RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w07 2/1 p. 31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Mashoko Akafanana
  • “Muchinda woRugare” Anangana neArmagedhoni
    Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo “Muchinda woRugare”
  • Panogona Kuva Zvomenemene Nehondo Yakarurama Here?
    Mukai!—1992
  • Amagedhoni
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Amagedhoni—Mavambo Anofadza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
w07 2/1 p. 31

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

“Hondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose” icharwiwa paAmagedhoni chii, uye ichaguma nei?—Zvakazarurwa 16:14, 16.

Zvichitaurwa nenzira iri nyore, hondo yeAmagedhoni ihondo icharwiwa munyika yose munguva yemberi, Jesu Kristu Mambo waJehovha akagadzwa paachaparadza vavengi vaMwari. Bhaibheri rinotsanangura kuti vavengi ava, “madzimambo enyika yose inogarwa,” vanounganidzwa no“kutaura kunofuridzirwa nemadhimoni” uye vanounganidzirwa “kuhondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose . . . kunzvimbo inonzi Ha-Magedhoni muchiHebheru.”—Zvakazarurwa 16:14, 16.

Nzvimbo inoungana mapoka ari kurwa haisi nzvimbo chaiyoiyo. Zita rokuti Amagedhoni, rinoshandurwa kuti “Ha-Magedhoni” mune dzimwe shanduro dzeBhaibheri, rinoreva kuti “Gomo reMegidho.” (Zvakazarurwa 16:16) Hapana kumbova negomo rine zita iroro. Uyezve, hazvingaiti kuti “madzimambo enyika nemauto avo” aungane panzvimbo imwe chete chaiyo. (Zvakazarurwa 19:19) Kutaura zvazviri, “nzvimbo” yacho inoreva mamiriro ezvinhu ayo vatongi vezvematongerwo enyika vepasi pano nevatsigiri vavo vanopinzwa maari—okushora Jehovha ne“mauto akanga ari kudenga” anotungamirirwa na“Mambo wemadzimambo naShe wemadzishe,” iye Jesu Kristu.—Zvakazarurwa 19:14, 16.

Zviri pachena kuti shoko rokuti “Amagedhoni” rine chokuita neguta rekare revaIsraeri rainzi Megidho. Zvaraiva kumabvazuva kweGomo reKameri, muMegidho ndimo maipfuura nevaiita zvokutengeserana uye ndimo maifamba nevarwi mazuva iwayo. Yaivawo nzvimbo yairwirwa hondo dzakawanda. Somuenzaniso, Mutongi Bharaki weIsraeri akakunda uto revaKenani raiva rakasimba raitungamirirwa noMukuru Mukuru Sisera “pedyo nemvura yeMegidho.” (Vatongi 4:12-24; 5:19, 20) Mutongi Gidhiyoni akarakasha vaMidhiyani munzvimbo iyoyowo. (Vatongi 7:1-22) Bhaibheri parinoti Megidho ine chokuita nehondo ichauya, rinotivimbisa kuti Mwari achakunda zvachose mauto ose anorwisana naye, achishandisa Mwanakomana wake.

Zvichaguma nei? Hondo yeAmagedhoni ichabvisa uori hwose nouipi panyika. Ichaita kuti pave nenguva ine mbiri zvikuru munhoroondo yevanhu. (Zvakazarurwa 21:1-4) Ichitarisirwa norudo noUmambo hwaMwari, nyika ichachinjwa kuva paradhiso muchagara vanhu vakarurama nokusingaperi.—Pisarema 37:29.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe