza vamwe?

4 Kukudza kana kuti kuremekedza vamwe zvinomborevei? Kukudza kana kuti kuremekedza vamwe zvinoreva maonero atinovaita uye mabatiro atinovaita. Patinoona kuti mumwe munhu ane unhu hwakanaka, ane zvinhu zvakanaka zvaakaita, kana kuti ane chinzvimbo chiri pamusoro pedu, tinomubata nenzira inoratidza kuti tinomukudza kana kuti tinomuremekedza. Uye zvinokosha kuti tiite izvi zvichibva pamwoyo.—Mat. 15:8.

5. Chii chinogona kutibatsira kuti tiremekedze vamwe?

5 Jehovha anoda kuti tiremekedze vamwe. MuShoko rake anototiudza kuti tiremekedze “vanhu vane masimba.” (VaR. 13:​1, 7) Asi vamwe vanogona kutaura kuti: “Ini handina hangu dambudziko nekuremekedza vanhu, asi kana munhu achiita zvinhu zvisina musoro handimuremekedzi.” Mafungiro iwayo akanaka here? Aiwa. Sevashumiri vaJehovha, tinoziva kuti hatingoremekedzi vanhu nemhaka yezvavanoita chete, asi tinovaremekedza nemhaka yekuti tinoda Jehovha uye tinoda kumufadza.—Josh. 4:14; 1 Pet. 3:15.

6. Zvinoita here kuti tiremekedze munhu asingatiremekedze? Tsanangura. (Onawo mufananidzo.)

6 Munhu anokwanisa here kuremekedza munhu asingamuremekedzi? Ehe zvinoita. Ngatimboonai mienzaniso inotevera. Mambo Sauro akanyadzisa mwanakomana wake Jonatani pamberi pevanhu. (1 Sam. 20:​30-34) Asi Jonatani akaramba achiremekedza baba vake, avo vaiva mambo, uye akaramba achivatsigira pavainorwa hondo kusvikira pavakazofa. (Eks. 20:12; 2 Sam. 1:23) Mupristi Mukuru Eri akapomera Hana kuti akanga akadhakwa. (1 Sam. 1:​12-14) Asi iye Eri wacho aitadza kutsiura vana vake avo vaitozivikanwa nevaIsraeri vese kuti vaiita zvakaipa. Kunyange zvazvo Hana aiziva kuti Eri aikundikana kuita basa rake sababa uye semupristi mukuru, haana kumutsamwira, asi akataura naye neruremekedzo. (1 Sam. 1:​15-18; 2:​22-24) Uyewo varume vekuAtene vakashora muapostora Pauro vachitaura kuti: “Munhu uyu anongowawata.” (Mab. 17:18) Pasinei nezvavakataura, Pauro akataura navo neruremekedzo. (Mab. 17:22) Zvese izvi zvinotiratidza kuti kana tichida Jehovha zvakadzama uye tichida kumufadza, tinokwanisa kuremekedza vamwe kunyange pazvinenge zvakaoma. Iye zvino ngatichikurukurai kuti ndiani watinofanira kuremekedza uye kuti nei tichifanira kudaro.

Jonatani, Sauro nemasoja eIsraeri vari muhondo vachirwa vachishandisa mapakatwa, mapfumo, uye vakabata nhoo.

Jonatani akaramba achidzivirira uye achitsigira baba vake kunyange zvazvo vakanga vamunyadzisa (Ona ndima 6)


