Panogona Kuva Zvomenemene Nehondo Yakarurama Here?
KWAMAZANA amakore, chiKristudhomu chakaita kutaura kwakawanda pamusoro pomufungo we“hondo yakarurama.” Gore rakapera magazini yeTime yakabudisa ndaza yezvinodikanwa zvehwaro zvitanhatu izvo vafundisi vanorangarira kuti hondo inofanira kusvitsa kuti irangarirwe kuva “yakarurama.” Nhau inotsigira kuti hakuna neimwe yehondo dzakatsigirwa nechiKristudhomu yakasvitsa chaizvoizvo izvi zvinodikanwa.
Asi Har–Magedhoni, hondo iyo Mwari akapikira kuunza mukurwisana neiyi tsika yakashata yezvinhu, inosvitsa zvitanhatu zvose zvomupimo wavafundisi.
“Inoronda ‘chisakiso chakarurama,’ chakadai sokuzvidzivirira kana kuti kukundwa kwechakashata.” Har–Magedhoni ichaputsanya kuvapo kwamativi ose enyika yakaipa iyo Satani Dhiabhorosi ari mwari wayo. Nokudaro, kunogona kutaurwa nezvoMurwi waMwari “Akatendeka Nowazvokwadi” paHar–Magedhoni, Kristu Jesu, kuti “iye anotonga uye anoita hondo mukururama.”—Zvakazarurwa 19:11, NW; 2 VaKorinte 4:4.
“Inoziviswa uye inotungamirirwa ne‘chiremera chinokwanisa.’” Har–Magedhoni inoziviswa mukusapotsa seiri “hondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose”—hondo yake. Ndiani hake angava chiremera chinokwanisa zvikuru kupinda Musiki wechisiko chapose pose amene?—Zvakazarurwa 16:14; onawo 11:17, 18; enzanisa naIsaya 36:10.
“Ndiko kwo‘kutendeukira kwokupedzisira’ pashure pokunge mutoo worugare wakundikana.” Kwezviuru zvamakore zvino, Musiki akakurudzira—kunyange kukumbirisa—rudzi rwomunhu kuti “ruve runoyananiswa naMwari” uye kuti “rubatire Jehovha norutyo.” Asi kupfurikidza nokutendeudzira nzeve isinganzwi yambiro nenyevero zvorugare zvinobva kuna Mwari kwamakore ane 6 000, vanhu vakasiya Musiki asina kwokutendeukira kunze kwehondo.—2 VaKorinte 5:20, NW; Pisarema 2:2, 10-12.
“Zvisinei ine ‘bviro’ yorubudiriro.” Rangarira mativi anoshorana. Kune rumwe rutivi kune simba romubatanidzwa ramarudzi enyika ino, namatura avo ose ezvombo zvinotyisa. Kune rumwe rutivi kune Musiki wechisiko chapose pose. Chimwe chezvisiko zvake zviduku, zuva, ichoto chikurusa chokuputika kwenyukireya chakasimba zvikuru kwazvo zvokuti kunyange kudai marudzi aizoputisa zvombo zvawo zvose zvenyukireya mukuputika kumwe kukurusa, kuputika ikoko kungaratidzika sokubvira kwemachisi mukuenzanisa. Jehovha pakuda kwake ane mauto ose ane simba echisiko okuva nechokwadi chokuti hondo ichawana rubudiriro rwechokwadi.—Isaya 40:15; 54:17.
“Inowirirana ne‘mwero wakaenzana’—zvakanaka zvinowanwa zvichapfuura kuvadziko inoitwa.” Rangarira nguva yemberi isina hondo yaMwari yeHar–Magedhoni. Rudzi rwomunhu rwakakombamira nomutoo usingachinji pakuzviparadza rumene. Asiirwa kumirangariro yake amene, munhu angada nguva refu yakadini kuti aparadze nyika ino ndokuenda nomutoo usina kukodzera mumugwagwa wokutsakatika, marudzi ayo munhu akaita kuti atsakatike? Achava masikati mamwe chete here okuputika kwenyukireya? kana kuti makumi amakore mashomanene okushatiswa kwenyika? Mutoo upi kana upi, rudzi rwomunhu rwashurikidzwa kana Mwari asingapindiri muzvinhu zvavanhu. Kune rumwe rutivi, rangarira zvipikirwa zvakanaka zveHar–Magedhoni zvichawanwa—nguva yemberi yorugare yavanhu vane umwari panyika ino, kusisinazve shatiswo, kusisinazve hondo, kusisinazve urombo, kusisinazve hosha kana kuti kunyange rufu. Mwari anopikira, kuti: “Tarirai! Ini ndinoita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.”—Zvakazarurwa 21:3-5, NW.
“Ino‘sarura,’ ichidzivisa kuvadziko kuna vasati vari varwi kwakunobvira.” Har–Magedhoni ichava inosarudza. “Vaiti vezvakaipa ivo vamene vachaparadzwa, asi avo vanokarira muna Jehovha ndivo vachagara papasi.”—Pisarema 37:9.
Avo vose vafarira kupukunyuka iyi hondo yakarurama zvamazvirokwazvo vanodikanirwa kudzidza hwaro hwo“kukarira muna Jehovha” kupfurikidza nefundo yomunhu oga yeShoko rake.