RATIDZA KUTI UNOREMEKEDZA VANHU VEMUMHURI YAKO

7. Chii chinogona kuita kuti zvitiomere kuremekedza vanhu vemumhuri medu?

7 Chinoita kuti zviome. Tinogara tiine vanhu vemumhuri medu. Saka tinoziva zvavanogona uyewo zvavanokanganisa. Vamwe vanogona kunge vaine chirwere chinoita kuti zvitiomere kuvachengeta kana kuti vanogona kunge vachigara vachingonetseka mupfungwa. Vamwewo vanogona kutaura kana kuita zvinhu zvinotirwadza. Vanhu vemumhuri pavanotadza kuremekedzana, zvinoita kuti mumba macho musava nemufaro uye vasagarisana zvakanaka. Tinogona kuenzanisa mhuri nemuviri wemunhu. Kana munhu aine chirwere chaainacho zvinotadzisa muviri wake kuti unyatsoshanda zvakanaka. Ndizvo zvinoitikawo kana vanhu vemumhuri vasingaremekedzani. Zvinhu hazvinyatsofambi zvakanaka mumhuri macho. Asi zvirwere zvakawanda zvinogona kurapika, munhu orarama zvakanaka. Kungofanana naizvozvo, zvinokwanisika kuti vanhu vemumhuri vadzidze kuremekedzana, vogarisana zvakanaka.

8. Nei zvichikosha kuti tiratidze kuti tinoremekedza vanhu vemumhuri medu? (1 Timoti 5:​4, 8)

8 Nei tichifanira kuremekedza vanhu vemumhuri? (Verenga 1 Timoti 5:​4, 8.) Mutsamba yekutanga yaakanyorera Timoti, Pauro akataura kuti vanhu vemumhuri vanofanira kuchengetana sei. Akatsanangura kuti tinofanira kukudza vanhu vemumhuri medu kwete nekungoti hapana zvekuzviita asi nekuti tinoda kuratidza kuti ‘takazvipira kuna Mwari.’ Izvi zvinoreva kuti tinoremekedza vanhu vemumhuri medu nekuti tinoda Jehovha uye patinoita izvozvo, itori nzira yekumunamata. Jehovha ndiye akatanga urongwa hwemhuri. (VaEf. 3:​14, 15) Saka patinokudza munhu ari mumhuri yedu, tinenge tichitokudza Jehovha uyo akatanga urongwa hwemhuri. Kungoziva izvozvo kunofanira kuita kuti tide kuratidza kuti tinoremekedza vanhu vemumhuri medu!

9. Murume nemudzimai vangaratidza sei kuti vanoremekedzana? (Onawo mifananidzo.)

9 Zvatingaita kuti tiremekedze vanhu mumhuri. Murume anokudza mudzimai wake paanomuratidza kuti anomukoshesa, vangava vari vega kana kuti paine vamwe vanhu. (Zvir. 31:28; 1 Pet. 3:7) Haambomurove, kumunyadzisa, kana kumuita kuti anzwe sekuti haabatsiri. Imwe hama inonzi Ariel,a inogara kuArgentina inoti: “Nemhaka yekurwara kunoita mudzimai wangu, dzimwe nguva anotaura zvinhu zvinondirwadza. Izvi pazvinoitika, ndinozviyeuchidza kuti zvaataura handizvo zviri pamwoyo pake. Uyewo ndinoyeuka mashoko a1 VaKorinde 13:5. Mashoko iwayo anondibatsira kuti nditaure zvine ruremekedzo, pane kuti ndimupindure nehasha.” (Zvir. 19:11) Mudzimai anokudza murume wake paanotaura mashoko anoratidza kuti anomuremekedza kunyange murume wacho asipo. (VaEf. 5:33) Haamutsvinyiri, kumutsoropodza, kumupa mazita emadunhurirwa, kana kumupopotera. Anonzwisisa kuti kana akaita izvozvo, anenge achitoputsa musha wake. (Zvir. 14:1) Imwe hanzvadzi yekuItaly ine murume anogara achingonetseka mupfungwa inoti: “Dzimwe nguva ndinoona sekuti murume wangu anenge achingonetseka nezvinhu zvisina basa. Kare zvandaitaura uye zvandaiita chiso changu zvairatidza kuti ndinenge ndichitobhowekana nezvaari kuita. Asi ndakazoona kuti pandinoshamwaridzana nevanhu vanotaura zvakanaka nezvevamwe uye vanoremekedza vamwe zvinoita kuti ndide kuwedzera kuremekedza murume wangu.”

Mifananidzo: Murume nemudzimai vari kuratidza kuti vanoremekedzana. 1. Murume wacho ari kutaura nemudzimai wake zvakanaka vachibika zvekudya mukicheni. 2. Mudzimai wacho anorumbidza murume wake murume wacho paanenge achipa mumwe muenzi zvekudya.

Patinoratidza kuti tinoremekedza vanhu vemumhuri medu, tinenge tichitokudza Jehovha Musoro wemhuri yedu (Ona ndima 9)


10. Vana vangaratidza sei kuti vanoremekedza vabereki vavo?

10 Vana, teererai mitemo yamunopiwa nevabereki venyu. (VaEf. 6:​1-3) Taurai navo zvine ruremekedzo. (Eks. 21:17) Vabereki venyu pavanokura, vanogona kunge vava kuda kubatsirwa kuita zvimwe zvinhu. Ratidzai kuti munovaremekedza nekuita zvese zvamunogona kuti muvabatsire. Ngatimboonai zvakaitika kuna María, uyo ana baba vasiri Chapupu chaJehovha. Baba vake pavakarwara, María akatanga kuvachengeta, asi baba vacho vainetsa zvisingaiti. María anoti: “Ndakanyengetera kuna Jehovha kuti andibatsire kuremekedza baba vangu uyewo kuti ndikwanise kuzviratidza nezvandaiita. Ndaiziva kuti kana Jehovha achitarisira kuti ndikudze vabereki vangu anogona kundipawo simba racho rekuzviita. Nekufamba kwaiita nguva, ndakazoona kuti kunyange kana baba vangu vakasachinja maitiro avo, ini ndaifanira kungoramba ndichiratidza kuti ndinovaremekedza.” Patinokudza vanhu vemumhuri medu pasinei nezvavanokanganisa, tinoratidza kuti tinoremekedza Jehovha, uyo akatanga urongwa hwemhuri.

RATIDZA KUTI UNOREMEKEDZA VANHU VEMUUNGANO

11. Nei dzimwe nguva zvichitiomera kuti tiremekedze vanhu vatinonamata navo?

11 Chinoita kuti zviome. Vanhu vatinonamata navo vanorarama vachitevedzera zvinodzidziswa neBhaibheri. Asi dzimwe nguva vamwe vanogona kutibata zvisina kunaka, kutifungira zvisiri izvo, kana kuita zvinhu zvinotisvota. Kana munhu watinonamata naye ‘aine chaakatitadzira,’ zvinogona kutiomera kuti tirambe tichimuremekedza. (VaK. 3:13) Kana zvinhu zvakadaro zvikaitika, chii chingatibatsira?

12. Nei zvichikosha kuti tiratidze kuti tinoremekedza vanhu vatinonamata navo? (2 Petro 2:​9-12)

12 Nei tichifanira kuremekedza vanhu vemuungano? (Verenga 2 Petro 2:​9-12.) Mutsamba yake yechipiri yakafemerwa, Petro akataura kuti vamwe vaiva muungano yechiKristu yekutanga vaitaura zvinhu zvairatidza kuti vaisaremekedza “vaya vanokudzwa,” kureva vakuru vemuungano. Ngirozi dzakatendeka dzakaita sei padzakaona izvi zvichiitika? Hadzina kutombotaura kunyange shoko rimwe chete rekutuka vanhu ivavo vaiita zvakaipa “nekuti dzinoremekedza Jehovha.” Chimbozvifunga. Ngirozi idzodzo, idzo dzakanga dzisina kana chivi, hadzina kana kuda kutaura kunyange shoko rimwe chete rekutuka varume ivavo vaizvikudza. Asi dzakasiyira Jehovha kuti atonge nyaya yacho. (VaR. 14:​10-12; enzanisa naJudha 9.) Tinowana chidzidzo pane zvakaitwa nengirozi idzi. Tinofanira kuremekedza kunyange vanhu vanotipikisa. Saka kana tichifanira kuremekedza vanhu vanotipikisa, ko kuzoti hama nehanzvadzi dzedu dzatinonamata nadzo? Tinotofanira kudzikudza. Ndosaka Bhaibheri richitaura kuti: “Pakukudzana, mumwe nemumwe wenyu ngaatange iye.” (VaR. 12:10) Patinoita izvozvo tinoratidza kuti tinoremekedza Jehovha.

13-14. Tingaratidza sei kuti tinoremekedza vamwe muungano? Taura mienzaniso. (Onawo mifananidzo.)

13 Zvatingaita kuti tiremekedze vanhu vemuungano. Vakuru, pese pamunodzidzisa vamwe, zviitei nerudo. (Fir. 8, 9) Kana muchifanira kupa mumwe munhu zano, taurai naye zvakanaka uye musazviita makagumbuka. Hanzvadzi, munogona kubatsirawo kuti vanhu vari muungano varemekedzane kana mukasataura makuhwa kana mashoko anosvibisa mazita evamwe. (Tito 2:​3-5) Uyewo tese zvedu tinogona kuratidza kuti tinoremekedza vakuru vemuungano nekutsigira zvavanenge vasarudza uye kuvaudza kuti tinotenda kushanda nesimba kwavanoita pakutungamirira pamisangano, pabasa rekuparidza nepakubatsira vaya vanenge ‘vava kurasika.’—VaG. 6:1; 1 Tim. 5:17.

14 Imwe hanzvadzi inonzi Rocío, yaiomerwa nekuremekedza mumwe mukuru akanga aipa zano. Hanzvadzi yacho yakati: “Ndakagumbuka nekuti ndaiona sekuti hama iyoyo yakanga isina kutaura neni zvakanaka. Pandakasvika kumba, ndakataura zvakaipa nezvayo. Kunyange zvazvo ndaiedza kuti ndisazviratidza, mumwoyo mangu ndaiona sekuti hama iyoyo yakanga isingandifariri saka handina kushandisa zano rayakandipa.” Chii chakazobatsira Rocío? Anotsanangura kuti: “Pandaiverenga Bhaibheri, ndakasvika pavhesi ya1 VaTesaronika 5:​12, 13. Pandakaona kuti ndakanga ndisiri kuremekedza hama iyi, hana yangu yakatanga kunditongesa. Ndakanyengetera kuna Jehovha, ndikatsvakurudza mumabhuku edu kuti ndiwane mashoko aigona kundibatsira kugadzirisa mafungiro angu. Ndakazoona kuti hama iyi haisiri iyo yakanga iine dambudziko asi kuti ndini ndaizvikudza. Iye zvino ndava kunzwisisa kuti kana ndichida kuremekedza vamwe ndinofanira kuva munhu anozvininipisa. Ndichiri kushanda kuti ndiwedzere kuratidza kuti ndinoremekedza vamwe uye ndiri kuona kuti Jehovha ari kufara nezvandiri kuita.”

Mifananidzo: Hanzvadzi yechikuru iri kuverenga Bhaibheri uye ichifunga nezvekushanda nesimba kunoita vakuru vachiita mabasa akasiyana-siyana. 1. Mukuru ari kupa hurukuro pamusangano weungano. 2. Ari kubatsira imwe hama iri pawiricheya. 3. Ari kubvisa sinou panofamba nevanhu kunze kweImba yeUmambo.

Tese zvedu tinokwanisa kuratidza kuti tinoremekedza vakuru veungano nekuteerera zvavanotiudza uye kuvatenda nekushanda nesimba kwavanoita (Ona ndima 13-14)


RATIDZA KUTI UNOREMEKEDZA VANHU VASIRI ZVAPUPU

15. Nei dzimwe nguva zvichitiomera kuremekedza vanhu vasiri Zvapupu?

15 Chinoita kuti zviome. Patinenge tichiparidza, tinogara tichisangana nevanhu vasina basa naMwari kana kuti Bhaibheri. (VaEf. 4:18) Vamwe havatombodi kunzwa mashoko atinoparidza nemhaka yemarererwo avakaitwa. Vamwe vanhu vatinoshanda navo kana kuti vatinodzidza navo vanogona kunge vasingatibati zvakanaka uye tinogona kunge tiine mudzidzisi kana kuti munhu watinoshandira asingatombokoshesi basa ratinoita. Nguva zvainenge ichifamba, tinogona kupedzisira tisisaremekedzi vanhu ivavo zvotitadzisa kuvabata zvakanaka.

16. Nei zvichikosha kuti tiratidze kuti tinoremekedza vaya vasati vava kushumira Jehovha? (1 Petro 2:12; 3:15)

16 Nei tichifanira kuremekedza vanhu vasiri Zvapupu? Yeuka kuti Jehovha anoona mabatiro atinoita vaya vasati vava kumushumira uye ane basa nazvo. Muapostora Petro akayeuchidza vaKristu kuti kana vakaita zvakanaka, vamwe vanhu vaigona ‘kukudza Mwari.’ Ndosaka Petro akarayira vaKristu kuti pavaitsanangura zvavaitenda, vazviite “neunyoro neruremekedzo rukuru.” (Verenga 1 Petro 2:12; 3:15.) Pasinei nekuti muKristu ari kufanira kutsanangura zvaanotenda pamberi pedare here kana kuti kutsanangurirawo mumwe munhu, nguva dzese anofanira kuzviita zvine ruremekedzo. Izvi zvinokosha nekuti Jehovha anoona uye anonzwa zvese zvatinotaura uyewo matauriro atinozviita. Izvozvo zvinofanira kuita kuti tiremekedze vaya vasati vava kushumira Jehovha!

17. Tingaratidza sei kuti tinoremekedza vaya vasiri Zvapupu?

17 Zvatingaita kuti tiremekedze vanhu vasiri Zvapupu. Patinenge tichiparidza, hatitombofaniri kutarisira vamwe vanhu pasi nekuti havazivi zvakawanda nezveBhaibheri. Asi tinofanira kuyeuka kuti vanhu ivavo vanokosheswa chaizvo naMwari uye tinofanira kuvaona sevakuru kwatiri. (Hag. 2:7; VaF. 2:3) Kana mumwe munhu akakushora nemhaka yezvaunotenda, usadzorerawo. Semuenzaniso, hatitombofaniri kutaura zvinhu zvinoita kuti tiite setakangwara asi tichitsamwisa vamwe. (1 Pet. 2:23) Kana ukataura chimwe chinhu chisina kunaka, ibva wakurumidza kukumbira ruregerero. Ungaratidza sei kuti unoremekedza vanhu vekubasa? Iva munhu anoshanda nesimba uye edzawo kuona zvakanaka zvinoitwa nevaya vaunoshanda navo uyewo vaya vaunoshandira. (Tito 2:​9, 10) Kana uri munhu akatendeka uye anoshanda nesimba, vamwe vanogona kufara nazvo asi vamwe vangasafara nazvo. Asi pasinei nezvinofungwa nevanhu, ziva kuti unenge uchifadza Jehovha.—VaK. 3:​22, 23.

18. Nei zvichikosha kuti tiremekedze vamwe uyewo tizviratidze nezvatinoita?

18 Tine zvikonzero zvakawanda zvekuti tiremekedze vamwe! Taona kuti patinoremekedza vanhu vemumhuri medu, tinenge tichitokudza Jehovha uyo akatanga urongwa hwemhuri. Uyewo patinoremekedza hama nehanzvadzi dzedu, tinenge tichitokudza Baba vedu vekudenga. Patinoremekedzawo vaya vasati vava Zvapupu, tinenge tichitovapa mukana wekuti rimwe zuva vazokudzawo Mwari wedu. Kunyange kana tikaremekedza vanhu asi ivo vorega kutiremekedzawo, zvinokosha kuti tingovaremekedza uye kuti tizviratidze nezvatinoita. Nei tichidaro? Nekuti Jehovha achatikomborera. Anovimbisa kuti: “Vaya vanondikudza ndichavakudza.”—1 Sam. 2:30.

UNGAPINDURA SEI?

  • Tingaratidza sei kuti tinoremekedza vanhu vemumhuri medu?

  • Tingaratidza sei kuti tinoremekedza vanhu vemuungano?

  • Tingaratidza sei kuti tinoremekedza vanhu vasiri Zvapupu?

RWIYO 129 Ticharamba Tichitsungirira

a Mamwe mazita akachinjwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe